bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Matthew 1
Matthew 1
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 2 →
1
Uyu ndiwo mudungwe wamazita amadzitateguru aJesu Kristu Mwanakomana waDhavhidhi mwanakomana waAbhurahamu.
2
Abhurahamu akabereka Isaki; Isaki akaberekawo Jakobho; Jakobho ndokuberekawo Judha; navanun'una vake.
3
Judha akabereka Faresi naZera; akavabereka naTamari. Faresi akabereka Esiromu; Esiromu akaberekawo Aramu
4
Aramu akabereka Aminadhabhu; Aminadhabhu akaberekawo Naashoni; Naashoni ndokuberekawo Sarimoni.
5
Sarimoni ndokuzoberekawo Bhoazi, akamubereka naRahabhu Bhoazi akabereka Obedhi akamuberekawo naRute. Obedhi akazoberekawo Jese
6
Jese akabereka mambo Dhavhidhi Dhavhidhi akabereka Soromoni nomukadzi waUria.
7
Soromoni akabereka Rehobhoamu, Rehobhoamu akaberekawo Abhiya. Abhiya ndokubereka Asafu.
8
Asafu akabereka Jehoshafati; Jehoshafati akaberekawo Joramu; Joramu ndokubereka Uziya;
9
Uziya akabereka Jotamu. Jotamu akabereka Ahazi Ahazi akazoberekawo Hezekia
10
Hezekia akabereka Manase. Manasewo akabereka Amosi. Amosi ndokubereka Josia
11
Josia akabereka Jokonia navakoma navanun'una vake panguva yavakatapwa kuenda kuBhabhironi.
12
Mushure mehutapwa ihwohwo kuBhabhironi, Jokonia akabereka Sheatieri Sheatieri akabereka Zerubhabheri.
13
Zerubhabheri akabereka Abhihudhi; Abhihudhi akaberekawo Eriyakimu; Eriyakimu ndokubereka Azori.
14
Azori akabereka Zadhoki; Zadhokiwo akabereka Akimu; Akimu akaberekawo Erihudhi.
15
Erihudhi akabereka Eriazari Eriazari akaberekawo Matani Matani akabereka Jakobho.
16
Jakobho akabereka Josefi murume waMaria, Maria ndiye akazobereka Jesu anonzi Kristu.
17
Nezvo zvizvarwa zvose kubvira pana Abhurahamu kusvikira pana Dhavhidhi pane zvizvarwa gumi nezvina. Kubvirawo pana Dhavhidhi kusvikira pautapwa hokuBhabhironi pane zvizvarwa gumi nezvina. Kubvirawo pahutapwa huya hokuBhabhironi kusvika kuna iye Kristu pane zvizvarwa gumi nezvina.
18
Uku ndiko kuberekwa kwakaitwa Jesu Kristu. Amai vake Maria vakanga vachangoroorwa naJosefi. Vasati vagara vose Maria akaonekwa ava napamuviri nesimba raMweya Mutsvene.
19
Murume wake Josefi somunhu akanga akarurama, uye pamusana pokusada kumufumura, akafunga zvokumuramba chinyararire.
20
Paakanga achiri kufunga izvi, hoyo mutumwa waTenzi akazviratidza kwaari mukurota achiti, “Josefi mwanakomana waDhavhidhi usatye zvako kutora Maria mukadzi wako nokuti pamuviri paanapo akapaita nesimba raMweya Mutsvene.
21
Achapona Mwanakomana waunofanira kutumidza zita rokuti Jesu nokuti achaponesa vanhu vake kuzvitadzo zvavo.”
22
Zvose izvi zvakaitika kuzadzisa zvakanga zvataurwa naTenzi nomuromo womuporofita uya zvokuti:
23
“Tarirai, mhandara ichava napamuviri ichizobereka mwana mukomana. Zita rake richazonzi Imanueri” (zvinoreva kuti Mwari Anesu.)
24
Josefi paakamuka akaita sokuudzwa kwaakanga aitwa nomutumwa waTenzi.
25
Akatora mudzimai wake asi haana kuzivana naye kusvikira apona mwana mukomana. Akamutumidza zita rokuti Jesu.
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 2 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28