bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Matthew 28
Matthew 28
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 27
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
1
Zvino kuzoti Sabata rapfuura, mambakwedza ezuva rokutanga revhiki, Maria Magadharena nomumwe Maria uya vakaenda kuguva.
2
Heko kundengendeka kukuru kwenyika kwakaitika nokuti mutumwa waMwari akaburuka kubva kudenga. Akauya akakungurutsa dombo riya ndokugara pamusoro paro.
3
Aitarisika semheni, hanzu dzake dzakachena kuti mbuu samazaya echando.
4
Mapurisa aya akadedera nokumutya vakati papata sokunge vafa.
5
Asi mutumwa akati kumadzimai, “Imi musatye henyu nokuti ndinoziva kuti murikutsvaka Jesu akaroverwa pamuchinjikwa.
6
Haapo pano nokuti amuka sezvaakareva. Uyai muone paanga arere.
7
Zvino chiendai nokukurumidza mundoudza vadzidzi vake kuti amuka muvafi. Arikufanokutungamirirai kuGarirea. Muchamuona ikoko. Hezvoka ndakutaurirai.”
8
Nokudaro vakabva paguva nokukurumidza zvabatana nokutya nokufara kukuru. Vakamhanya kundoudza vadzidzi vake.
9
Jesu akabva asangana navo akati, “Kwaziwai” ivo vakauya kwaari vakabata tsoka dzake vachimugwadamira.
10
Jesu akati kwavari, “Musatye. Chiendai mundotaurira hama dzangu kuti dziende kuGarirea. Ndiko kwavachandiona ikoko.”
11
Madzimai aya pavakanga vachienda, mamwe mapurisa aya akaenda muguta akataurira vapristi vakuru zvose zvakanga zvaitika.
12
Vakaita dare navakuru vakuru ndokuita zano rokupa masoja chitsama chakati kuti chemari
13
vachiti, “Taurirai vanhu kuti vadzidzi vake vakauya usiku vakamuba isu takakotsira.”
14
Izvi zvikanzwika munzeve dzagavhuna, isu ndisu tichapedzerana naye kuti murege kuva nechinokutambudzai.
15
Saizvozvowo vakatora mari iya vakaita sezvavakanga vataurirwa. Rungano urwu rwakaparidzirwa muvaJudha kusvika pari nhasi.
16
Vane gumi nomumwechete vakaenda kuGarirea, kugomo ravakanga vataurirwa naJesu.
17
Pavakamuona vakamugwadamira asi vamwe vakanga vasina chokwadi nazvo.
18
Jesu akauya akati kwavari, “Simba rose pasi nokudenga rakapiwa kwandiri.
19
Naizvozvo endai mundodzidzisa marudzi ose avanhu muvaombeke muzita raBaba neroMwanakomana neraMweya Mutsvene
20
muchivadzidzisa kuchengeta zvose zvandakuudzai. Uye tarisai muone, ndinemi nguva dzose kusvikira kuguma kwapasi.”
← Chapter 27
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
Recommended Reading
Commentary
Matthew Commentaries
→
Devotional
Matthew Devotional Guide
→
Get This Bible
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona) Study Bible
→