bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Matthew 6
Matthew 6
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 5
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 7 →
1
“Ngwarirai kuti murege kuita zvokushamisira pamberi pavanhu kuti vakuonei mukuita kwenyu kwakarurama. Nokuti mukadaro hamuzowana mubayiro unobva kuna Baba venyu vari kudenga.
2
“Nezvo kana mopa zvipo musaridze hwamanda sezvinoita vanyengedzi mumasinagogu; nomumigwagwa kuti varumbidzwe navanhu. Zvechokwadi chaizvo, ndinoti kwamuri, vakatowana mubayiro wavo kare.
3
Asi kana mopa zvipo, ruoko rwenyu rworuboshe ngarurege kuziva zviri kuitwa norudyi kuti kupa kwenyu zvipo kuve kwomuchivande,
4
kuti Baba venyu vanoona muchivande vagokupai mubayiro.
5
“Kana mava kunamata regai kuita savanyengedzi. Vanoda kumira vachinamata mumasinagogu napamharadzano dzenzira vachiitira kuti vaonekwe navanhu. Chokwadi — chokwadi ndinoti kwamuri vakatowana mubayiro wavo kare.
6
Asi kana iwe wava kunamata, pinda mumba mako uzarire gonhi rako unamate kuna Baba vako vari muchivande. Ivo Baba vako vanoona zviri muchivande, vachakupa mubayiro.
7
“Asi imi kana mava kunamata regai kuzavaza sezvinoita vechirudzi nokuti vanofunga kuti vanonzwika nokuda kokuwanda kwamazwi avo.
8
Musafanane navo, nokuti Baba venyu vanoziva zvamunoda musati mavakumbira.
9
Nezvo namatai sezvizvi muchiti: ‘Baba vedu muri kudenga zita renyu ngariereswe.
10
Umambo hwenyu ngahuuye. Kuda kwenyu ngakuitwe pasi sokudenga.
11
Tipeiwo nhasi kudya kwedu kwezuva nezuva.
12
Tiregerereiwo zvitadzo zvedu, sokuregerera kwatinoita vanotitadzira
13
Musatirege tichipinda muchiedzo. Asi tinunureiwo kune zvakaipa. ’ Nokuti umambo ndowenyu, nesimba nembiri, narini narini. Ameni.
14
“Kana mukaregerera vanhu zvikanganiso zvavo, Baba venyu vokudenga vanokuregereraiwo zvikanganiso zvenyu.
15
Kana musingaregereri vanhu zvikanganiso zvavo, Baba venyuwo havakuregererei zvikanganiso zvenyu.
16
“Kana motsanya musasuruvarise uso sezvinoita vanyengedzi nokuti vanounyanisa kumeso kuti vaonekwe navanhu kuti vari kutsanya. Chokwadi chaizvo ndinoti kwamuri vatogamuchira mubayiro wavo.
17
“Asi kana imi motsanya, zorai musoro mafuta, mushambe uso hwenyu;
18
kuti kutsanya kwenyu kurege kuonekwa navanhu; asi kuti kuonekwe naBaba venyu vari muchivande. Ivo Baba venyu vanoona muchivande vachakupai mubayiro.
19
“Regai kuzviunganidzira upfumi panyika. Pahunodyiwa nezvipfukuto nengura nehonye, panozopazwa nembavha dzichiba.
20
Asi zviunganidzirei upfumi kudenga, kusina chipfukuto kana ngura inohudya, kusingapazwi nembavha dzichiba,
21
nokuti pano upfumi hwako ndipo pano mwoyo wakowo.
22
“Ziso ndiro mwenje womuviri. Nezvo kana ziso rako rakanaka muviri wako wose uchazara nechiedza.
23
Asi kana ziso rako risina kunaka muviri wako wose uchazara nerima. Zvino kana chiedza chiri mamuri chava rima, rima racho richava rakakura sei!
24
“Hapana munhu angashandire vatenzi vaviri, nokuti anogona kuvenga mumwe achida mumwe, kana kuti anoti kwati kwati nomumwe achizvidza mumwe. Haugoni kuva muranda waMwari nomuranda wemari. “Vimba naMwari kuti anokupa zvinokuraramisa.
25
Nezvo ndinoti kwamuri musazvidye mwoyo nezvoupenyu hwenyu kuti muchadyei kana kuti muchanwei kana nezvomuviri wenyu kuti muchapfekei. Ihwo upenyu hausi hwakakosha here kupinda chokudya, uye muviri haupfuuri chokupfeka here?
26
“Tarisai muone shiri dzedenga hadzidyari kana kukohwa kana kuunganidza mumatura asi Baba venyu vokudenga vanodzipa chokudya. Hamuna kukosha here kupinda idzo?
27
Ndiani wenyu angarebese upenyu hwake nechidimbu pamusana pokuzvidya mwoyo?
28
Ko munozvinetsereiko muchifunga nezvokupfeka? Tarisai muone maruva esango kuti anokura sei. Haabati basa kana kuruka.
29
Asi ndinoti kwamuri kunyange Soromoni pachake nembiri yake yose iya, akanga asina kushongedzwa serimwe raiwaya.
30
Kana Mwari achishongedza uswa homusango huripo nhasi uno, mangwana hwokandwa muchoto, haasi anokupfekedzai zvakatonyanya here imi vanhu vochitendero chiduku.
31
Saka musazvidye mwoyo muchiti tichadyei kana kuti tichanwei kana kuti tichapfekei.
32
Nokuti vechirudzi vanotsvaka zvose izvi asi Baba venyu vokudenga vanoziva kuti zvose izvi munozvida.
33
Imi, kutangira zvose tsvakai umambo hwake; noururami hwake, zvinhu zvose izvi zvichavawo zvenyu.
34
“Nezvo musazvidye mwoyo nezvamangwana nokuti mangwana achazvionera oga, zuva roga roga rine nhamo dzaro dzakarikwanira.”
← Chapter 5
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 7 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
Recommended Reading
Commentary
Matthew Commentaries
→
Devotional
Matthew Devotional Guide
→
Get This Bible
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona) Study Bible
→