bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Matthew 21
Matthew 21
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 20
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 22 →
1
Zvavakanga vavakusvika pedyo neJerusaremu, vakasvika kuBhetifage, pagomo reMiorivhi. Jesu akatuma vadzidzi vaviri achiti kwavari,
2
“Endai mumusha wakatarisana nemi muchasvikowana dhongi rakasungirirwa nomwana waro Asunungurei muuye nawo kwandiri.
3
Kana mumwe munhu akataura chinhu kwamuri, mutaurirei kuti, ‘Tenzi anoada uye achaadzosa nokukurumidza.’ ”
4
Izvi zvakaitika kuti zvizadzise zvakataurwa nomuporofita achiti,
5
“Taurirai mukunda, guta reZioni, kuti, tarira uone Mambo wako ari kuuya kwauri akazvininipisa, akatasva padhongi, padhongwana mwana wedhongi.”
6
Vadzidzi vakaenda vakandoita sezvavakanga vataurirwa naJesu.
7
Vakaunza dhongi nemwana waro. Vakawaridza hanzu dzavo pamadhongi aya, Jesu akabva atasva.
8
Vanhu vazhinji vegurumwandira riya vakawaridza hanzu dzavo mumugwagwa. Vamwe vakakwanhura masanzu emiti vachiawarira mumugwagwa.
9
Gurusvusvu ravanhu vaiva mberi nevaimutevera vaidaidzira vachiti, “Hosana kuMwanakomana waDhavhidhi, ngaarumbidzwe iye anouya muzita raTenzi. Hosana kumusorosoro.”
10
Paakapinda muJerusaremu, guta rose rakanyanduka richiti, “Ndiani uyu?”
11
Vanhu vazhinji vakati, “Uyu ndiye muporofita Jesu wokuNazareti yokuGarirea.”
12
Jesu akapinda muTemberi yaMwari akadzinga vakanga vachitengesa nokutenga muTemberi. Akapidigurira pasi tafura dzavanhu vokutsinhanisa mari nezvigaro zvaavo vaitengesa hangaiwa.
13
Akati kwavari zvakanyorwa zvichinzi, “Imba yangu ichanzi imba yokunamatira. Asi imi muri kuiita bako ramakororo.”
14
Mapofu nemhetamakumbo vakauya kwaari muTemberi akavarapa.
15
Vapristi vakuru nenyanzvi dzomutemo pavakaona zvinaniso zvaakaita navana vaduku vaidaidzira muTemberi vachiti, “Hosana kuMwanakomana waDhavhidhi” vakashatirwa.
16
Vakati kwaari, “Uri kunzwa here zviri kutaurwa navava.” Jesu akati kwavari, “Hongu, asi hamuna kumboverenga here kuti: “ ‘Mumiromo yavapwere navanoyamwa, makaburitsa kurumbidza kwakanakisisa.’ ”
17
Jesu akavasiya akabuda muguta akaenda kuBhetania akagarako.
18
Mangwanani paakanga ava kudzokera kuguta kuya, akanzwa nzara.
19
Paakaona muonde parutivi penzira akaenda pauri. Hapana chaakawana pauri kunze kwamashizha chete. Akati kwauri, “Usazombofa wakabereka muchero zvakare.” Muonde wakabva wauna pakarepo.
20
Vadzidzi pavakazviona vakashamiswa vachiti, “Ko muonde uyu wauna sei pakare pakarepo kudai?”
21
Jesu ndokuvapindura achiti, “Zvechokwadi ndinoti kwamuri, ‘Kana muine chitendero uye musingakahadziki hamuiti chete zvaitika kumuonde asi kunyange mukati kugomo iri simudzwa ukandwe munyanza zvichaitwa.
22
Chipi nechipi chamunokumbira mumunamato, muchazvigashira kana muine chitendero.’ ”
23
Paakapinda muTemberi, vapristi vakuru navakuru vakuru vavanhu vakauya kwaari paakanga achidzidzisa, vakati: “Unoita zvinhu izvi nesimba raani uye ndiani akakupa simba irori?”
24
Jesu akavapindura achiti, “Kana neniwo ndinoda kukubvunzai mubvunzo. Kana mukandipa mhinduro, ini ndinobva ndakutauriraiwo kuti ndinoita izvi nesimba raani.
25
Ruombeko rwaJohani rwakabvepi, kudenga here kana kuvanhu?” Vakataurirana vachiti, “Kana tikati rwakabva kudenga, iye achati kwatiri ko makaregerei kutenda kwaari?
26
Kana tikati rwakabva kuvanhu tinotya uzhinji hwavanhu. Nokuti vose vanoti Johani aiva muporofita.”
27
Saka vakapindura Jesu vachiti, “Hatizivi.” Iye akati kwavari, “Kana neniwo handikutaurirei kuti ndinoita izvi nesimba raani.
28
“Munofunga kuti kudii? Mumwe murume aiva navanakomana vaviri, akaenda kuna wokutanga wacho akati, ‘Mwanangu, enda nhasi undoshanda mumunda wamagirepisi.’
29
Iye akapindura achiti, ‘Handidi,’ asi pashure akazozvidzora akaenda.
30
Akaenda kune wechipiri akataura zvimwechetezvo. Mwanakomana akapindura achiti, ‘Ndinoenda changamire,’ asi haana kuenda.
31
Pakati pavaviri ava ndoupi akaita zvaidiwa nababa vake?” Ivo vakati, “Wokutanga.” Jesu akati kwavari, “Zvechokwadi, ndinoti kwamuri, vateresi nepfambi vachakutangirai kupinda muumambo hwaMwari.
32
Nokuti Johani akakuunzirai gwara roururami asi imi hamuna kutenda maari asi vateresi nepfambi vakatenda maari. Kunyange pamakazviona hamuna kutendeuka muchitenda kwaari.
33
“Teererai munzwe mumwe muenzaniso. Kwaiva nomumwe saimba akarima munda wamagirepisi ndokuukomberedza noruzhowa. Akacheramo guvi rokusvinira waini. Akavakawo nharire ndokuupa kuna vamwe varimi vokuushandisa vachimubhadhara, iye ndokuenda zvake kune imwe nyika.
34
Nguva yomuchero payakanga yava kusvika, akatuma varanda vake kuna vaya vaishandisa munda wake kuti awanewo muchero wake.
35
Vaishandisa munda wake vaya vakabata varanda vake, mumwe vakamurova, mumwe vakamuuraya, mumwe vakamutaka namabwe.
36
Akatumazve vamwe varanda, vakatowanda kupinda vokutanga vaya. Vakaita zvimwechetezvo kwavari.
37
Mushure mezvo akatuma mwanakomana wake kwavari achiti, ‘Vacharemekedza mwanakomana wangu.’
38
Vaya vaishandisa munda pavakaona mwanakomana uya vakati pachavo, ‘Uyu ndiyeka mugari wenhaka, uyai timuuraye tizotora nhaka yake.’
39
Vakamutora vakamukanda kunze kwomunda wamagirepisi vakamuuraya.
40
Saizvozvo, kana muridzi womunda wamagirepisi akauya achaitei kune vokushandisa munda wake vaya?” Ivo vakati kwaari,
41
“Achaparadza vanhu vakaipa ava norufu rwakaipisisa, achazopa munda wamagirepisi iwoyo kuna vamwe vokuti vaushandise vachimubhadhara vachimupa michero panguva yayo.”
42
Jesu akati kwavari, “Hamuna kumboverenga here muMagwaro Matsvene kuti, ‘Dombo rakarambwa navavaki ndiro rakazova romusimboti rapakona? Uku kuita kwaTenzi uye kunotishamisa zvikuru.’
43
Naizvozvo, ndinoti kwamuri umambo hwaMwari muchahutorerwa huchipiwa kuno rudzi runobereka muchero yaho.”
44
***
45
Vapristi vakuru navaFarisei pavakanzwa mienzaniso yake, vakazviona kuti aireva ivo.
46
Vaida kuti vamusunge asi vakatya uzhinji hwavanhu nokuti vaimutora somuporofita.
← Chapter 20
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 22 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28