bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Matthew 17
Matthew 17
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 16
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 18 →
1
Mushure memazuva matanhatu, Jesu akatora Pita naJemusi naJohani munun'una wake akavatungamirira mugomo refu vari pachavo.
2
Iye akasandurwa pamberi pavo. Uso hwake hwakapenya sezuva. Hanzu dzake dzakati mbuu kuchena sechiedza.
3
Ndokubva Mosesi naEriya vaonekwa vachitaura naJesu.
4
Pita akati kuna Jesu, “I — i, Tenzi, hakusi kunaka kwazvakaita ikoko kuti tive pano! Kana muchida zvenyu regai ndivake misasa mitatu pano. Mumwe wenyu mumwe waMosesi nomumwe waEriya.”
5
Achiri kutaura kudaro, hero gore rinopenya rakavafukidza; izwi rakabva mugore richiti, “Uyu ndiye Mwanakomana wangu wapamwoyo wandinofadzwa naye, zvikuru, munzwei.”
6
Vadzidzi pavakanzwa izvi vakati kota kota pasi nouso vabatwa nokutya kukuru.
7
Asi Jesu akauya akavabata achiti, “Simukai musatye.”
8
Pavakazosimudza uso havana wavakaona kunze kwaJesu oga.
9
Pavakanga vachiburuka mugomo, Jesu akavatsindidza kuti vasataurire munhu nezvechiratidzo ichocho, kusvikira Mwanakomana womunhu amutswa kuvakafa.
10
Vadzidzi vakamubvunza kuti, “Ko pamusana pei nyanzvi dzomutemo dzichiti Eriya anofanira kutanga auya?”
11
Iye akati, “Hongu Eriya anofanira kuuya, achizodzorera zvinhu zvose pakare.
12
Asi ndinokutaurirai kuti Eriya akatouya nechekare; asi havana kumuziva. Vakaita paari madiro avo. Saizvozvowo Mwanakomana womunhu achatambudzika ari mumaoko avo.”
13
Vadzidzi vakabva vanzwisisa kuti aireva Johani Muombeki.
14
Pavakasvika kumhomho yavanhu, mumwe murume akauya kwaari akapfugama pamberi pake
15
achiti, “Tenzi nzwirai tsitsi mwanakomana wangu nokuti anorwara netsviyo uye anotambura zvikuru. Kazhinji kaanowira mumoto uye kazhinji kaanowira mumvura.
16
Ndamuunza kuna vadzidzi venyu asi havana kugona kumurapa.”
17
Jesu akapindura achiti, “Aiwaiwa rudzi rusingatendi uru! Rudzi rwakarasika zvarwo. Ndichange ndinemi kusvikira rini? Ndichaita mwoyo murefu nemi kusvikira rini? Uyai naye kuno kwandiri.”
18
Jesu akamukarira, mweya wakaipa ukabva wabuda maari. Mukomana akabva arapwa pakarepo.
19
Vadzidzi vakauya kuna Jesu vari pachavo voga. Vakati, “Ko isu tatadza nei kuudzinga?”
20
Iye akati kwavari, “Pamusana perudaviro rwenyu rwudiki nokuti zvirokwazvo ndinoti kwamuri dai muine chitendero chakaita setsanga yemastadhi, maigona kuti kugomo iri ibva apo uende apo richibva rabva. Hapana chamainge musingakwanisi.”
21
***
22
Pavakanga vari pamwechete muGarirea Jesu akati kwavari, “Mwanakomana womunhu achaiswa mumaoko avanhu.
23
Vachamuuraya asi mushure memazuva matatu achamutswa.” Vakabva vasuruvara zvikuru.
24
Pavakasvika kuKapenaumu, vabhadharisi vomutero wehafu yemari yeshekeri vakaenda kuna Pita vakati, “Mudzidzisi wenyu haabhadhari mutero uyu here?”
25
Iye akati, “Hongu.” Paakadzoka kumba, Jesu ndiye akatanga kutaura kwaari achiti, “Unofunga kuti kudii Simoni? Ndavapi vanobvisiswa mutero nomuripo namadzimambo panyika? Vana vavo here kana kuti vamwe zvavo?”
26
Pita paakati vamwe zvavo. Jesu akati kwaari, “Saka vana havabhadhari, handiti?
27
Asi kuti tirege kuvagumbura enda kugungwa undokandamo chirauro utore hove yokutanga inenge yabatwa. Paunozarura muromo wayo uchawana shekeri. Ritore undobhadharira ini newe.”
← Chapter 16
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 18 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28