bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Matthew 11
Matthew 11
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 10
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 12 →
1
Jesu paakapedza kudzidzisa vadzidzi vake vane gumi navaviri, akabva ipapo avakundodzidzisa nokuparidza mumaguta avo.
2
Johani paakanzwa ari mujeri zvinhu zvakanga zvichiitwa naKristu, akatuma vadzidzi vake neshoko kwaari
3
rokuti, “Ndimi mainzi muchauya here kana kuti tomirira mumwe?”
4
Jesu akavapindura achiti, “Endai mundotaurira Johani zvamuri kunzwa nezvamuri kuona zvokuti,
5
“Mapofu ari kusvinudzwa. Mhetamakumbo dzavakufamba vana maperembudzi vari kunatswa. Vamatsi vavakunzwa, vakafa vari kumutswa uye varombo vari kuparidzwa Shoko Rakanaka.
6
Akakomborerwa zvake asingagumburiswi neni.”
7
Nhumwa dziya padzakanga dzavakuenda, Jesu akatanga kutaura kuruzhinji rwavanhu nezvaJohani, achiti, “Makaenda kurenje kundoonei? Rutsanga runozunguzwa nemhepo here?
8
Ko makaenderei? Kundoona munhu akapfeka hanzu dzakapfavirira here? Munoziva kuti vanopfeka hanzu dzakapfavirira vari mudzimba dzamadzimambo.
9
Ko zvino makaenderei? Kundoona muporofita here? Ndinokutii, ‘Hongu, uye munhu anotopfuura muporofita.’
10
Uyu ndiye uya akanyorwa nezvake zvichinzi, “ ‘Tarira ndinotuma nhume yangu; ichafanokugadzirira nzira yako pamberi pako.’
11
Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, kuna vose vakazvarwa navakadzi, hakuna mukuru kupinda Johani Muombeki asi mudiki wokupedzisira muumambo hwedenga mukuru kwaari.
12
Kubvira pamazuva aJohani Muombeki kusvikira iye zvino, umambo hwedenga hwakapinda mukurwiswa uye vanhu vechisimba vari kuhupamba.
13
Nokuti vaporofita vose nomutemo zvakaporofita kudzamara pana Johani.
14
Kana muchida zvenyu kuzvibvuma iye ndiye Eriya uya ainzi achauya.
15
Ane nzeve dzokunzwa ngaanzwe.
16
“Ko chizvarwa chino ndingachienzanise neiko? Chakafanana navana vagere pamisika vachidaidzira kuna vamwe vavo vachiti,
17
‘Takakuridzirai nyere, asi hamuna kutamba. Takaungudza, asi imi hamuna kuchema;
18
nokuti Johani akauya asingadyi kana kunwa asi vanhu vakati ano mweya wakaipa.
19
Mwanakomana womunhu akauya achidya uye achinwa.’ Vanhu vakati, ‘Tarisai muone munhu uyu ane nhafu uye chidhakwa neshamwari yavateresi navatadzi.’ Asi ungwaru hunopembedzwa namabasa aho.”
20
Jesu akatanga kutsiura maguta maakanga aita zvishamiso zvake zvizhinji nokuti havana kutendeuka.
21
Akati, “Zvichakuwana zvako iwe Korezeini; zvichakuwana iwe Bhetisaidha nokuti dai kuri kuti zvishamiso zvakaitwa mamuri zvakaitwa muTire nomuSidhoni, vangadai vakapinduka kare kare vakatopfeka masaga nokuzvizora madota.
22
Ndinokutaurirai kuti pazuva rokutongwa, zvichava nyore kuguta reTire nereSidhoni panemi.
23
Ko iwe Kapenaumu uchasimudzirwa kudenga here? Uchatodzikiswa kunzvimbo yavafi. Dai zvishamiso zvakaitwa mauri zvakaitwa muguta reSodhomu ringadai richimire nanhasi uno.
24
Chandinokutaurirai ndechokuti, ‘Pazuva rokutongwa, zvichava nyore kunyika yeSodhomu panewe.’ ”
25
Ipapo Jesu akati, “Ndinokutendai Baba, Tenzi wedenga napasi kuti makavanza zvinhu izvi kuna vakachenjera navanonzwisisa mukazvizivisa kuvana vaduku.
26
Hongu Baba, aya madiro enyu.
27
Zvinhu zvose zvakaiswa mumaoko angu naBaba vangu; uye hakuna anoziva Mwanakomana kusiya Baba uyewo hakuna anoziva Baba kusiya Mwanakomana nouyo anenge asarudzwa zvake naMwanakomana kuti amuzivise kwaari.
28
“Uyai kwandiri imi mose makaremerwa, makatakura mutoro unorema, ini ndichakuzorodzai.
29
Torai joko rangu mudzidze kwandiri nokuti ndine mwoyo munyoro uye ndakazvirereka muchazviwanira mwoyo yenyu zororo
30
nokuti joko rangu rakanaka uye mutoro wangu wakareruka.”
← Chapter 10
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 12 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28