bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Matthew 24
Matthew 24
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 23
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 25 →
1
Jesu paakanga achibva muTemberi avakuenda, vadzidzi vake vakauya kwaari vachimunongedzera dzimba dzeTemberi.
2
Asi iye akapindura achiti, “Muri kuona zvose izvi handiti, zvechokwadi ndinoti kwamuri hapachazosara dombo riri pamusoro perimwe risingazokoromotserwa pasi.”
3
Paakanga akagara pagomo roMuorivhi, vadzidzi vakauya kwaari vari voga pachavo vachiti, “Tiudzei, zvichaitika rinhi izvi uye chii chicharatidza kuti mavakuuya, uyewo kuti nyika yava kuguma?”
4
Jesu akavapindura achiti, “Chenjerai kuti murege kurasiswa naani zvake.
5
Nokuti kuna vazhinji vachauya nomuzita rangu vachiti ndini, ‘Kristu.’ Vacharasisa vazhinji.
6
Muchanzwa zvehondo namarehwarehwa ehondo. Musanyanye kutya zvenyu. Izvi zvinofanira kuti zviitike asi magumo anenge asati asvika.
7
Rudzi ruchamukirana norumwe rudzi noumambo huchamukirana nohumwe humambo. Kuchava nedzinzara nokundengendeka kwapasi munzvimbo dzakasiyana — siyana.
8
Iri rinenge riri romoromo chete ramatambudziko okusununguka.
9
Vachakupinzai mudambudziko vachikuurayai. Muchavengwa namarudzi ose pamusana pezita rangu.
10
Vazhinji vachakoromoka pakutenda kwavo. Vachacherana vachivengana.
11
Pachamuka vaporofita venhema vachizorasisa vanhu nzira.
12
Nokuda kokuti uipi hunenge hwawanda, rudo rwavazhinji ruchatonhora.
13
Asi uyo anotsungarara kusvikira kumagumo achaponeswa.
14
Shoko iri Rakanaka roumambo richaparidzwa pasi pose souchapupu kumarudzi ose. Ndipo panozouya kuguma.
15
“Naizvozvo kana moona chiya choumharadzi chinon'oresa chakarehwa nomuporofita Dhanieri chamira munzvimbo inoera (anoverenga ngaanzwisise.)
16
Ipapo vari muJudhea ngavatizire kumakomo.
17
Uyo anenge ari pamusoro pemba ngaarege kuburikira pasi kuti andotora zviri mumba make.
18
Anenge ari kumunda ngaarege kudzokera kundotora jasi rake.
19
Hameno zvavo vanenge vaina pamuviri navavo vanenge vachiri kuyamwisa pamazuva iwayo.
20
Namatai kuti kutiza kwenyu kusave panguva yechando kana kuti pazuva reSabata.
21
Nokuti kuchava nenhamo huru isati yamboitika kubvira pakutanga kwapasi kusvikira pari zvino uye hazvichazombofa zvakaitikazve.
22
Dai kuri kuti mazuva iwayo haana kutapudzwa, hapana munhu aiponeswa, asi pamusana pavakasarudzwa, mazuva iwayo achatapudzwa.
23
“Ipapo kana ani zvake akati kwamuri, ‘Tarisai houno Kristu kana kuti ari koko,’ musazvidavire
24
nokuti kuchamuka vana Kristu vamanyepo navaporofita venhema vachiratidza zviratidzo zvikuru nezvishamiso kuti vatsautse, kana zvakwanisika, kunyange vasarudzwi.
25
Chionai kuti ndakutaurirai zvisati zvaitika.
26
Naizvozvo kana vakati kwamuri, ‘Hoyo ari murenje, musabude muchiendako. Kana vakati ari mudzimba dzomukati’ musazvitenda.
27
Sokuvaima kunoita mheni kubva kumabvazuva kusvika kumadokero ndiko kuuya kuchaita Mwanakomana womunhu.
28
Pane chitunha, magora ndipo paanoungana.
29
“Nhamo yamazuva iwayo ichangobva mukupera, zuva richaora, mwedzi uchisvipa uye nyenyedzi dzichadonha kubva mudenga. Masimba omumatenga achazungunutswa.
30
Ndipo pachaonekwa mudenga chiratidzo choMwanakomana womunhu. Marudzi apasi pose achaungudza. Vachaona Mwanakomana womunhu achiuya ari mumakore edenga aine simba nembiri huru.
31
Iye achatuma vatumwa vake nehwamanda inorira kwazvo. Vachakokorodza vasarudzwi vake kubva kumativi mana enyika, kubvira kwakaperera nyika kusvikawo kwayakaperera rumwe rutivi.
32
“Dzidzai chidzidzo chinobva kumuonde. Kana bazi rawo rotunga, pfumvudza yobuda, munobva maziva kuti zhizha rava pedyo.
33
Naizvozvo imiwo kana moona izvi zvose, zivai kuti iye ava padyo, atova pamusuo chaipo.
34
Zvirokwazvo ndinoti kwamuri chizvarwa ichi hachimbopfuuri, zvinhu izvi zvisati zvaitika.
35
Denga napasi zvichapera asi mazwi angu haambopfuuri.
36
“Asi zvezuva iroro nenguva yacho hapana anozviziva kunyange vatumwa vedenga, kanawo Mwanakomana asi Baba voga.
37
Sezvazvakanga zvakaita pamazuva aNowa, ndizvozvowo zvazvichaita pakuuya kwoMwanakomana womunhu.
38
Sapamazuva iwayo, mafashamo emvura asati auya, vanhu vaidya nokunwa vachiroora nokuroorwa kusvikira pazuva rakapinda Nowa mungarava.
39
Havana kuziva kusvikira mafashamo auya akavatsvaira vose. Ndizvo zvazvichaita pakuuya kwoMwanakomana womunhu.
40
Pavarume vaviri vanenge vari mumunda, mumwe achatorwa mumwe achisiiwa.
41
Vakadzi vaviri vanenge vari paguyo vachikuya pamwechete, mumwe achatorwa mumwe achisiiwa.
42
Nezvo rindirai nokuti hamuzivi kuti Tenzi wenyu anouya zuva ripi.
43
Asi zivai izvi zvokuti dai saimba aiziva nguva yousiku ichauya nayo mbavha aigaririra. Haairega imba yake ichipazwa.
44
Saizvozvo nemiwo garai makagadzirira nokuti Mwanakomana womunhu anouya nenguva yamusingamutarisiri.
45
“Ndoupi zvino muranda wakatendeka uye akangwara anoiswa pabasa natenzi wake rokutarira vomumusha make kuti avape zvokudya zvavo nenguva kwayo?
46
Akakomborerwa muranda uyo anoti kana tenzi wake wouya anomuwana achiita saizvozvo.
47
Zvechokwadi, ndinoti kwamuri achamuita mukuru wezvose zvaanazvo.
48
Asi kana muranda uya akaipa, achizviti mumwoyo, ‘Tenzi wangu anonoka,’
49
iye wotanga kurova vamwe varanda naye, achidya nokunwa nezvidhakwa;
50
tenzi womuranda uyu achauya pazuva raasingamutarisiri uye panguva yaasingazivi,
51
omuranga achimuisa pamwechete navanyengedzi, ikoko vanhu vachachema vachirumanidza mazino.
← Chapter 23
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 25 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28