bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Matthew 18
Matthew 18
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 17
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 19 →
1
Nenguva iyoyo vadzidzi vakauya kuna Jesu vakati, “Ndiani mukuru kupinda vose muumambo hwedenga.”
2
Jesu akatora mwana akamuisa pakati pavo
3
akati, “Chokwadi chaizvo ndinoti kwamuri kana mukasapinduka muchiva savana vaduku hamumbopinda muumambo hwedenga.
4
Ani naani wose anozvirereka somwana uyu, ndiye mukuru kupinda vamwe vose muumambo hwedenga.
5
Ani naani wose anogamuchira mwana muduku akaita souyu muzita rangu anogamuchira ini.
6
“Aninaani anofurira mumwe wavaduku ava vanotenda mandiri kutadza, zvinotova nani kwaari kuti asungirirwe guyo mumutsipa make agonyudzwa pasi pasi pegungwa.
7
Nhamo ndeyayo nyika pamusana pekufurira kwainoita! Kufuririka kunototi kuitike asi nhamo ndeyake munhu uyo anoita kuti vamwe vafuririke.
8
“Kana ruoko rwako kana kuti rutsoka rwako ruchikukonzera kutadza rudimbure urwurase. Zviri nani kwauri kuti upinde muupenyu wakaremara kana kuti uri mhetamakumbo pano kukandwa mumoto usingadzimuki narini uina maoko maviri kana kuti tsoka mbiri.
9
Kana ziso rako richikurasisa risvukunure urirase. Zviri nani kwauri kupinda muupenyu neziso rimwechete pano kukandwa mugomba romoto una maziso maviri.
10
“Nyatsoonai kuti hamushori mumwe wevaduku ava nokuti ndinokutaurirai kuti kudenga vatumwa vavo vanogara vachiona uso hwaBaba vangu vari kudenga.
11
***
12
“Munofungei, ngatitii munhu ane zana rehwai. Imwe yadzo ikarasika, haasii here dzimwe makumi mapfumbamwe ane pfumbamwe dziri mumakomo achienda kundotsvaka iya yakarasika?
13
Kana akaiwana, zvechokwadi ndinokutaurirai kuti anoifarira kupinda makumi mapfumbamwe ane pfumbamwe dzisina kumborasika.
14
Saizvozvo Baba vangu vari kudenga havadi kuti mumwe wavadiki ava arasike.
15
“Kana hama yako ikakutadzira, enda undotaurirana naye mhosva yake muri moga. Akakuteerera, watodzora hama yako.
16
Asi akaramba kukuteerera, enda kwaari nomumwe kana vaviri kuti zvose zvamunotaura zvitsigirwe noumbowo hwezvapupu zviviri kana zvitatu.
17
Kana akaramba kuvateerera, pira nyaya iyoyo kusangano. Kana akaramba kuteerera kunyange sangano, mutorei somuhedheni nomuteresi.
18
“Zvechokwadi ndinoti kwamuri, chose chamuchasunga pasi pano chichasungwawo kudenga. Uye chose chamuchasunungura pasi pano nokudenga chichasunungurwawo.
19
Chimwezve chandinokutaurira, ndechokuti, kana vaviri venyu panyika pano vakawirirana kukumbira chimwe chinhu vachachiitirwa naBaba vangu vari kudenga.
20
Nokuti panenge paungana vaviri kana vatatu muzita rangu, ini ndiri pakati pavo.”
21
Pita akauya akati kuna Jesu, “Tenzi hama yangu ingandikanganisire kangani ndichiiregerera; tingati kanomwe here?”
22
Jesu akati kwaari, “Handikuti kanomwe asi makumi manomwe akapetwa kanomwe.”
23
Saizvozvo umambo hwedenga hungafananidzwe namambo akanga achida kupedzerana navaranda vake vaiva nezvikwereti naye.
24
Paakatangisa kutaura nezvezvikwereti izvozvo, pakauiswa mumwe kwaari akanga aine chikwereti naye chegumi rezviuru zvemari yamatarenda.
25
Nokuda kokuti akanga asingakwanisi kubhadhara, tenzi wake akati ngaatengeswe pamwechete nomudzimai wake navana nezvose zvaaiva nazvo kuti chikwereti chiripwe.
26
Nezvo muranda uya akagwadama pasi achimuteterera achiti, “Tenzi ndiitireiwo mwoyo murefu. Ndichakudzorerai zvose zvazvo.”
27
Tenzi womuranda uyu akamunzwira tsitsi ndokubva amuti aende zvake ndokumuregerera chikwereti chake chiya.
28
Asi muranda mumwecheteyo paakanga avakubuda, akasangana nomumwe mushandi pamwe naye, akanga ane chikwereti kwaari chezana remari yamadhenari. Akabva amuti dzvi pahuro, achiti, “Ndibhadhare chikwereti changu.”
29
Mumwe muranda uya mumwe wake akati pasi gwadagwa achimuteterera achiti, “Ingondiitirawo mwoyo murefu ndinokudzorera.”
30
Asi iye akaramba ndokuenda ondomuisa mujeri kusvikira abhadhara chikwereti.
31
Vamwe vake, varandawo pamwe naye, pavakaona zvakanga zvaitika, zvakavatsamwisa kwazvo. Vakaenda vakandotaurira tenzi wavo zvose zvakanga zvaitika.
32
Ipapo tenzi wake akamudaidza, akati kwaari, “Iwe muranda wakaipa, ndakakuregerera chikwereti chose chiya nokuti wakanditeterera.
33
Wanga usingafaniriwo here kunzwira urombo muranda pamwe newe sokukunzwira tsitsi kwandakakuitira?”
34
Tenzi wake akashatirwa akamuendesa kuvarangi mujeri, “Kusvikira abhadhara chikwereti chake chose.
35
Ndizvo zvichaitawo Baba vangu vari kudenga kuno mumwe nomumwe wenyu kana musingaregererani nemwoyo wose.”
← Chapter 17
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 19 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28