bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Matthew 12
Matthew 12
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 11
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 13 →
1
Neimwe nguva Jesu aifamba nomuminda yekoroni nomusi weSabata. Vadzidzi vake vakanga vava nenzara, vakatanga kupurura hura dzekoroni vachidya.
2
VaFarisei pavakazviona vakati kwaari, “Tarisai muone vadzidzi venyu vari kuita zvisingabvumirwi nomutemo pamusi reSabata.”
3
Iye akati kwavari, “Hamuna here kumboverenga zvakaitwa naDhavhidhi paakanga ava nenzara pamwechete nevaakanga ainavo
4
kuti akapinda mumba maMwari akadya chingwa chakanga chakasumwa kuna Mwari chaakanga asingabvumirwi, pamutemo, uye navakanga vainaye kuti vadye kusiya vapristi bedzi.
5
Kana kuti hamuna kuverenga here mubhuku romutemo kuti pamusi weSabata muTemberi, vapristi vanon'oresa Sabata asi vasingapari mhosva.
6
Asi ndinokutaurirai kuti pano pane zvakakura kupinda Temberi.
7
Dai zvenyu maiziva zvinoreva izvi zvokuti, ‘Chandinoda ini itsitsi kwete chibayiro, mungadai musina kupa mhosva vasina mhosva
8
nokuti Mwanakomana womunhu ndiye Tenzi weSabata.’ ”
9
Akabvapo akandopinda mune imwe sinagogu yavo.
10
Imomo maiva nomunhu aiva noruoko rwakakokonyara. Vakamubvunza kuti zviri pamutemo here kuporesa nomusi weSabata kuti vamupe mhosva.
11
Iye akati kwavari, “Ndiani wenyu angati kana ane hwai imwechete ikawira mugomba nezuva reSabata asingaibati achiiburitsa?
12
Ko munhu anokosha zvakadii kupinda hwai? Ipapo zviri pamutemo kuita zvakanaka pamusi weSabata.”
13
Akabva ati kumurume uya, “Tambanudza ruoko rwako.” Iye akabva arutambanudza ndokubva rwatwasanuka pakare rwave rutano sorumwe.
14
Asi vaFarisei vakabuda vakandoita bangano rokuti vangamuparadze sei.
15
Jesu paakaziva izvi, akabva abva ikoko. Vanhu vazhinji vakamutevera akavarapa vose.
16
Akavakohomedza kuti vasamuzivise kuvanhu.
17
Izvi zvakaitika kuti zvizadzise zviya zvakataurwa nomuporofita Isaya zvokuti,
18
“Tarirai muone muranda wangu wandakasarudza, wangu chaiye wapamwoyo wandinofarira. Ndichaisa Mweya wangu paari iye achaparidza kutonga kwakarurama kune vechirudzi.
19
Haazoiti gakava kana kudaidzira hapana achanzwa izwi rake mumigwagwa.
20
Rutsanga runenge rwatyoka haarudimburi, rambi rine tambo ine kamoto kanoti roi roi haaridzimi, kusvikira ruenzaniso rwakunda
21
muzita rake vechirudzi vachava netariro.”
22
Kwakauiswa kwaari bofu raive mbeveve rine mweya wakaipa akariporesa zvokuti mbeveve iya yakataura ikakwanisa kuona.
23
Vanhu vose vakashamiswa vakati, “Uyu angave mwana waDhavhidhi here uyu?”
24
VaFarisei pavakazvinzwa vakati, “Munhu uyu anodzinga mweya yakaipa nesimba raBherizebhuru chete jinda remweya yakaipa.”
25
Jesu pamusana pokuziva pfungwa dzavo akati kwavari, “Umambo hupi nohupi hunozvirwisa hunoparara. Hakunawo guta kana imba inozvirwisa ingagone kumira.
26
Zvino Satani kana achidzinga Satani, ari kutozvirwisa iye pachake. Umambo hwake hungamire sei?
27
“Kana ndichidzinga mweya yakaipa nesimba raBherizebhuru, ko vanhu venyu vanoidzinga nesimba raani? Ivo ndivo vachakukonesai.
28
Zvino kana ndichidzinga mweya yakaipa noMweya waMwari, saka umambo hwaMwari hwatosvika pamuri.
29
Kana kuti zvingaitike sei kutoti munhu angapinde mumba merume rine simba achipamba zvinhu zvaro, asi kuti atanga arisunga, ndokuzopamba zvemba yaro.
30
“Uyo asineni, ari kurwisana neni; asingaunganidzi neni, anoparadza.
31
Naizvozvo ndinokutaurirai kuti, chitadzo chipi nechipi zvacho nokushonha Mwari kupi nokupi zvako kunoregererwa vanhu, asi kushonha Mweya hakuregererwi.
32
Uyo anotaura chinhu chakaipa nezvoMwanakomana womunhu acharegererwa asi uyo anotaura zvakaipa nezvaMweya Mutsvene haaregererwi, muupenyu huno kana muupenyu huchauya.
33
“Itai kuti muti uve wakanaka, muchero wawo uchavawo wakanaka; itai kuti muti uve wakaipa muchero wawo uchavawo wakaipa, nokuti muti unozivikanwa nomuchero wawo.
34
Imi vana venyoka, mungataure sei zvakanaka imi makaipa, nokuti muromo unotaura zvinenge zvichitofashukira mumwoyo.
35
Munhu wakanaka anoburitsa zvinhu zvakanaka zvichibva muupfumi hwake hwakanaka. Munhu wakaipa anoburitsawo mudura rake rouipi.
36
Ndinokutaurirai kuti pazuva rokutongwa, vanhu vachazvidavirira izwi rimwe nerimwe ravanotaura zvisina mwero
37
nokuti mazwi ako ndiwo achakupembedza uye mazwi ako ndiwo achakubatisa nemhosva.”
38
Dzimwe nyanzvi dzomutemo navaFarisei vakati kwaari, “Mudzidzisi tingade kuona chiratidzo chinobva kwamuri.”
39
Asi iye akavapindura achiti, “Chizvarwa chakaipa uye chenzenza chinotsvaka chiratidzo, asi hapana chiratidzo chachichapiwa kusiya kwaJona sechiratidzo.
40
Sezvakangoita Jona akagara mazuva matatu nousiku hutatu ari mudumbu mezihove, ndizvozvowo zvichaita Mwanakomana womunhu, achava pasi penyika siku nesikati kwamazuva matatu.
41
Pazuva rokutongwa, vanhu veNinivhe vachasimuka vachipa mhosva chizvarwa ichi vachichibata nemhosva nokuti vakatendeuka pakaparidza Jona. Asi onai pano pane chakakura kupinda Jona.
42
Pazuva rokutongwa Mambokadzi wokumaodzanyemba achasimuka achipa mhosva chizvarwa ichi achichibata nemhosva nokuti iye akabva kwakaperera nyika kuzonzwa ungwaru hwaSoromoni asi pano pano mukuru kupinda Soromoni.
43
“Kana mweya wakaipa wabuda mumunhu, unopfuura nomunzvimbo dzisina mvura uchitsvaka pokuzororera, asi unopashaya.
44
Zvino unozoti, regai ndidzokere kumba kwangu kwandakabva. Kana wasvika unosvikoiwana isina chirimo yakatsvairwa yakanyatsorongedzwa.
45
Ipapo unobva waenda wondounza mimwe mweya minomwe yakaipa kupinda iwo. Inopinda yogara imomo. Mhedziso yomunhu iyeyo inoipa kupinda pokutanga. Ndizvo zvichaitika kuchizvarwa chino ichi chakaipa.”
46
Paakanga achiri kutaura kugungano riya ravanhu, amai vake navakoma navanun'una naye vakanga vatomira panze vachikumbira kutaura naye. [
47
Naizvozvo mumwe munhu akamutaurira kuti, “Amai venyu navakoma navanun'una venyu vamire panze, vari kukumbira kutaura nemi.”]
48
Jesu akapindura munhu akanga amuudza achiti, “Ko amai vangu ndiani vakoma navanun'una vangu ndavanani?”
49
Akatambanudza ruoko kuna vadzidzi vake achiti, “Ava ndivo amai vangu navakoma navanun'una vangu!
50
Nokuti aninaani anoita kuda kwaBaba vangu vari kudenga ndiye mukoma nomunun'una neni nehanzvadzi naamai vangu.”
← Chapter 11
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 13 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28