bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Matthew 7
Matthew 7
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 6
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 8 →
1
“Musatonge vamwe, imiwo hamuzotongwi. Matongero amunoita vamwe ndiwo amuchatongwawo nawo.
2
Mwero wamunoera nawo, ndiwo mwero wamuchaererwawo nawo.
3
Unotarisireiko kabanzu kari muziso rehama yako asi usingaoni zidanda riri muziso mako
4
kana kuti ungati sei kune hama yako rega ndikubvise kabanzu kari muziso rako, imo muziso rako muine zidanda.
5
Iwe munyengedzi, tanga wabvisa danda riri muziso rako. Ipapo unenge wava kunyatsoona kubvisa kabanzu kari muziso rehama yako.
6
Musape zvinhu zvinoera kuimbwa kana kukanda matombo anokosha amapera pamberi penguruve, dzingadaro dzikaatsika — tsika uye dzodzoka dzokurwisai imi.
7
“Kumbirai muchapiwa, tsvakai muchawana, gogodzai muchazarurirwa.
8
Nokuti wose anokumbira anopiwa. Anotsvaka anowana. Uye unogogodza achazarurirwa.
9
Nokuti ndiani wenyu anoti kana mwana wake amukumbira chingwa, anomupa dombo.
10
Kana kuti akakumbira hove omupa nyoka?
11
Zvino kana imi vaipi, muchiziva kupa zvipo zvakanaka kuvana venyu, ko kutozoti Baba venyu vari kudenga, vanopa zvipo zvakanaka sei kuna avo vanovakumbira!
12
Zvose zvamungade kuti vanhu vakuitirei, vaitireiwo saizvozvo nokuti uyu ndiwo mutemo navaporofita.
13
“Pindai napasuo rakamanikana nokuti suo rinotungamira kundoparadzwa rakapamhamha uye nzira yacho inyore, vanopinda napo vakawanda.
14
Asi isuo rakamanikana uye nzira yacho yakaoma inoendesa kuupenyu, vanoiwana vacho vashoma.
15
“Ngwarirai vaporofita venhema, vanouya kwamuri vakapfeka matehwe ehwai ivo mukati vari mhumhi dzinorura.
16
Muchavaziva nemichero yavo; magirepisi angakohwiwa muminzwa here, kana maonde murukato here?
17
Nezvo muti wose wakanaka unobereka muchero wakanaka; asi muti wakaipa unobereka muchero wakaipa.
18
Muti wakanaka haungabereki muchero wakaipa; mutiwo wakaipa haungabereki muchero wakanaka.
19
Muti wose usingabereki muchero wakanaka unotemwa uchikandwa mumoto.
20
Nezvo muchavaziva nemichero yavo.
21
“Havasi vose vanonditi, ‘Tenzi Tenzi’ vachapinda muumambo hwedenga asi uyo anoita kuda kwaBaba vangu vari kudenga.
22
Pazuva iroro, vazhinji vachanditi, ‘Tenzi Tenzi, hatina here kuporofita muzita renyu, tikadzinga mweya yakaipa muzita renyu, tikaita mabasa anoshamisa muzita renyu?’
23
Ipapo ndichavataurira pachena kuti handina kumbokuzivai. Ndibvirei pano imi vaiti vezvakaipa.
24
“Naizvozvo munhu wose anonzwa mazwi angu aya achiita zvaanoreva, achave somunhu mungwaru akavakira imba yake paruware.
25
Mvura yanaya, mafashamo akauya; dutu rikavhuvhuta richiroverera pamba iyoyo; asi haina kuwa nokuti yakanga yavakirwa paruware.
26
Munhu wose anonzwa mazwi angu aya, asingaachengeti, akaita somurume benzi akavakira imba yake pajecha.
27
Mvura yakanaya, mafashamo akauya. Dutu rakavhuvhuta rikaroverera paimba iyoyo ikawa, kuwa kwayo kwakava kukuru kwazvo.”
28
Jesu paakangopedza mashoko aya gungano riya ravanhu rakashamiswa norudzidziso rwake
29
nokuti akavadzidzisa somunhu ane simba kwete senyanzvi dzavo dzomutemo.
← Chapter 6
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 8 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
Recommended Reading
Commentary
Matthew Commentaries
→
Devotional
Matthew Devotional Guide
→
Get This Bible
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona) Study Bible
→