bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Zechariah 1
Zechariah 1
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 2 →
1
Mumwedzi worusere, mugore rechipiri rokutonga kwaDhariusi, shoko raTENZI rakauya kuna Zekariya mwanakomana waBherekiya mwanakomana waIdho muporofita rikati,
2
“TENZI akashatirirwa zvikuru kwazvo madzibaba enyu.
3
Naizvozvo chiti kwavari TENZI wehondo nehondo ati dzokerai kwandiri, ndizvo zviri kutaura TENZI wehondo nehondo kuti iniwo ndidzokere kwamuri. Ndizvo zviri kurehwa naTENZI wehondo nehondo.
4
Regai kuita samadzibaba enyu akadanidzirwa navaporofita vokutanga vachiti, ‘TENZI wehondo nehondo ati dzokai kunzira dzenyu dzakaipa mudzoke kuzviito zvenyu zvakaipa.’ Asi ivo havana kuteerera kana kunzwa, ndizvo zviri kutaura TENZI.
5
Madzibaba enyu aripi zvino? Kana ivo vaporofita vanogara narini narini here?
6
Ko iwo mashoko angu nemirao yangu zvandakaudza varanda vangu vaporofita hazvina kukaurisa madzibaba enyu here? Vakazotendeuka voti inga wani zviya zvakanga zvarongwa kuitwa kwatiri naTENZI wehondo nehondo zvichifambirana nenzira dzedu nezviito zvedu ndizvo zvaari kuita kwatiri.”
7
Pamusi wegumi nechina wemwedzi wegumi nechiposhi, uri mwedzi waShebhati, mugore rechipiri rokutonga kwaDhariusi, shoko raTENZI rakauya kuna Zekariya mwanakomana waBherekiya mwanakomana waIdho muporofita;
8
“Usiku ndakaona hoyo munhu akatasva bhiza dzvuku. Izvozvo aiva amire mukati memadenhe emumiti yorukato mumupata kuseri kwake kuina mabhizawo matsvuku neakatsvukuruka namachena.
9
Ini ndokuti, ‘Zviiko izvozvi nhaimi changamire wangu?’ Mutumwa aitaura neni iyeyo akati, ‘Ndichakuratidza kuti zvii izvozvi.’
10
Murume akanga amire pakati pamakwenzi emimitiri uya akapindura achiti, ‘Ivava ndidzo nhumwa dzakatumwa naTENZI dzichafamba nenyika yose.’
11
“Ivo vakapindura mutumwa waTENZI uya aiva amire mukati mamakwenzi emimitiri vachiti, ‘Tafamba nenyika yose tikaona kuti igere murunyararo.’
12
“Mutumwa waTENZI akati, ‘Nhai TENZI wehondo nehondo, kusvikira rinhi chaizvo musingaitirewo tsiye nyoro Jerusaremu namaguta okwaJudha amakadai kushatirirwa kwamakumi manomwe amakore?’
13
“TENZI akapindura mutumwa waitaura neni namazwi akanaka anonyaradza mwoyo.
14
Nokudaro mutumwa aitaura neni akanditi, ‘Danidzira uchiti zvanzi naTENZI wehondo nehondo, Jerusaremu neZioni zvandipa kuti ndiite shanje inobaya mwoyo kwazvo.
15
Uye ndashatirirwa kwazvo marudzi avanhu vagere zvavo mumutambaratede nokuti pandakamboti hangu shatirwei zvishoma ivo ndipo pavakatodarikidza kuparadza.
16
Ndokusaka zvava kunzi naTENZI ndadzokera kuJerusaremu ndiine tsiye nyoro. Imba yangu ichavakwa mukati maro, ndizvo zviri kutaura TENZI wehondo nehondo, uye tambo yokuyeresa ichanzi tande tande pamusoro peJerusaremu.’
17
“Danidzirazve uchiti TENZI wehondo nehondo anoti, ‘Maguta angu achafashukira noupfumi, achanyaradzazve Zioni achisarudza Jerusaremu zvakare.’ ”
18
Ndakasimudza musoro ndikaona hedzo nyanga ina!
19
Ini ndokuti kumutumwa wandaikurukura naye, “Ko zviiko izvi?” Iye akabva anditi, “Ndidzo nyanga dzakamwararisa vokwaJudha nevokwaIsiraeri neJerusaremu.”
20
TENZI akandiratidzawo vapfuuri vesimbi vana.
21
Ini ndikati, “Ko ivava vari kuuya kuzoitei?” Iye ndokuti, “Ndidzo nyanga dzakamwararisa vokwaJudha zvokushaya kana nomumwechete akasimudza musoro. Zvino ivava vauya kuzovatyityidzira vachiwondomorera pasi masimba amarudzi akasimudza nyanga dzawo achitunga nyika yokwaJudha kuti iparare.”
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 2 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14