bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Zechariah 2
Zechariah 2
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 1
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 3 →
1
Ndakasimudza musoro ndikaona hoyo munhu ane tambo yokueresa muruoko rwake.
2
Ndakati, “Uri kuendepiko?” Iye akati kwandiri, “Kundoera Jerusaremu ndigoona kuti upamhi hwayo hwakadii uye kuti urefu hwayo hwakadii?”
3
Ndiye onei mutumwa uya aitaura neni wauya ndokubva mumwe mutumwawo auyapo kuzosangana naye
4
akati kwaari, “Mhanyira kumukomana uyo uti kwaari, ‘Jerusaremu ichagarwa semisha isina tsvingo zvakonzerwa nokuwanda kwavanhu nezvipfuwo mairi.’
5
Zvichavapo ndezvokuti ini ndichava kwairi rusvingo rwomoto kuitenderera, ndizvo zviri kutaura TENZI, uye ini ndichava mbiri mairi.”
6
“Hezvo! Hezvo iwe! Tizai kunyika yokuchamhembe ndizvo zviri kutaura TENZI nokuti ndakakuitai rumwe rumwe uyu kwake uyu kwake, kumativi mana emhepo yokumatenga, ndizvo zviri kutaura TENZI.
7
Hezvo iwe tizirai kuguta reZioni imi mugere nomukunda iyeyo Bhabhironi
8
nokuti zvanzi naTENZI wehondo nehondo, mushure momukurumbira wake iye akazondituma kumarudzi aya akakupambai nokuti anenge angokugunzvai watobata mboni yeziso rake,
9
‘Chirega uone, ndichavazunzira ruoko rwangu vagova nhapwa kuna vaivashandira.’ “Ipapo ndipo pamuchazoziva kuti TENZI wehondo nehondo ndiye akandituma.
10
“Imba upembere zvako iwe mukunda, guta reZioni nokuti ndichauya ndigoita musha mukati mako.” Ndizvo zviri kutaura TENZI.
11
Izvozvo marudzi akawanda achazvibatanidza naTENZI nomusi iwoyo uye vachavawo vanhu vangu. Ini ndichaita musha mukati mako. Ndipo pamuchazoziva kuti TENZI wehondo nehondo ndiye akandituma kwauri.
12
Ipapo TENZI achagara nhaka vokwaJudha somugovewo wake munyika inoera achizosarudza zvakare Jerusaremu.
13
Imi vanhuwe — e, mose zvenyu, itii mwiro kunyarara pana TENZI nokuti azvisumukira iye pachake kubva mumusha make munoera.
← Chapter 1
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 3 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14