bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Zechariah 7
Zechariah 7
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 6
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 8 →
1
Mugore rechina rokutonga kwamambo Dhariusi, shoko raTENZI rakauya kuna Zekariya pamusi wechina wemwedzi wechipfumbamwe uri mwedzi waKisirevhu.
2
Zvino vanhu vokuBhetieri vakanga vatumira Sharezeru naRegemereki navarume vokwavo kundoteterera kuti vaitirwe tsiye nyoro naTENZI,
3
nokundobvunzawo vapristi vepamba yaTENZI wehondo nehondo navaporofita kuti, “Ndinofanira here kuchema nhamo kana kutsanya mumwedzi wechishanu sezvandanga ndichingoita kwamakore namakore?”
4
Shoko raTENZI wehondo nehondo rakazouya kwandiri richiti,
5
“Taura kuvanhu vose zvavo venyika iyi uye nokuvapristi uti: ‘Heya pamaitsanya muchichema nhamo mumwedzi wechishanu newechinomwe kwamakore makumi manomwe maitsanyira ini here?
6
Kunyange napaya pamunodya napamunonwawo, handiti munenge muchitozvidyira nokuzvinwirawo zvenyu iyemi pachenyu?’ ”
7
Jerusaremu payakange igere vanhu, zvinhu zvichibudirira zvakanaka pamwechete nemisha yayo yakaikomberedza uyewo iwo maodzanyemba nenyika yokumanhika pakwakanga kugere vanhu iwaya haasiri iwo mashoko aiparidzwa navaporofita vokutanga here?
8
Shoko raTENZI rakauya kuna Zekariya richiti,
9
“Zvanzi naTENZI wehondo nehondo tongai zviri pachokwadi chaipo muchiitirana mwoyo wakanaka muchinzwirana tsitsi hama nehama.
10
Regai kuonesa nhamo chirikadzi nenherera nomuuyi kunyange murombo. Uye ngaparege kuva nomunhu anorongera mumwe wake mano akaipa mumwoyo.
11
“Asi ivo vakaramba kunzwa, vakagwikura mapfudzi vachityorera zvimiti munzeve dzavo kuti varege kunzwa.
12
Vakaomesa mwoyo chaizvo vachiti vangadaro vakazonzwa mutemo namashoko akatumidzirwa naTENZI wehondo nehondo naMweya wake nomuromo wavaporofita vokutanga. Ndokusaka TENZI wehondo nehondo akashatirwa zvinotyisa kwazvo.
13
Sokudaidza kwandakaita ivo vakaramba kunzwa, ndokudaidzawo kwavakazoita ini ndigokaregawo kuvateerera, ndizvo zviri kutaura TENZI wehondo nehondo.
14
Uye ndakavati mwarara nechamupupuri chaicho mukati memarudzi ose avakanga vasingazivi, nezvo nyika yavakasiya yakava renje zvaro zvokushaya kana nomunhu aifamba — fambamo; saizvozvo, nyika yakanaka yaitwa renje zvino.”
← Chapter 6
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 8 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14