bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Zechariah 6
Zechariah 6
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 5
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 7 →
1
Ndakasimudzazve musoro ndikaona hedzo ngoro ina dzehondo dzichibuda napakati pamakomo maviri. Makomo acho akanga ari makomo endarira.
2
Ngoro yehondo yokutanga yakanga ina mabhiza matsvuku, yechipiri iina mabhiza matema
3
yetatu yacho iina mabhiza machena. Ngoro yehondo yechina yaiva namabhiza mapfumbu, ano chaiwo.
4
Ndakabvunza mutumwa uya aitaura neni kuti, “Ko izvi zviiko nhai changamire wangu?”
5
Mutumwa uye akandipindura achiti, “Idzodzi dziri kuenda kumativi mana emhepo dzedenga mushure mokunge dzambozvikumikidza kuna Changamire wapasi pose.”
6
Ngoro yehondo ina mabhiza matema inoenda kunyika yokuchamhembe, machena achaenda kunyika yokumadokero. Mapfumbu anoendawo kunyika yokumaodzanyemba.
7
Pakabuda mabhiza, aya ano chaiwo akanga asingagare zvakanaka nokuda kupinda munzira kuti apote nenyika. Ndokubva iye ati, “Chiendai mupote nenyika.” Saizvozvowo akapota nayo nyika.
8
Akazodaidzira kwandiri achiti, “Chinzwa, vaya vanoenda kunyika yokuchamhembe vapa kuti mweya wangu uwane zororo kunyika yokuchamhembe.”
9
Shoko raTENZI rakazouya kwandiri rikati,
10
“Enda kunhapwa utore Heridhai naTobhiya naJedhaya vasvika vachibva kuBhabhironi ubva waenda musi wakarewo kumba kwaJosiya mwanakomana waZefaniya.
11
Unotora kwavari sirivha nendarama uite nayo ngundu uidzike mumusoro maJoshuwa mwanakomna waJehozadhaki mupristi mukuru
12
umuti zvanzi naTENZI wehondo nehondo: ‘Chinzwa, murume ane zita rokuti Bazi achabukira kuva bazi munzvimbo maari achizovaka Temberi yaTENZI.
13
Iye ndiye achavaka Temberi yaTENZI uye achawana chiremera choumambo uye achagara pachigaro choumambo achitonga. Pachava nomupristi pedyo nechigaro chake choumambo vachiwirirana vachinzwisisana kwazvo pauviri hwavo.’
14
Ngundu dzinofanira kuzova muTemberi yaTENZI sechiyeuchidzo chokuyeuka nacho Heridhai naTobhiya naJedhaya naJosiya mwanakomana waZefaniya.”
15
Vari kurewo vachauya kuzovaka Temberi yaTENZI. Ndipo pamuchazoziva kuti TENZI wehondo nehondo andituma kwamuri. Izvozvi zvichaitika kana mukanyatsoteerera izwi raTENZI, Mwari wenyu.
← Chapter 5
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 7 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14