bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Zechariah 3
Zechariah 3
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 2
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 4 →
1
Akazondiratidzawo Joshuwa mupristi mukuru amire mberi kwomutumwa waTENZI uye Satani amirewo kurudyi kwake kuti amupe mhosva.
2
TENZI akati kuna Satani, “TENZI ngaakurange iwe Satani! TENZI nyakuzvisarudzira Jerusaremu ngaakurange! Handiti iyeyu chitsiga chakatoburwa mumoto here?”
3
Izvozvo Joshuwa akanga akapfeka mbatya dzine tsvina amire pamberi pomutumwa.
4
Mutumwa uya akataura kuna vaiva vakamira pamberi pake achiti, “Mupfekenurei hanzu dzine tsvina idzi.” Akatiwo kuna Joshuwa, “Tarira uone, ndakubvisa uipi hwako uye ndava kukushongedza hanzu yemandiriri.”
5
Ini ndikati, “Ngavadzike Joshuwa ngundu yakachena mumusoro.” Saizvozvowo vakamudzika ngundu yakachena mumusoro vakamushongedza hanzu dzacho. Izvozvo mutumwa waTENZI aiva amire pedyo navo.
6
Mutumwa waTENZI akakomekedza Joshuwa kuti:
7
“Zvanzi naTENZI wehondo nehondo, kana ukatevedza nzira dzangu uchichengeta zvandakati uite uchatonga imba yangu uye nhandare dzangu dzichavawo mumaoko ako. Ndichakupawo mvumo yokupinda mukati mavanhu vamire pano.
8
Chinzwa, zvino iwe mupristi mukuru Joshuwa, iyewe neshamwari dzako dzaugere nadzo sezvo vari chiratidzo cheramangwana rakanaka. Chinzwai, ndichaunza muranda wangu iye Bazi
9
nokuti zvaunoona! Pabwe randakaisa pamberi paJoshuwa, pabwe rimwechete zvaro rine mativi manomwe, ndichaitapo zvokutemera zvinyorwa zvapo, ndizvo zviri kutaura TENZI wehondo nehondo. Ndichabvisawo uipi hwenyika ino nezuva rimwechete chairo.
10
Pamusi iwoyo, ndizvo zviri kutaura TENZI wehondo nehondo, mumwe nomumwe wenyu achakoka waakagarisana naye kuzotandara pasi pomugirepisi wake napasi pomukuyu wake.”
← Chapter 2
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 4 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14