bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Zechariah 14
Zechariah 14
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 13
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
1
Chinzwa zuva raTENZI riri kuuya rokuti zvinhu zvinenge zvapambwa zvichagovanwa makatarisa.
2
Chiripo ndechokuti ndichakokorodza marudzi ose kuzorwisa Jerusaremu. Jerusaremu richakurirwa, dzimba dzigopambwa, vakadzi vachibhinywa. Hafu yeguta irori ichaendwa nayo kuutapwa. Vanhu vanenge vasara havazoparara muguta.
3
TENZI ndipo paachandorwisa marudzi iwayo sokurwisa kwaanoita pazuva rehondo.
4
Pamusi iwoyo iye achanoti dzi kumira kugomo reMuorivhi riri pakatarisana neJerusaremu kumabvazuva. Gomo reMuorivhi richakamuraniswawo napakati muzvikamu zviviri kubva kumabvazuva zvichienda kumadokero richakamuraniswa nebani guru. Chimwe chikamu chichaenda kuchamhembe chimwe chikamu chichienda kumaodzanyemba.
5
Bani iroro rinenge riri pakati pezvikomo richavharwa. Richavharwa kusvika kuJasori. Richavharwa sokuvharwa kwarakaitwa nokundengendeka kwenguva yaUziya mambo wokwaJudha. TENZI Mwari wangu ndipo paachauya pamwechete navarurami vose.
6
Pazuva iroro panenge pasina chiedza, pasina kutonhora kana chando
7
richange riri zuva riri roga, risina zvokuti masikati kana kuti usiku. Izvi zvinozivikanwa naTENZI. Kana kwasvika nguva yamanheru kunenge kune chiedza.
8
Pazuva iroro mvura mhenyu ichayerera ichibva muJerusaremu imwe ichayerera kumabvazuva imwe ichiyerera kumadokero. Icharamba ichingodaro zhizha napachando.
9
TENZI achava mambo wapasi pose. Pazuva iroro TENZI achave ndiye oga; zita rake richingova ndiro rimwechetero.
10
Nyika yose ichapindutswa kuva bani kubvira kuGebha kusvika kuRimoni kumaodzanyemba eJerusaremu. Asi guta reJerusaremu richaramba rakangoti kangarara, richibvira kusuo guru rokwaBhenjamini kusvika kusuo guru rakare riya, zvichinosvikawo kusuo guru repakona; zvichibvawo panharire yokwaHananeri kusvika kuguvi ramambo rewaini.
11
Richange rakagarwa navanhu risisina zvokutsaurirwa kuparadzwa. Jerusaremu richagara murunyararo.
12
Iri ndiro denda richapiwa naTENZI kuvanhu vanozoita hondo neJerusaremu: Nyama yavo ichaora ivo vachiri kufamba. Maziso avo achaora mumahobi avo uye rurimi rwavo ruchaora mukanwa mavo.
13
Panguva iyoyo TENZI achapazamisa vanhu musoro zvokuti munhu achangoti ruoko rwomumwe ndu — u mumwewo iyeyo ruokowo runenge rwatova mudenga kare rwokurwisana naye.
14
Judha chaiyo icharwisana neJerusaremu. Upfumi hwamarudzi akatenderedza ose huchaunganidzwa hunoti ndarama nesirivha namatutu — matutu ezvokupfeka.
15
Denda rimwechetero richawirawo mabhiza namanyurusi nengamera namadhongi nedzimwewo mhuka dzingange dziri pamatendhe iwayo.
16
Ipapo vanenge vasara pamarudzi ose anouya kuzorwisa Jerusaremu, munhu wose achaenda kuJerusaremu kundonamata Mambo, TENZI wehondo nehondo uye kuzochengeta mazuva makuru amatumba.
17
Kana imwe mhuri yapanyika pano ikarega kuenda kuJerusaremu kundonamata Mambo TENZI wehondo nehondo, hainairwe nemvura.
18
Kana mhuri yeIjipiti isina kuenda kundoshanya ikoko haichawirwi nenhamo inopiwa naTENZI mamwe marudzi anorega kuenda kundochengeta mazuva makuru amatumba.
19
Ichochi ndicho chichava chirango cheIjipiti uyewo chirango chamarudzi ose asingaendi kundochengeta mazuva makuru amatumba.
20
Panguva iyoyo madare anorira amabhiza anenge akanyorwa kunzi, “Zvinoera zvaTENZI.” Poto dzomumba maTENZI dzichange dzakangoita sendiro dziri pamberi peatari.
21
MuJerusaremu nomaJudha, poto iri yose zvayo inenge iri inoera yaTENZI wehondo nehondo. Uku kunenge kuri kuitira kuti vanoda kupira chibayiro vanogona kuuya vachidzitora vachibikira nyama yechibayiro madziri. Hapazofanira kuva nomunhu anoita mhindu dzokutengesa mumba yaTENZI wehondo nehondo pazuva iroro.
← Chapter 13
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14