bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Zechariah 11
Zechariah 11
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 10
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 12 →
1
Zurura misuo yako iwe Rebhanoni moto uroromese miti yako yemisidhari.
2
Iwe muti womusaipurasi ungudza nokuti miti yemisidhari yawa nokuti miti ine mbiri yaparara. Hwihwidzai kuchema imi mioku yeBhashani nokuti sango dema rarizhaniswa.
3
Terera unzwe mhere yavafudzi nokuti mbiri yavo yaparadzwa. Heko kudzvova kweshumba nokuti jokotywa resango, sango raJorodhani raparara.
4
Zvanzi naTENZI, Mwari wangu, “Iva zvako mufudzi wedanga rezvipfuwo zvakatemerwa kuuraiwa.
5
Vanenge vadzitenga vanodziuraya voenda havo vasina kurangwa, uye vanodzitengesa vanotozviti, ‘TENZI ngaarumbidzwe!’ Ndazopfuma ini, uye vafudzi vavo chaivoivo havana tsitsi navo.
6
Ndinodaro nokuti handisisina tsitsi navagari venyika iyi, ndizvo zviri kutaura TENZI. Rega zvako uone! Ndichaitisa vanhu kuti mumwe nomumwe awire mumaoko omufudzi wake, mumwe nomumwe achiwira mumaoko amambo wake. Vachapwanya nyika, handina wandinonunura mumaoko mavo.”
7
Saizvozvowo ini ndakabva ndava mufudzi wedanga rezvipfuwo zvakatemerwa kuuraiwa navanoita mhindu dzokutengeserana makwai. Ipapo ndakatora tsvimbo mbiri, imwe ndakaitumidza zita rokuti, “Nyasha.” Imwewo ndikaipa zita rokuti, “Kuwirirana.” Ndakafudza hwai dzacho.
8
Nomwedzi mumwechete chaiwo, ndakaparadza vafudzi vatatu. Asi ndakazodzamara ndotsamwa kwazvo nadzo, idzo dzaiita daka neni.
9
Nokudaro ndakati handichava mufudzi wenyuzve. “Chafa chafa, chaparara chapararawo, zvinenge zvasara regai zvidyane kunyanya zvazvo.”
10
Ndakatora tsvimbo yangu iya inonzi “Nyasha,” ndikaityora kuri kutotyora chibvumirano chandakanga ndaitirana namarudzi avanhu ose zvawo.
11
Nezvo chibvumirano chacho chakabvawo chadzimwa pazuva iroro. Izvozvo vaya vemhindu dzokutengeserana makwai vakanga vakaisa maziso pandiri vakabva vazviziva kuti iroro rakanga riri shoko raTENZI.
12
Ini ndokuti kwavari, “Kana maona zvakanaka nditambiriseiwo zvenyu mubayiro wangu, asi kana zvisina uchengetei henyu.” Saka vakayera makumi matatu emari yamashekeri yesirivha.
13
TENZI akandiudza kuti, “Iise munochengeterwa upfumi,” iwo mazimari acho omubayiro wavakanditambirisa. Saizvozvo ini ndakatora makumi matatu emari yamashekeri yesirivha ndikaiisa munochengeterwa upfumi mumba yaTENZI.
14
Ndakatyorawo tsvimbo yangu yechipiri iya inonzi, Kuwirirana, ndichitoparadza ukama huri pakati pevokwaJudha nevokwaIsiraeri.
15
TENZI akabva ati kwandiri, “Chimbotorazve iye zvino zvombo zvomufudzi asina maturo.
16
Nokuti, chinzwa, ini ndava kumutsa munyika iyi mufudzi asina hanya nedzinoparara, kana kutsvakawo dzinorasika, kunyange kurapa dzakakuvara, kana kupa chokudya dzakagwinya. Asi kuti anotodya dzakakora, achikwachura mazondo adzo.
17
“Ane nhamo, mufudzi wangu, mufudzi asina maturo anotiza danga rezvipfuwo. Bakatwa ngaribaye ruoko rwake, neziso rake rorudyi. Ruoko rwake ngarubva rwanyatsoti rukutu. Ziso rake rorudyi ribve ranyatsopofomara.”
← Chapter 10
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 12 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14