bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Zechariah 12
Zechariah 12
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 11
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 13 →
1
Shoko raTENZI rinotaura nezveIsiraeri kuti, zvanzi naTENZI, iye akawarira matenga akaita nyika, iye akasika mweya uri mumunhu anoti,
2
“Chionai, ini ndava kuzoita kuti Jerusaremu rive mukombe unotenderedza musoro kuvanhu vari munharaunda yaro. Ichavawo nhamo yawira vokwaJudha panokombwa Jerusaremu ipapo.
3
Zvichazoitika kuti pazuva iroro ndichaita kuti Jerusaremu ringe dombo rinorema kuvanhu vose. Vose vanorisimudza vachakuvara zvakanyanya. Asi marudzi ose apanyika achauya kuzorikomberana.
4
Pazuva iroro, ndizvo zviri kutaura TENZI, ndichapandutsa bhiza riri rose nokutya, vatasvi vawo ndichivapengesa. Ndichatarira vemba yokwaJudha asi mabhiza avamarudzi ndichaapofomadza.
5
Mhuri dzokwaJudha ndipo padzichazozviti inga vagari veJerusaremu simba ravo riri muna TENZI, Mwari wavo.
6
“Panguva iyoyo ndichaita kuti mhuri dzokwaJudha dzinge choto zvacho chomoto musango, sezhenje romoto mumashanga. Vacharakatisa vanhu uku nokuku nharaunda yose. Izvozvo Jerusaremu, vagari varo rinenge richinavo, imomu muJerusaremu.
7
“TENZI achatanga kununura mhuri dzokwaJudha kuitira kuti mbiri yemba yokwaDhavhidhi nembiri yavagari vomuJerusaremu irege kupfuura yedzimwewo mhuri dzose dzokwaJudha.
8
Panguva iyoyo TENZI achadzivirira vagari veJerusaremu zvokuti kunyange ndonda chaidzo pakati pavo, nguva iyoyo, dzichaita saDhavhidhi, imba yokwaDhavhidhi ichinge Mwari, sokunge mutumwa waTENZI kuvatungamirira.
9
Zvichaitika kuti panguva iyoyo chandinenge ndichitotsvaka kuparadza marudzi ose anenge auya kuzorwisa Jerusaremu.
10
“Ndichanyatsopinza muimba yaDhavhidhi nomuvagari veJerusaremu mweya wetsitsi nowokunamata zvokuti vachatarisa kwaari iye wavanenge vabaya. Vachamuchema sokuchema kunoita munhu anochema mwana anga achingova mumwechete oga, vachamuchema zvinosiririsa sokuchema kunoita munhu dangwe rechikomana.
11
Pazuva iroro kuchema kwavo kuchanyanya sokuchemwa kwakaitwa Hadhadhirimoni mubani reMeghidho.
12
Nyika ichachema, mhuri nemhuri ichichema iri payo, zvichiti: “Mhuri yokwaDhavhidhi iri payo madzimai avo ari pachavo voga. Mhuri yemba yokwaNatani iri payowo, madzimai avo vari pachawo.
13
Mhuri yemba yokwaRevhi iri payo, madzimai avo ari pachavo. Mhuriwo yokwaShimei iri payo, madzimai avo ari pachavo.
14
Nedzimwewo mhuri dzose dzinenge dzasara dzichiti iyiwo payo iyiwo payo madzimai avowo ari kwavo oga.”
← Chapter 11
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 13 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14