bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Zechariah 9
Zechariah 9
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 8
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 10 →
1
Hechinoi chirevo. Shoko raTENZI rakanangana nenyika yeHadhiraki uye richasvikawo kuDhamasikusi nokuti maziso avanhu anototarisira kuna TENZI sezvinongoitawo madzinza ose eIsiraeri
2
uyewo Hamati inoganhurana nayo neTire neSidhoni kunyange zvazvo vane ungwaru.
3
Guta reTire rakazvivakira nhare dzaro dzokuzvidzivirira kuhondo rikaunganidzawo sirivha sevhu uye nendarama samatope omumugwagwa.
4
Asi TENZI acharikatanura zvinhu zvaro zvarinazvo agoti kupukupu kukanda upfumi hwaro mugungwa. Tire icharoromeswa nomoto.
5
Ashikeroni ichazviona igodedera kutya, Gazawo ichamonyoroka ichirwadzwa kwazvo nazvo, pamwechetewo neEkironi nokuti zvayaitarisira zvakangaidzika. MuGaza muchasara musisina mambo Ashikeroni richasara risisina vageremo.
6
Rudzi rwavana vomusango ndoruchatozoita musha muAshidhodhi uye ndichapedza kuzvitutumadza kweFirisitia.
7
Ndichaibvisa nyama ine ropa mukanwa mayo nezvakan'ora zvayo mumazino mayo naiyowo ichava chitsama chavanhu vakasara chaMwari wedu. Ichavawo seimwe imba yomudzinza rokwaJudha Ekironi ichaita hwevanhu vokuJebhusi.
8
Ndipo pandichaita musasa pamba pangu somuchengetedzi kuti parege kuwana munhu anodzengererapo. Hakuna mudzvinyiriri achazombovakurira nokuti ndazvionera zvino namaziso angu aya.
9
Fara zvikuru kwazvo iwe mukunda, guta reZioni. Pururudza kwazvo kwazvo iwe mukunda, guta reJerusaremu. Hoyo mambo wako anouya kwauri! Ahwinha, mukundi chaiye, anozvirereka zvake nokutasva dhongi, chigondora chemwana wedhongi.
10
“Ndichaparadza ngoro yehondo mudzinza rokwaEfuremu nebhizawo rehondo muJerusaremu uye uta hwehondo huchaparadzwawo. Iye achatiwo kumarudzi ngakuve norugare, umambo hwake huchatonga kubvira kune rimwe gungwa kusvikira kune rimwewo gungwa nokubvirawo kuRwizi kudzamara kwakaperera nyika chaiko.”
11
“Kana zviri zvakowo iwe, ndichiitira hangu ropa rechitenderano changu newe, ndichasunungura nhapwa dzokwako mumugodhi usina mvura vaende zvavo.
12
Dzokerai zvenyu kunhare dzenyu dzokuzvidzivirira muhondo, imi nhapwa dzechitarisiro! Nhasi uno ndinoti ndichakudzoserai zvakapetwa ruviri
13
nokuti ndakakunga vokwaJudha souta hwangu, vokwaEfuremu ndikavaita museve wacho. Iwe guta reZioni ndichavhevhetesa vanakomana vako pamusoro pavanakomana vako iwe nyika yeGirisi, uye ndichakuvheyesa sebakatwa romurwi wehondo.”
14
TENZI ndipo paachaonekwa nechapamusoro pavo, misevewo yake iri mheni zvayo kuenda. TENZI Mwari acharidza hwamanda agoenda achifamba hake nomuchamupupuri chamaodzanyemba.
15
TENZI wehondo nehondo achavadzivirira, vachazhanya nokutsokodzera pasi varwi vezvimviriri zvamatombo. Ropa ravo vacharinwa sewaini kuzara somundiro, zvokutotota sapamakona eatari.
16
Nomusi iwoyo TENZI, Mwari wavo achavanunura nokuti ivowo, idanga rehwai dzavanhu vake. Chiripo ndechokuti ivo sezvishongo zvapangundu vachapenya munyika make.
17
Eeka! Hamungati kunaka ikoko, i — i zvakazonaka. Hakuzi kuyevedza kwakadaro, haiwaiwa zvinoyevedza! Mbesanwa dzichaita kuti zvinhu zvinakire majaya uye waini itsva ichiitira zvakanaka vasikana.
← Chapter 8
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 10 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14