bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Zechariah 13
Zechariah 13
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 12
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 14 →
1
Panguva iyoyo imba yaDhavhidhi navagari veJerusaremu vachazarurirwa chisipiti chokuvashambidza zvitadzo zvavo nokun'ora kwavo.
2
“Pazuva iroro,” ndizvo zviri kutaura TENZI wehondo nehondo, “Ndichaparadza munyika zvifananidzo zvokunamata zvokuti hazvizombofa zvakarangarirwazve. Uye ndichabvisa munyika vaporofita nemweya yakaipa.
3
Pakabudawo munhu ava kuti muporofita, baba naamai vake vokumubereka chaivo vachamuti haufaniri kurarama nokuti uri kutaura nhema muzita raTENZI. Baba naamai vakamubereka chaivo vachamubaya kana akaporofita.
4
Pazuva iroro muporofita ari wose achanyara nezvaanooneswa paanenge achiporofita. Haazopfeki zijari rine mvere rokunyengedza naro vanhu,
5
asi anenge ava kutoti handisi muporofita ini, ndiri murimiwo zvangu nokuti kubvira pauduku hwangu changa chiri changu ivhu.
6
Kana munhu akamubvunza kuti, ‘Ko maronda ari pamusana pako ndeei?’ Iye achati, ‘Ndakaawana mumba meshamwari dzangu.’ ”
7
TENZI wehondo nehondo anoti, “Muka iwe bakatwa umukire mufudzi wangu umukire akabatana neni, rova mufudzi, hwai dzipararire. Hwayana dzacho ndichadzisimudzira shamhu.
8
Zvanzi naTENZI munyika yose zvayo vaviri pavatatu vacharakatiswa kufa. Mumwechete pavatatu ndiye achararama.
9
Chikamu chavanhu chechitatu ichocho ndichachipinza mumoto, vanhu ivava ndichavachenesa sesirivha. Ndichavaedza sokuedzwa kunoitwa ndarama vachadana nezita rangu; ini ndichavapindura. Ndichiti, ‘Ava vanhu vangu.’ Ivowo vachati, ‘TENZI ndiye Mwari wedu.’ ”
← Chapter 12
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 14 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14