bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
Job 10
Job 10
Shona 2009?
← Chapter 9
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 11 →
1
moyo wangu waneta noupenyu hwangu; Handingazvidzori pakunyunyuta kwangu; Ndichataura neshungu dzomoyo wangu.
2
Ndichati kuna Mwari, "Musandipa mhosva." Ndiratidzei kuti munorwa neni nemhaka yeiko?
3
Zvinokufadzai here kumanikidza, Nokuzvidza basa ramaoko enyu, Muchivhenekera kurangana kwavakaipa here?
4
Munameso enyama here, Kana munoona somunhu here?
5
Mazuva enyu akafanana namazuva omunhu here, Kana makore enyu namakore omunhu here?
6
Zvamunobvunza zvakaipa zvangu, Nokunzvera zvivi zvangu,
7
Kunyange muchiziva kuti handizi wakaipa; Uye kuti hakuna anogona kurwira paruoko rwenyu here?
8
Maoko enyu akandiita nokundiumba, Nhivi dzangu dzose; kunyange zvakadaro moda kundiparadza.
9
Rangarirai, ndizvo zvandinokumbira, kuti makandiumba sevhu; Zvino muchandidzosera kuguruva here?
10
Hamuna kundidurura somukaka here, Nokundikodza somukaka wakafa?
11
Makandifadza neganda nenyama, Mukandisunganidza namapfupa namarunda.
12
Makandipa upenyu netsitsi, Hanya dzenyu dzakachengeta mweya wangu.
13
Asi makavanza zvinhu izvi mumoyo menyu; Ndinoziva kuti chinhu ichi chaiva nemwi kare.
14
Kana ndikatadza munondicherekedza, Hamudi kundikangamwira kudarika kwangu.
15
Kana ndiri wakaipa, ndine nhamo; Kana ndiri wakarurama, kunyange zvakadaro handingasimudzi musoro wangu; Zvandizere nokunyadzwa Ndichangotarira kutambudzika kwangu.
16
Kana ndikazvikudza, munondironda seshumba; Munopamhazve kundishamisa nesimba renyu.
17
Munowedzera zvapupu zvenyu kuzorwa neni, Nokuwanza kutsamwa kwenyu pamusoro pangu; Kushanduka nehondo zvineni.
18
Makandibudisireiko pachizvaro chamai? Ndingadai ndaifira hangumo, ndisati ndaonekwa neziso romunhu.
19
Ndaiita hangu sendisina kuvapo; Ndaitakurirwa kuhwiro ndichibva pachizvaro chamai.
20
Ko mazuva angu haazi mashoma here? Zvino gumai, Ndiregei henyu, kuti ndizorore zvishoma,
21
Ndisati ndaenda kwandisingazodzoki, Kunyika yerima nomumvuri worufu;
22
Iyo nyika yerima guru, rima chairo; Nyika yomumvuri worufu, panokukanganiswa, Ipapo chiedza chakafanana nerima.
← Chapter 9
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 11 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40
41
42