bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
Job 27
Job 27
Shona 2009?
← Chapter 26
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 28 →
1
Ipapo Jobho akapfuura nokutaura kwake, akati,
2
"NaMwari mupenyu, iye akanditorera kururama kwangu; nowaMasimbaose akatambudza mweya wangu;
3
(Nokuti upenyu hwangu huchiri mandiri chose, Nomweya waMwari uchiri mumhino dzangu;)
4
Zvirokwazvo miromo yangu haingatauri zvisakarurama, Uye rurimi rwangu harungarevi zvinonyengera.
5
Mwari ngaandidzivise ndirege kukururamisirai; Kusvikira parufu rwangu handingarashi kusanyengera kwangu.
6
Ndinobatisa kururama kwangu, handingakuregi; moyo wangu haungandipi mhaka ndichiri mupenyu.
7
Muvengi wangu ngaaite sewakaipa. Uye anondimukira ngaaite seasina kururama.
8
Nokuti asingadi Mwari ane tariro yeiko, kunyange azviwanira fuma, Kana atorerwa mweya wake naMwari here?
9
Ko Mwari achanzwa kuchema kwake, Kana achiwirwa nenjodzi here?
10
Ko iye achafarira waMasimbaose, Nokudana kuna Mwari nguva dzose here?
11
Ini ndichakudzidzisai zvoruoko rwaMwari; Izvo zvina waMasimbaose handingazvivanzi.
12
Tarirai imwi mose makazviona henyu; Zvino makagova vanhu vasina maturo chose neiko?
13
Ndiwo mugove unopiwa munhu akaipa naMwari, Nemhaka yavamanikidzi, yavanopiwa nowaMasimbaose.
14
Kana vana vake vachiwanda, vourawa nomunondo; Vana vake havangaguti zvokudya.
15
Vana vake, vakasara, vachavigwa vafa, Chirikadzi dzake hadzingachemi.
16
Kunyange akaunganidza sirivha ikaita seguruva, Nokugadzira zvokufuka zvikaita sevhu;
17
Angazvigadzira hake iye, asi akarurama ndiye achazvifuka; Asine mhosva ndiye achagovera sirivha.
18
Anovaka imba yake sechifusi, Sechirindo chinoitwa nomurindi.
19
Anovata pasi akafuma, asi haapamhidzizve; Anosvinudza meso ake, asi haachipo.
20
Zvinotyisa zvinomubata semvura zhinji; dutu remhepo rinomubvuta usiku.
21
Mhepo inobva mabvazuva inomutora ndokuenda hake; Inomutsvaira panzvimbo yake.
22
Mwari achamuposha, asingamunzwiri tsitsi, Unoidza kutiza paruoko rwake.
23
Vanhu vacharovana maoko pamusoro pake, Vachamuridzira muridzo abve panzvimbo yake."
← Chapter 26
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 28 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40
41
42