bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
Job 19
Job 19
Shona 2009?
← Chapter 18
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 20 →
1
Ipapo Jobho akapindura, akati,
2
"Muchatambudza mweya wangu kusvikira rinhiko, Nokundipwanya namashoko enyu here?
3
Makandituka zvino kagumi; Hamunyari zvamakanditsungirira.
4
Kana ndichinge ndatadza hangu, Kutadza kwangu kuchagara neni.
5
Kana imwi muchida kwazvo kuzvikudza pamusoro pangu, Nokundipa mhosva muchiti ndakatukwa;
6
Zivai zvino kuti ndiye Mwari asina kundiruramisa, Akandikomberedza nomumbure wake;
7
Tarirai ndinochema ndichiti, `Ndakaitirwa zvakaipa!' Asi handinzwiki; Ndinochema kuti ndibatsirwe, asi handiruramisirwi.
8
Akadzivira nzira yangu, kuti ndirege kupfuura; Akaisa rima panzira dzangu.
9
Wakandibvisira kurumbidzwa kwangu, Nokunditorera korona yangu pamusoro wangu.
10
Akandiputsa kumativi ose, ndakaparadzwa; Akadzura tariro yangu somuti.
11
Akandimutsirawo kutsamwa kwake, Akati ndiri mumwe wavadzivisi vake.
12
Hondo dzake dzinondiunganira, dzinozvigadzirira nzira kurwa neni. Dzinokomberedza tende rangu nemisasa yadzo.
13
Akaisa hama dzangu kure neni, Vazikamwi vangu vava savatorwa chose kwandiri.
14
Hama dzangu dzandinyengera, Shamwari dzangu, dzaindiziva, dzakandikangamwa.
15
Vanogara mumba mangu, navarandakadzi vangu vanoti ndiri mubvakure; Vanondiona vachiti ndiri mweni.
16
Ndinodana muranda wangu, asi haandipinduri, Kunyange ndichimunyengetera nomuromo wangu.
17
Kufema kwangu kunosemesa mukadzi wangu, Ndinonyangadza vana vamai vangu.
18
Kunyange navana vaduku vanondishorawo; Kana ndichisimuka, vanondipopotera.
19
Shamwari dzangu dzose dzaindiziva, dzinondinzvenga, Vose vandaida vandifuratira.
20
Pfupa rangu rinonamatira ganda rangu nenyama yangu, Ndasiyirwa ganda rameno angu.
21
Ndinzwirei tsitsi, ndinzwirei tsitsi, imwi shamwari dzangu; Nokuti ruoko rwaMwari rwandibata.
22
Munonditambudzireiko saMwari, Musingaguti nenyama yangu?
23
Haiwa, dai mashoko angu ainyorwa zvino, Haiwa, dai ainyorwa pabhuku.
24
Dai aitemwa nepeni yedare nomutobvu Aitemwa padombo nokusingaperi.
25
Asi ndinoziva kuti Mudzikunuri wangu mupenyu, Uye kuti pakupedzisira uchasimuka panyika;
26
Kunyange ganda rangu richinge raparadzwa saizvozvo, Kunyange zvakadaro ndichaona Mwari ndine nyama yangu.
27
Ndichamuona ari kurutivi rwangu; Meso angu achaona, asati ari omutorwa; Itsvo dzangu dzapera mukati mangu.
28
Kana muchiti, `Tichamutambudza sei!' Mudzi wemhosva zvauri mukati make!
29
Ityai munondo; Nokuti kutsamwa kucharohwa nomunondo, Kuti muzive kuti kutonga kuripo."
← Chapter 18
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 20 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40
41
42