bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
Job 21
Job 21
Shona 2009?
← Chapter 20
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 22 →
1
Ipapo Jobho akapindura,, akati,
2
Inzwai zvakanaka kutaura kwangu; Munyaradzwe nazvo.
3
Ndiregei, nditaurewo; Kana ndapedza kutaura, mungandiseka henyu.
4
Kana ndirini, ndinochema kuvanhu here? Ndingaregereiko kupera moyo?
5
Nditarirei, mushamiswe, Muise ruoko rwenyu pamuromo.
6
Kunyange ndozvirangarira ndinotambudzika, Kutya kukuru kunobata nyama yangu.
7
Vakaipa vanoraramireiko, Vachikwegura nokuwedzerwa simba here?
8
Vana vavo vanosimbiswa pamwechete navo pamberi pavo, Navazukuru vavo vachizviona nameso avo.
9
Dzimba dzavo dzinorugare, hadzityiswi, Uye shamhu yaMwari haigari ichivarova.
10
Hando yavo inoberekesa, isingakoni, Mhou yavo inobereka, isingasvodzi.
11
Vanobudisa pwere dzavo seboka ramakwai; Vana vavo vanotamba.
12
Vanoimba vachiridzirwa ngoma nembira, Vanofara vachiridzirwa nyere.
13
Vanopedza mazuva avo vachifara, Vanoburukira kuSheori kamwe-kamwe.
14
Kunyange zvakadaro vanoti kuna Mwari, `Ibvai kwatiri; Nokuti hatidi kuziva nzira dzenyu.'
15
Iye waMasimbaose ndianiko, kuti timushumire? Tichabatsirwa neiko kana tikanyengetera kwaari?
16
Tarirai, kufara kwavo hakuzi mumaoko avo; Mano avakaipa ari kure neni.
17
Ko mwenje wavakaipa unodzimwa kangani? Njodzi yavo inovavinga kanganiko? Mwari anovapavhurira kutambudzika pakutsamwa kwake kanganiko?
18
Vanotongofanana namakoto anodzingwa nemhepo here? Nehundi inotorwa nedutu remhepo?
19
imwi munoti, `Mwari anochengetera vana vake zvakaipa. Ngaamutsive iye amene, azvizive.'
20
Meso ake amene ngaaone kuparadzwa kwake, Iye ngaamwe kutsamwa kowaMasimbaose.
21
Nokuti achava nehanya yeiko neimba yake kana aenda, Kana kuwanda kwemwedzi yake kwatapudzwa.
22
Ndianiko angadzidzisa Mwari kuziva, Zvaari iye anotonga vari kumusoro?
23
Mumwe anofa achine simba rake rose, Akafara chose anorugare.
24
Mazamu ake azere nomukaka, Mwongo wamapfupa ake wakanyorova.
25
Mumwe anofa ane shungu dzomoyo, Asina kutongoravira zvakanaka.
26
Vanovata pasi pamwechete paguruva, Honye dzinovafukidza vose.
27
Tarirai ndinoziva kufunga kwenyu, Namano akaipa amunondifungira.
28
Nokuti munoti, 'Imba yomuchinda iripiko? Tende raigarwa nowakaipa riripiko?'
29
Hamuna kubvunza here vanofamba nenzira? Hamuzivi zviratidzo zvavo here?
30
Kuti munhu wakaipa anodarikwa pazuva renjodzi here? Kuti vanobviswa pazuva rokutsamwa here?
31
Ndianiko angamuzivisa mufambiro wake pachena? Ndiani achamutsiva zvaakaita here?
32
Zvino anotakurirwa kuhwiro, Vanorinda rinda rake.
33
Mavhinga omupata achamunakira, Vanhu vose vachamutevera, Sezvaakatungamirirwa navasingaverengwi.
34
Zvino munondinyaradza sei nezvisina maturo, Zvamasarirwa nenhema dzoga pakupindura kwenyu?"
← Chapter 20
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 22 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40
41
42