bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
Job 2
Job 2
Shona 2009?
← Chapter 1
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 3 →
1
Zvino rimwe zuvazve vanakomana vaMwari vakati vachindomira pamberi paJehovha, Satani akasvikawo pakati pavo, akamira pamberi paJehovha.
2
Jehovha akati kuna Satani, "Wabvepiko?" Satani akapindura Jehovha, akati, "Ndabva pakupota-pota nenyika, napakufamba-famba pairi."
3
Jehovha akati kuna Satani, "Wacherekedza muranda wangu Jobho here? Nokuti hakuna munhu akafanana naye panyika, munhu akakwana, akarurama, anotya Mwari, achinzvenga zvakaipa; nazvino anorambira pakururama kwake, kunyange iwe wakandikurudzira kuti ndimuparadze asine mhaka."
4
Satani akapindura Jehovha, akati, "Ganda rinotsihwa neganda, zvose zvaanazvo munhu angazviisira upenyu hwake.
5
Asi tambanudzai ruoko rwenyu zvino, murove mapfupa ake nenyama yake, ipapo achakushorai pachena."
6
Jehovha akati kuna Satani, "Tarira, iye ari paruoko rwako; asi koga urege upenyu hwake."
7
Naizvozvo Satani akabva pamberi paJehovha, akarova Jobho namaronda akaipa, kubva patsoka dzake kusvikira pamusoro wake.
8
Jobho akatora chaenga akazvikwenya nacho; akagara pasi pakati pamadota.
9
Ipapo mukadzi wake akati kwaari, "Ucharambira nazvino pakururama kwako here? Shora Mwari, ufe hako."
10
Asi iye akati kwaari, "Iwe unotaura sezvinotaura mumwe wavakadzi mapenzi. Tingagamuchira zvakanakacheteparuoko rwaMwari, tikasagamuchira zvakaipawo here?" Pazvinhu izvi zvose Jobho haana kutadza nomuromo wake.
11
Zvino shamwari nhatu dzaJobho dzakati dzichinzwa zvakaipa zvose zvakanga zvamuwira, dzikauya mumwe nomumwe achibva kwake, dzaiti Erifazi muTemani, naBhiridhadhi muShuhi, naZofari muNamati; vakatenderana kundomunzwira tsitsi nokumunyaradza.
12
Zvino vakati vachitarira vachiri kure, vakasamuziva, vakachema kwazvo, mumwe nomumwe akabvarura nguvo yake, vakakushira guruva kudenga pamisoro yavo.
13
Ipapo vakagara pasi naye mazuva manomwe nousiku hunomwe; asi hakuna nomumwe akataura naye kunyange shoko rimwe; nokuti vakaona kuti njodzi yake yakanga iri huru kwazvo.
← Chapter 1
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 3 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40
41
42