bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
Job 32
Job 32
Shona 2009?
← Chapter 31
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 33 →
1
Zvino varume ava vatatu vakarega kupindura Jobho, nokuti akati ndakarurama hangu.
2
Ipapo Erihu mwanakomana waBharakeri muBhuzi, weimba yaRami, akatsamwa kwazvo; akatsamwira Jobho kwazvo, nokuti akanga azviruramisa kupfuura Mwari.
3
Akatsamwirawo kwazvo shamwari dzake nhatu, nokuti vakanga vashaiwa mhinduro, kunyange zvakadaro vakanga vapa havo Jobho mhosva.
4
Zvino Erihu akanga amirira kutaura naJobho, nokuti ivo vaiva vakuru kwaari pazero.
5
Zvino Erihu akati achiona kuti hapene mhinduro pamiromo yavanhu ava vatatu, iye akatsamwa kwazvo.
6
Zvino Erihu mwanakomana waBharakeri muBhuzi wakapindura, akati, "Ini ndiri muduku, asi imwi mava vakuru kwazvo; Saka ndakazvidzora hangu, ndikatya kukuzivisai kufunga kwangu.
7
Ndakati, `Vana mazuva mazhinji ngavataure havo, Vana makore mazhinji ngavadzidzise vamwe uchenjeri.'
8
Asi mweya uripo pamunhu, Kufuridzira kowaMasimbaose kunovapa kunzwisisa.
9
Havazi vakuru vakachenjera, Kana vatana vanonzwisisa kururamisira.
10
Saka ndakati, `Chindinzwai; Neniwo ndichakuzivisai kufunga kwangu.'
11
Tarirai, ndakambomirira mashoko Ndakateerera kuti ndinzwe nharo dzenyu, Nguva yamakatsvaka zvamungataura.
12
Zvirokwazvo, ndakakucherekedzai, Asi tarirai, hakuna munhu akapwisa Jobho. Kana akapindura mashoko ake pakati penyu.
13
Chenjerai, murege kuti, `Takawana huchenjeri; Mwari ndiye angamukunda, asi munhu kwete;'
14
Nokuti haana kutaura mashoko ake kwandiri; Neni handingamupinduri iye nokutaura kwenyu.
15
Vashamiswa, havachapinduri; Havachine shoko ravangataura.
16
Ko ini ndingamirira, zvavasingatauri ivo, Zvavanoramba vamire, vasina chavangapindura here?
17
Neniwo ndichapindura padzoro rangu, Neniwo ndichazivisa kufunga kwangu.
18
Nokuti ndizere namashoko; Mweya, uri mukati mangu, unondimanikidza.
19
Tarirai, mukati mangu makafanana newaini isina pokubuda napo; Zvakafanana nehombodo itsva dzinokaroparuka.
20
Ndichataura, kuti ndiremudzwe, Ndichashamisa miromo yangu ndipindure.
21
Ndirege hangu kutsaura munhu upi noupi; Uye handingatumidzi ani nani mazita anobata kumeso.
22
Nokuti handizivi kutumidza mazita anobata kumeso; Zvimwe Muiti wangu angakurumidza kundibvisa."
← Chapter 31
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 33 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40
41
42