bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
Job 34
Job 34
Shona 2009?
← Chapter 33
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 35 →
1
Ipapo Erihu akapindura, akati,
2
"Inzwai mashoko angu, imwi vanhu vakachenjera; Rerekai nzeve dzenyu kwandiri, imwi mune zivo.
3
Nokuti nzeve ndiyo inoidza mashoko, Sezvinoravira mukamwa zvokudya.
4
Ngatizvitsanangurire zvakarurama; Ngatizive tose kuti zvakanaka ndezvipi.
5
Nokuti Jobho akati, `Ndakarurama, Asi Mwari akanditorera kururama kwangu;
6
Kunyange ndakarurama hangu, ndinonzi ndine nhema; Pandakakuvadzwa hapangapori, kunyange ndisina kudarika.'
7
Ndianiko akafanana naJobho, Anomwa kushorwa semvura?
8
Anofambidzana navanoita zvakaipa, Anofamba navanhu vakashata.
9
Nokuti iye akati, `Munhu haatongobatsirwi, Kana achifarira Mwari.'
10
Saka chindinzwai, imwi varume venjere, Mwari haangatongoiti zvisakarurama; waMasimbaose haangatongoiti zvakaipa.
11
Nokuti acharipira munhu sezvaakabata, Achapa mumwe nomumwe sezvaakafanirwa.
12
Zvirokwazvo, Mwari haangaiti zvakaipa, waMasimbaose haangakanganisi pakutonga.
13
Ndianiko akamuita murairi wenyika? Ndianiko akamupa nyika yose?
14
Kana akadzosera moyo wake kwaari, Kana akadzosera kwaari mweya wake nokufema kwake;
15
Ipapo vanhu vose vachaparara pamwechete, Munhu akadzokerazve kuguruva.
16
Zvino kana mukagona kunzwisisa, inzwai shoko iri, Teererai inzwi ramashoko angu.
17
Ko munhu, anovenga zvakarurama, angabata ushe here? Mungapa mhosva munhu akarurama, ane simba here?
18
Ko zvakanaka kuti kuna mambo, `Makashata?' Kana kuvakuru, `Muri vakaipa here?'
19
Ndoda kumunhu asingakudzi machinda, Asingatsauri vafumi kupfuura varombo. Nokuti ivo vose ndiro basa ramaoko ake.
20
Vanofa kamwe-kamwe pakati pousiku; Vanhu vanozozununguswa ndokuparara havo, Vane simba vanobviswa zvingaitwa noruoko.
21
Nokuti meso ake anotarira nzira dzomunhu, Unoona kufamba kwake kose.
22
Hapana rima kana mumvuri worufu, Pangavanda vanoita zvakaipa.
23
Nokuti haachafaniri kurangarira munhu, Kuti atongwe pamberi paMwari.
24
Anoparadza vanhu vane simba asinganzveri, Ndokugadza vamwe panzvimbo yavo.
25
Saka anocherekedza mabasa avo; Unovaparadza usiku, vakapwanyiwa.
26
Anovarova sezvinorohwa vanhu vakaipa Vamwe vose vachizviona pachena;
27
Nokuti vakatsauka pakumutevera, Vakasava nehanya nenzira dzake dzose;
28
Naizvozvo vakasvitsa kuchema kwavarombo kwaari, Akanzwa kuchema kwavakatambudzwa.
29
Kana iye akazorodza, ndianiko ungapa mhosva? Kana akavanza chiso chake, ndianiko angazomuona? Kana zvichitarirwa rudzi kana munhu mumwe, zvakafanana hazvo;
30
Kuti munhu asakarurama arege kubata ushe, Kuti kurege kuva nomunhu achateya vanhu.
31
Nokuti kunomunhu here akati kuna Mwari, `Ndarangwa hangu, kunyange ndisina kutadza?
32
Ndidzidzisei zvandisingaoni; Kana ndichinge ndaita zvakaipa, handingazviitizve?'
33
Ko iye achatsiva sezvaunoda iwe, zvaunozviramba here? Nokuti ndiwe unofanira kutsanangura, handizini; Saka chitaura zvaunoziva.
34
Vanhu vane njere vachati kwandiri, Uye vose vakachenjera, vanondinzwa, vachati,
35
‘Jobho anotaura zvaasingazivi, Mashoko ake haano uchenjeri.
36
Dai Jobho aiidzwa kusvikira pakupedzisira, Zvaakapindura savanhu vakaipa.
37
Nokuti anowedzera kumukira Mwari pazvivi zvake, Anorova namaoko ake pakati pedu, Achiwanza mashoko ake anorwa naMwari.' "
← Chapter 33
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 35 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40
41
42