bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
Job 28
Job 28
Shona 2009?
← Chapter 27
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 29 →
1
Nokuti mugodhi uripo panobva sirivha, Nzvimbo iripo pavanonatsa ndarama.
2
Mhangura inocherwa pasi, Nendarira inonyauswa pabwe.
3
Munhu anokunda rima, Anotsvakisisa kusvikira kumativi ose-ose. Mabwe ari murima guru nomumumvuri worufu.
4
Anochera mugodhi kure napanogara vanhu; Vanokanganikwa norutsoka rwavanopfuura; Vanorembera kure navanhu, vachizeya uku nokuku.
5
Kana iri nyika, zvokudya zvinobva mairi; Pasi pazvo pakashandurwa zvinenge nomoto.
6
Pamabwe ayo ndipo panogara zvibwe zesafiro, Ano upfu hwéndarama.
7
Nzira iyo haizikamwi negondo, Ziso rorukodzi harina kuiona;
8
Zvikara, zvinozvikudza, hazvina kupfuura napo. Shumba, ine hasha, haina kupfuura napo.
9
Iye anotema dombo romusarasara noruoko rwake; Anoshandukura makomo nemidzi yawo.
10
Anochera mugero pamatombo; Ziso rake rinoona zvinokosha.
11
Anodzivira nzizi dzemvura dzirege kudonha; Chinhu chakavanzika anochibudisa pachena.
12
Asi uchenjeri huchawanikwepiko? Kunzwisisa kunogarepi?
13
Munhu haazivi mutengo wahwo; Hauwanikwi panyika yavapenyu.
14
Pakadzika panoti, "Hauzi mandiri;" Negungwa rinoti, "Hauzi mandiri."
15
Haungatengwi nendarama, Nyangwe nesirivha haingaidzirwi mutengo wawo.
16
Haungaenzaniswi nendarama yeOfiri, Kana nezvibwe zveonikisi inokosha kana zvesafiro.
17
Ndarama negirazi hazvingaenzani nahwo; Zvishongo zvendarama yakaisvonaka hazvingatsinhaniswi nahwo.
18
Korari nemapere hazvingatongorebwi; Zvirokwazvo mutengo wouchenjeri unopfuura matombo akatsvuka.
19
Topazi yeItiopia haingaenzani nahwo, Haungaenzaniswi nendarama yakaisvonaka.
20
Zvino huchenjeri unobvepiko? Kunzwisisa kunogarepi?
21
Zvahwakavanzirwa meso avapenyu vose, Nokudzitirirwa shiri dzokudenga.
22
Kuparadza noRufu zvinoti, "Takanzwa guhu rahwo panzeve dzedu."
23
Mwari anonzwisisa nzira yahwo, Ndiye anoziva kwahunobva.
24
Nokuti anotarira kumigumo yenyika, anoona, zvose pasi pokudenga pose;
25
Panguva yaanotarira mhepo kurema kwayo; Zvirokwazvo, anoyera mvura nechiyero
26
Panguva yaakatemera mvura chirevo, Nemheni yomutinhiro nzira yayo.
27
Panguva iyo akahuona, akahududzira; Akahusimbisa, nokuhunzvera.
28
Akaudza munhu achiti, "Tarira, kutya Ishe, ndihwo uchenjeri. Kurega zvakaipa ndiko kunzwisisa."
← Chapter 27
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 29 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40
41
42