bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
Job 20
Job 20
Shona 2009?
← Chapter 19
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 21 →
1
Ipapo Zofari muNaamati akapindura, akati,
2
"Naizvozvo ndangariro dzangu dzinondipindura, Nokuda kokukurumidza kuri mandiri.
3
Ndakanzwa kutuka kunondinyadza, Mweya wokunzwisisa kwangu anondipindura.
4
Hauzivi here kuti kubva kare-kare, Kubva pakuiswa komunhu panyika,
5
Kuti kufara kwavakaipa hakune nguva huru, Nomufaro wavasingadi Mwari kuti ndowechinguva?
6
Kunyange kukura kwake kukakwirira kusvikira kudenga, Musoro wake ukasvikira kumakore;
7
Kunyange zvakadaro uchaparara nokusingaperi sendove yake; Vaimuona vachati, `Aripiko?'
8
Achabhururuka akaenda sokurota, akasawanikwa; Zvirokwazvo, achadzingwa sechinhu chinoonekwa usiku.
9
Ziso raimuona haringazomuonizve; Nyangwe nenzvimbo yake haingazomuonizve.
10
Vana vake vachatsvaka tsitsi kuvarombo, Maoko avo achadzosera fuma yake.
11
Mapfupa ake azere nesimba roujaya hwake, Asi achavata pasi naye paguruva.
12
Kunyange kutadza kuchitapira mumuromo make, Kunyange akazvivanza pasi porurimi rwake;
13
Kunyange akazvichengeta, akaramba kuzvirega, Akaramba akazvichengeta mumuromo make;
14
Kunyange zvakadaro zvokudya zvake zvinoshandurwa muura hwake, Zvava nduru yemvumbi mukati make.
15
Wamedza fuma, asi achairutsazve, Mwari achaibudisa mudumbu rake.
16
Achasveta uturu bwemvumbi; Rurimi rwenyoka ruchamuuraya.
17
Haangatariri nzizi, Nehova dzizere nouchi namafuta.
18
Zvaakabatira achazvidzosazve, haangazvimedzi; Haangavi nomufaro wakaenzana nefuma yake yaakawana.
19
Nokuti akamanikidza nokurasha varombo; Akatora imba nesimba, asi haangaivaki.
20
Zvaakanga asingazivi kudzikama mukati make, Haangachengeti chinhu chimwe chaakanga achifarira.
21
Hakune chinhu chakasara chaasina kuparadza; Saka kuguma kwake, hakungarambi kuripo.
22
Pakati pezvakawanda zvefuma yake achamanikidzwa; Ruoko rwomumwe nomumwe ari panjodzi rucharwa naye.
23
Kana achida kugutsa dumbu rake, Mwari achatuma kutsamwa kwake kukuru pamusoro pake, Achakunisa pamusoro pake, zvive zvokudya zvake.
24
Achatiza nhumbi yokurwa yamatare, Uta bwendarira huchamuboora.
25
Unoivhomora, ikabuda pamuviri wake; Muromo wayo unobwinya, unobuda panduru yake; Anotya kwazvo.
26
Akachengetererwa rima guru ive fuma yake, Moto usina kupfutidzwa nomunhu uchamuparadza; Uchapedza zvakasara patende rake.
27
Kudenga-denga kucharatidza zvakaipa zvake, Nyika ichamumukira.
28
Zvakaunganidzwa mumba make zvichibva, Nhumbi dzake dzichayerera pazuva rokutsamwa kwake.
29
Ndiwo mugove womunhu akaipa waanopiwa naMwari, Nenhaka yaakatemerwa naMwari."
← Chapter 19
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 21 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40
41
42