bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Mark 10
Mark 10
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 9
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 11 →
1
Ɀino wakasimuka’po, akaȿika munyika yeJudea, nemhiri kwaJoridani, ʋanhu ʋazhinji‐zhinji ʋakaʋuŋganira ɀe kwaari; akaʋadzidzisa ɀe seɀaakaŋga acisiita.
2
ƲaFarise ʋakaʋuya kwaari, ʋakamubvunza, ʋacimuidza, ʋaciti: Murume wakatenderwa kurasha mukadzi wake here?
3
Akapindura, akati kwaʋari: Mosesi wakakuraireiko?
4
Ʋakati: Mosesi wakatendera murume kunyora rugwaro rwokumuramba, nokumurasha.
5
Jesu akati kwaʋari: Wakakunyorerai murairo iwoyo nokuɗa kwoʋukukutu bgemŋoyo yenyu.
6
Asi kubva pakutaŋga kwokusikwa wakaʋaita murume nomukadzi.
7
Nokuɗa kwaiɀoɀo murume ucasiya ɓaɓa ʋake namai ʋake, akanamatira mukadzi wake;
8
aʋa ʋaʋiri ʋacaʋa nyama imŋe; nokuɗaro haʋaciri ʋaʋiri, asi nyama imŋe.
9
Ɀino iɀo Mŋari ɀaakasoŋganisa, munhu ŋgaarege kuɀiparadzanisa.
10
Ɀino mumba ʋadzidzi ʋakamubvunza ɀe pamsoro paiɀoɀo.
11
Akati kwaʋari: Aninani unorasha mukadzi wake, akawana mumŋe, unoita ʋupombge kwaari.
12
Ʋuye kana iye mukadzi akarasha murume wake, akawanikwa nomumŋe, unofeʋa.
13
Ɀino ʋakaʋuya naʋana ʋaɗuku kwaari, kuti aʋanyaŋgate; asi ʋadzidzi ʋakaʋaraira.
14
Ɀino Jesu wakati aciɀiʋona, akatsamŋa, akati kwaʋari: Regai ʋana ʋaɗuku ʋaʋuye kwandiri, musaʋadziʋisa, nokuti ʋushe bgaMŋari ndobgaʋakaɗai.
15
Ɀirokwaɀo ndinoti kwamuri: Aninani usiŋgagamuciri ʋushe bgaMŋari somŋana muɗuku, haaŋgatoŋgopindi mabguri.
16
Ipapo akaʋafuŋgatira mumaʋoko, akaʋaropafadza, ndokuisa maʋoko pamsoro paʋo.
17
Ɀino wakati aciɓuɗa kunzira, mumŋe akamhanyira kwaari, akafugama pamberi pake akamubvunza, aciti: Mudzidzisi wakanaka, ndiŋgaiteiko kuti ndigare nhaka yoʋupenyu bgusiŋgaperi?
18
Jesu akati kwaari: Unondiidzireiko wakanaka? Hakuna‐wakanaka, asi mumŋe cete, iye Mŋari.
19
Mirairo unoiziʋa, inoti, usaʋuraya, usaita ʋupombge, usaɓa, usapupura nhema, usanyeŋgera, kudza ɓaɓa ʋako namai ʋako.
20
Akati kwaari: Mudzidzisi, iɀi ɀose ndakaɀiceŋgeta kubva paʋuɗuku bgaŋgu.
21
Jesu akamutarira akamuɗa, akati kwaari: Unoshaiwa cinhu cimŋe cete; enda, uteŋgese ɀose ɀaunaɀo, upe ʋarombo, uʋe nefuma kuɗeŋga; ugoʋuya, unditeʋere.
22
Asi wakaȿiɓa mŋoyo neshoko iro, akaenda neshuŋgu, nokuti wakaŋga anefuma zhinji.
23
Ipapo Jesu akariŋga‐riŋga, akati kuʋadzidzi ʋake: Ʋanefuma ʋacaremerwa sei kupinda paʋushe bgaMŋari!
24
Ʋadzidzi ʋakashamiswa namashoko ake. Asi Jesu wakapindura ɀe, akati kwaʋari: Ʋana, ɀinorema sei kunaʋanoʋimba nefuma kupinda paʋushe bgaMŋari!
25
Kamera iŋgarerukirwa kupinda paʋuri reɗumho, kumufumi kupinda muʋushe bgaMŋari.
26
Ipapo ʋakakahadzika ɀikuru, ʋakati kwaari: Ndianiko uŋgagoponeswa?
27
Ɀino Jesu wakati aciʋatarira, akati: Kuʋanhu iɀi haɀibviri, asi kunaMŋari ɀinobʋira.
28
Petro akataŋga kutaura kwaari, aciti: Tarirai isu takasiya ɀose tikakuteʋerai.
29
Jesu akati: Ɀirokwaɀo ndinoti kwamuri: Hakunomunhu wakasiya imba, kana ʋanuŋuna, kana hanɀadzi, kana mai, kana ɓaɓa, kana ʋana, kana minda, nokuɗa kwaŋgu nokweEvaŋgeri,
30
usiŋgazopiwi ɀinezana neŋguʋa ino, dzimba naʋanuŋuna, nehanɀadzi, namadzimai, naʋana, neminda, pamŋe cete nokuʋeŋgwa, noʋupenyu bgusiŋgaperi neŋguʋa inoʋuya.
31
Asi ʋazhinji ʋokutaŋga ʋacaʋa ʋokupedzisira, noʋokupedzisira ʋacaʋa ʋokutaŋga.
32
Ɀino ʋakaŋga ʋari munzira, ʋacikwira Jerusarema; Jesu wakaŋga aciʋatuŋgamirira; ʋakashamiswa; naʋakaŋga ʋaciteʋera, ʋakatya. Ipapo akatora ɀe ʋanegumi naʋaʋiri, akataŋga kuʋaʋudza iɀo ɀaakaŋga oɗo‐kuitirwa, aciti:
33
Tarirai tinokwira Jerusarema, Mŋanakomana womunhu ucaiswa kuʋaprista ʋakuru naʋanyori; ʋacamutoŋgera rufu, nokumuisa kuʋahedeni.
34
Ʋacamuseka, nokumupfira mate, nokumuroʋesa, nokumuʋuraya; kana mazuʋa matatu apfuʋura, ucamuka ɀe.
35
Ɀino Jakobo naJohane, ʋanakomana ʋaZebedi, ʋakaʋuya kwaari, ʋakati kwaari: Mudzidzisi, tinoɗa kuti mutiitire seɀatinokumbira kwamuri.
36
Akati kwaʋari: Munoɗa kuti ndikuitireiko?
37
Ʋakati kwaari: Tigarisei pakubginya kwenyu, mumŋe kuruʋoko rwenyu rworudyi, mumŋe kuruɓoshwe.
38
Asi Jesu wakati kwaʋari: Hamuziʋi ɀamunokumbira. Muŋgagona kunwira pamukombe pandinonwira ini, nokubapatidzwa norubapatidzo rwandinobapatidzwa narwo here?
39
Ʋakati kwaari: Tiŋgagona. Jesu akati kwaʋari: Mucanwira henyu pamukombe pandinonwira ini, nokubapatidzwa norubapatidzo rwandinobapatidzwa narwo ini;
40
asi kugara kuruʋoko rwaŋgu rworudyi, kana kuruɓoshwe, handizini ndinopa, asi ndeɀa ʋakaɀigadzirirwa iɀo.
41
Ʋanegumi ʋakati ʋaciɀinzwa, ʋakataŋga kutsamŋira Jakobo naJohane.
42
Ipapo Jesu akaʋaɗanira kwaari, akati kwaʋari: Munoziʋa kuti aʋo ʋanonzi macinda aʋahedeni anoʋaraira, naʋakuru ʋaʋo ʋanoita simba naʋo.
43
Ɀino pakati penyu ŋgaɀirege kuʋa kuɗaro; asi aninani unoɗa kuʋa mukuru pakati penyu, ŋgaaʋe mushumiri wenyu;
44
aninani unoɗa kuʋa wokutaŋga pakati penyu, ŋgaaʋe muranda waʋose.
45
Nokuti Mŋanakomana womunhu naiye haana‐kuʋuya kuzoshumirwa, asi kushumira, nokupa ʋupenyu bgake ruʋe rudzikinuro rwaʋazhinji.
46
Ʋakaȿika Jeriko; ɀino wakati aciɓuɗa Jeriko naʋadzidzi ʋake naʋazhinjizhinji, Bartimeo, mŋanakomana waTimeo, raiʋa ɓofu riri rombe, wakaŋga agere panzira.
47
Iye wakati anzwa, kuti ndiJesu weNazareta, akataŋga kuɗanidzira, aciti: Mŋanakomana waDavidi, ndinzwirei ŋgoni!
48
Ʋazhinji ʋakamuraira kuti anyarare, asi iye wakanyanya kuɗanidzira kwaɀo, aciti: Mŋanakomana waDavidi, ndinzwirei ŋgoni!
49
Ipapo Jesu akamira, akati: Muɗanei. Ʋakaɗana ɓofu, ʋaciti kwariri: Tsuŋga mŋoyo, simuka, unokuɗana.
50
Ipapo akarasha ŋguʋo yake, akasimuka, akaenda kunaJesu.
51
Jesu akamupindura, akati kwaari: Unoɗa kuti ndikuitireiko? Ƃofu rikati kwaari: Raboni, kuti ndiʋone.
52
Jesu akati kwaari: Enda hako, kutenda kwako kwakuponesa. Pakarepo akaʋona, akateʋera Jesu munzira.
← Chapter 9
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 11 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16