bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Mark 2
Mark 2
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 1
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 3 →
1
Kwakati mazuʋa apfuʋura, akapinda ɀe Kapernaume; ʋanhu ʋakanzwa kuti uri mumba.
2
Ʋazhinji ʋakaʋuŋgana nokuɗaro ʋakashaiwa nɀimbo, kunyaŋge pamukoʋa; akaʋataurira shoko.
3
Ʋakaʋuya ʋakaisa kwaari munhu wakaŋga akafa mitezo, akatakurwa na ʋanhu ʋanna.
4
Ɀino ʋakati ʋasiŋgagoni kusweɗera kwaari nokuɗa kwaʋazhinji, ʋakazarura ɗeŋga paakaŋga ari; ʋakati ʋariputsa, ʋakaɓurusa nhoʋo, pakaŋga paʋete munhu wakaŋga akafa mitezo;
5
Jesu wakati aciʋona kutenda kwaʋo, akati kunowakaŋga akafa mitezo: Mŋana, wakaŋganwirwa ɀiʋi ɀako.
6
Ɀino ʋamŋe ʋanyori ʋakaŋga ʋagere’mo, ʋakafuŋga mumŋoyo yaʋo, ʋaciti:
7
Uyu unoreʋereiko kuɗaro? Unomhura Mŋari; ndianiko unogona kukaŋganwira ɀiʋi, asi mumŋe cete, ndiye Mŋari?
8
Pakarepo Jesu aciziʋa mumŋeya make kuti ʋanofuŋga kuɗaro mumŋoyo yaʋo, akati kwaʋari: Munofuŋgireiko ɀinhu iɀi mumŋoyo yenyu?
9
Cinyiko cakareruka, kuti kunowakafa mitezo: Wakaŋganwirwa ɀiʋi ɀako, kana kuti: Simuka, tora nhoʋo dzako, ufambe?
10
Asi kuti muziʋe kuti Mŋanakomana womunhu unesimba panyika rokukaŋganwira ɀiʋi, (akati kumunhu wakaŋga akafa mitezo:)
11
Ndinoti kwauri: Simuka, tora nhoʋo dzako, uende kumba kwako!
12
Pakarepo akasimuka, akatora nhoʋo, ndokuɓuɗa pamberi paʋo ʋose; naiɀoɀo ʋose ʋakashamiswa, ʋakarumbidza Mŋari, ʋaciti: Hatina‐kumboʋona ɀakaɗai.
13
Wakaɓuɗa ɀe akaenda kuguŋgwa; ʋazhinji ʋose ʋakaʋuya kwaari, akaʋadzidzisa.
14
Wakati acipfuʋura, akaʋona Revi, mŋanakomana waArfeo, agere panotereswa, akati kwaari: Nditeʋere. Akasimuka, akamuteʋera.
15
Ɀino wakati agere pakudya mumba make, ʋateresi ʋazhinji naʋatadzi ʋakagara naJesu naʋadzidzi ʋake; nokuti ʋakaŋga ʋari ʋazhinji ʋaimuteʋera.
16
Ɀino ʋanyori naʋaFarise ʋakati ʋacimuʋona acidya naʋatadzi naʋateresi, ʋakati kuʋadzidzi ʋake: Mudzidzisi unodyireiko naʋateresi naʋatadzi?
17
Jesu wakati aciɀinzwa, akati kwaʋari: Ʋasiŋgarwari haʋatȿaki ŋaŋga, asi ʋanorwara; handina‐kuʋuya kuzoɗana ʋakarurama, asi ʋatadzi.
18
Ʋadzidzi ʋaJohane naʋaFarise ʋakaŋga ʋaciɀinyima ɀokudya; ʋakaʋuya ʋakati kwaari: Ʋadzidzi ʋaJohane naʋadzidzi ʋaʋaFarise ʋanoɀinyimireiko ɀokudya, asi ʋadzidzi ʋenyu haʋaɀinyimi neiko?
19
Jesu akati kwaʋari: shamŋari dzecikomba dziŋgaɀinyima ɀokudya seiko ciciri kwaʋari? Haʋaŋgaɀinyimi ɀokudya cikomba ciciri kwaʋari.
20
Asi mazuʋa acaȿika, acazobviswa cikomba kwaʋari; ɀino neŋguʋa iyo ʋacaɀinyima ɀokudya.
21
Hakunomunhu unosonera ciremo citȿa paŋguʋo yakasakara, nokuti ciremo citȿa cinobvarura ŋguʋo yakasakara, ʋuri rikanyanya.
22
Hakunomunhu unoɗira waini itȿa muhomboɗo tsaru; nokuti waini inoparusa homboɗo, waini nehomboɗo ɀikafa; asi waini itȿa inoɗirwa muhomboɗo itȿa.
23
Kwakati nomusi wesaɓata, acifamba napakati peminda, ʋadzidzi ʋake ʋakataŋga kutanha hura ʋacifamba.
24
ƲaFarise ʋakati kwaari: Tarirai, ʋanoitireiko ɀisina‐kutenderwa nomusi wesaɓata?
25
Akati kwaʋari: Hamuna‐kuraʋa here ɀakaitwa naDavidi, musi waakaŋga ashaiwa, aziya, iye naʋakaŋga ʋanaye?
26
Kuti wakapinda mumba maMŋari, Abiatari ari muprista mukuru, akadya ɀiŋgwa ɀokuratidza ɀakaŋga ɀisina‐kutenderwa kudyiwa, asi naʋaprista ʋoga, akapa ʋo ʋaiʋa naye?
27
Akati kwaʋari: Saɓata yakaitirwa munhu, munhu haana‐kuitirwa saɓata;
28
naiɀoɀo Mŋanakomana womunhu ndiye Ishe wesaɓata ʋo.
← Chapter 1
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 3 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16