bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Mark 12
Mark 12
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 11
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 13 →
1
Ɀino wakataŋga kutaura naʋo nemifananidzo, aciti: Mumŋe munhu wakaŋga asima munda wemizambiriŋga, akaukomba noruzhowa, akacera pokuȿinira, akaʋaka cirindo, akaupa ʋarimi, ndokufamba rwendo.
2
Neŋguʋa yeɀiɓereko akatuma muranda kuʋarimi, kuti apiwe naʋarimi ɀiɓereko ɀomunda wemizambiriŋga.
3
Ʋakamuɓata, ʋakamuroʋa, ʋakamudzosa asina.
4
Akatuma ɀe mumŋe muranda kwaʋari; ʋakamutaka namabge, ʋakamutema musoro, ʋakamunyadza.
5
Akatuma ɀe mumŋe, ʋakamuʋuraya; naʋamŋe ʋazhinji, ʋakaroʋa ʋamŋe, nokuʋuraya ʋamŋe.
6
Ɀino wakaŋga acinomŋanakomana mumŋe, muɗikanwa; akamutuma kwaʋari pakupedzisira, aciti: Ʋacakudza mŋanakomana waŋgu.
7
Asi ʋarimi iʋaʋo ʋakataurirana, ʋaciti: Uyu ndiye mugari wenhaka; ʋuyai timuʋuraye, nhaka igoʋa yeɗu.
8
Ʋakamuɓata, ʋakamuʋuraya, ʋakamuɓuɗisa kunze kwomunda wemizambiriŋga.
9
Ɀino mŋene womunda wemizambiriŋga ucaiteiko? Ucaʋuya, akaparadza ʋarimi iʋaʋo, akapa ʋamŋe ʋarimi munda wemizambiriŋga.
10
Ko hamuna‐kutoŋgoraʋa here rugwaro urwu, runoti: Ibge rakarashwa naʋaʋaki, Ndiro rakazoʋa musoro wekona;
11
Iɀoɀo ɀakaitwa naShe, Ɀinoshamisa pameso eɗu?
12
Ipapo ʋakatȿaka kumuɓata, asi ʋakatya ʋanhu ʋazhinji; nokuti ʋakaŋga ʋaciziʋa kuti wakaʋareʋa iʋo nomufananidzo iwoyo; ʋakamusiya, ʋakabva’ po.
13
Ɀino ʋakatuma kwaari ʋamŋe ʋaʋaFarise naʋaHerode, kuti ʋamuɓate pakutaura kwake.
14
Ʋakaʋuya, ʋakati kwaari: Mudzidzisi, tinoziʋa kuti ndimi waɀokwaɗi, musiŋgaraŋgariri ɀinoʋonekwa ɀomunhu; hamutariri ɀiri kunze kwomunhu, asi munodzidzisa nzira yaMŋari neɀokwaɗi: Munhu Unotenderwa kuripira Kesari mutero here, kana kwete?
15
Ticaripa here, kana tirege kuripa? Asi iye aciziʋa kunyeŋgera kwaʋo, akati kwaʋari: Munondiidzireiko? Ʋuyai nedenari kwandiri, ndiriʋone.
16
Ʋakaʋuya naro. Ipapo akati kwaʋari: Mufananidzo uyu norunyoro urwu ndeɀani? Ʋakati kwaari: ⱿaKesari.
17
Jesu akati kwaʋari: Ipai Kesari ɀaKesari, naMŋari ɀaMŋari. Ʋakashamiswa ɀikuru naye.
18
Ɀino ʋaSaduse ʋakaʋuya kwaari, iʋo ʋanoti hakuna‐kumuka kwaʋakafa, ʋakamubvunza ʋaciti:
19
Mudzidzisi, Mosesi wakatinyorera kuti, kana mukoma womunhu akafa, akasiya mukadzi asinomŋana, munuŋuna wake atore mukadzi wake, amutsire mukoma wake ʋana.
20
Ɀino kwakaŋga kunaʋanakomana ʋomunhu mumŋe ʋanomŋe; weɗaŋgwe akatora mukadzi, akafa asinaʋana.
21
Wecipiri akamutora, akafa asiŋgasiyi ʋana; nowecitatu akaɗaro ʋo.
22
Naʋanomŋe ʋose haʋana‐kuʋa nomŋana; shure kwaʋose mukadzi akafa ʋo.
23
Ɀino pakumuka kwaʋakafa, kana ʋacimuka, ucaʋa mukadzi waniko kwaʋari? Nokuti wakaŋga ari mukadzi wa ʋose ʋanomŋe.
24
Jesu akati kwaʋari: Hamuna‐kurashika here, nemhaka yokusaziʋa magwaro nesimba raMŋari?
25
Nokuti kana ʋacimuka kuʋakafa, haʋawani kana kuwaniswa; asi ʋakaita saʋatumŋa kuɗeŋga.
26
Kana kuri kumutswa kwaʋakafa, hamuna‐kuraʋa here pabuku yaMosesi pashoko regwenzi, kuti Mŋari wakataura naye, akati: Ndini Mŋari waAbrahama, naMŋari waIsaka, naMŋari waJakobo?
27
Haazi Mŋari waʋakafa, asi waʋapenyu; marashika kwaɀo.
28
Ɀino mumŋe waʋanyori wakaŋga anzwa kutaurirana kwaʋo, aciziʋa kuti wakaŋga aʋapindura ɀakanaka, wakaʋuya, akamubvunza, aciti: Murairo wokutaŋga payose ndoupiko?
29
Jesu akapindura, akati: Wokutaŋga ndiwoyu: Inzwai ʋaIsraeri, Ishe Mŋari weɗu, ndiye Ishe mumŋe cete!
30
Iɗa Ishe Mŋari wako, nomŋoyo wako wose, nomŋeya wako wose, nokufuŋga kwako kwose, nesimba rako rose.
31
Wecipiri ndiwoyu: Iɗa wokwako seɀaunoɀiɗa iwe. Hakunomurairo mukuru kunaiyeyo.
32
Ɀino munyori akati kwaari: Ɀakanaka Mudzidzisi, mareʋa ɀirokwaɀo, kuti ndiye mumŋe cete, hakunomumŋe kunze kwake;
33
nokumuɗa iye nomŋoyo wose, nokufuŋga kwose, nesimba rose, nokuɗa wokwake seɀaanoɀiɗa iye, ɀinopfuʋura ɀikuru ɀipiriso ɀose ɀinopiswa cose, neɀiɓayiro.
34
Ɀino Jesu wakati aciʋona kuti wapindura nokufuŋga, akati kwaari: Hauzi kure noʋushe bgaMŋari. Kukasaʋa nomunhu wakazotsuŋga kumubvunza cinhu.
35
Ɀino Jesu wakati acidzidzisa mutembere, akapindura, akati: Ʋanyori ʋanoreʋa seiko kuti Kristu ndiye mŋanakomana waDavidi?
36
Davidi amene wakati noMŋeya Mutȿene: Ishe wakati kunaShe waŋgu: Gara kurudyi rwaŋgu, Kuȿikira ndaisa ʋaʋeŋgi ʋako pasi petsoka dzako.
37
Davidi amene unomuidza Ishe, uŋgagoʋa mŋanakomana wake seiko? Ʋazhinji‐zhinji ʋakaŋga ʋacifara kumunzwa.
38
Ɀino pakudzidzisa kwake wakati: Cenjerai ʋanyori, ʋanoɗa kufamba neŋguʋo refu, nokukwaziswa paɗare,
39
neɀigaro ɀapamberi mumasinagoge, nenɀimbo dzapamberi pamitambo;
40
ʋaciparadza dzimba dzecirikadzi, ʋacinyeŋgetera neminyeŋgetero mirefu. Iʋaʋa ʋacatoŋgerwa ɀakaipa nokupfuʋurisa.
41
Ɀino wakaŋga agere akatarisana neciʋigiro cemari, akatarira ʋanhu ʋazhinji ʋaciisa mari muciʋigiro; ʋafumi ʋazhinji ʋakaŋga ʋaciisa ɀizhinji.
42
Kukaȿika cirikadzi, waiʋa murombo, akaisa tumari tuʋiri tuɗuku tunoita fadini.
43
Akaɗanira ʋadzidzi ʋake kwaari, akati kwaʋari: Ɀirokwaɀo ndinoti kwamuri: Cirikadzi iyi, iri murombo, yakaisa ɀizhinji kunaaʋo ʋose ʋakaisa muciʋigiro;
44
nokuti aʋo ʋose ʋakaisa ʋacitora paɀizhinji ɀaʋo; asi iye wakaisa acitora pakushaiwa kwake, ɀose ɀaakaŋga anaɀo, ɀose ɀaaifanira kurarama naɀo.
← Chapter 11
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 13 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16