bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Mark 15
Mark 15
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 14
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 16 →
1
Pakarepo maŋgwanani ʋaprista ʋakuru ʋakaraŋgana naʋakuru naʋanyori namakurukota ose, ʋakasuŋga Jesu, ʋakaenda naye, ʋakamuisa kunaPirato.
2
Pirato akamubvunza, akati: Ndiwe Mambo waʋaJuda here? Akapindura, akati kwaari: Ndiɀo ɀamataura.
3
Ʋaprista ʋakuru ʋakaramba ʋacimupomera ɀizhinji.
4
Pirato akamubvunza ɀe akati: Haupinduri cinhu here? Cinzwa, ʋanokupomera ɀizhinji seiko!
5
Asi Jesu haana‐kuzopindura cinhu, Pirato akashamiswa naɀo.
6
Ɀino pamutambo waisiʋasunuŋgurira musuŋgwa mumŋe, waʋaneŋge ʋaikumbira.
7
Ɀino kwakaŋga kunomumŋe wainzi Barabasi, wakaŋga asuŋgwa pamŋe cete naʋamŋe ʋakaŋga ʋamutsa ɓope, ʋakaʋuraya ʋanhu paɓope irero.
8
Ʋanhu ʋazhinji ʋakakwira, ʋakataŋga kukumbira kunaPirato kuti aʋaitire saiɀoɀo.
9
Pirato akaʋapindura, akati: Munoɗa kuti ndikusunuŋgurirei Mambo waʋaJuda here?
10
Nokuti wakaŋga aciziʋa kuti ʋaprista ʋakuru ʋakaŋga ʋamuisa kwaari negoɗo.
11
Ɀino ʋaprista ʋakuru ʋakakurudzira ʋanhu ʋazhinji, kuti ʋakumbire kuti ɀirinani aʋasunuŋgurire Barabasi.
12
Pirato akapindura ɀe, akati kwaʋari: Ndicagoiteiko naiye, wamunoti ndiye Mambo waʋaJuda?
13
Ʋakaɗanidzira ɀe, ʋaciti: Muroʋere pamucinjikwa!
14
Pirato akati kwaʋari: wakagotadzeiko? Ʋakanyanyisa kuɗanidzira, ʋaciti: Muroʋere pamucinjikwa!
15
Ɀino Pirato, nokuti wakaŋga aciɗa kufadza ʋanhu ʋazhinji, akaʋasunuŋgurira Barabasi, asi Jesu wakamuroʋesa, akamuisa kwaʋari kuti aroʋerwe pamucinjikwa.
16
Ɀino ʋarwi ʋakamuisa mukati moruʋazhe, imo muimba yomuɓati, ʋakaʋuŋganidza hondo yose;
17
ʋakamupfekedza ŋguʋo tȿuku, ʋakaruka korona yeminzwa, ʋakamudzika iyo.
18
Ʋakataŋga kumukwazisa, ʋaciti: Kwaziwai, Mambo waʋaJuda!
19
Ʋakamuroʋa musoro norutsaŋga, ʋakamupfira mate, ʋakafugama namabvi, ʋakamunamata.
20
Ʋakati ʋamuseka, ʋakamubvisa ŋguʋo tȿuku, ndokumupfekedza ŋguʋo dzake, ʋakaenda naye kundomuroʋera pamucinjikwa.
21
Ɀino ʋakamanikidza mumŋe, wakaŋga acipfuʋura acibva kuruwa, wainzi Simoni weKurini, ɓaɓa ʋaAreksandro naRufo, kuti atakure mucinjikwa wake.
22
Ʋakamuisa kunɀimbo inonzi Gorgota, ndokuti nɀimbo yeɗehenya, kana ɀicishandurwa.
23
Ʋakamupa waini, yakaveŋganiswa nemura, asi iye wakaɀiramba.
24
Ʋakati ʋamuroʋera pamucinjikwa, ʋakagoʋana ŋguʋo dzake, ʋacikanda mijenya pamsoro padzo, kuti mumŋe nomumŋe apiwe cake.
25
Yakaŋga iri ŋguʋa yecitatu, ʋakamuroʋera pamucinjikwa.
26
Norugwaro rwemhoȿa yake rwakaŋga rwakanyorwa pamsoro pake, ruciti: MAMBO WAƲAJUDA.
27
Ʋakaroʋera pamucinjikwa pamŋe cete naye makororo maʋiri, mumŋe kurudyi rwake, mumŋe kuruɓoshwe. [
28
Rugwaro rukaitika, runoti: Wakarabga naʋaɗariki ʋomurairo.]
29
Naʋaipfuʋura ʋakamutuka, ʋacidzuŋgudza misoro yaʋo, ʋaciti: Iwe, wokuputsa tembere, nokuiʋaka ɀe namazuʋa matatu,
30
ciɀiponesa iwe, uɓuruke pamucinjikwa!
31
Saiɀoɀo ʋaprista ʋakuru naʋanyori ʋaka mu seka pakati paʋo, ʋaciti: Wakaponesa ʋamŋe, ɀino haagoni kuɀiponesa.
32
Kristu, Mambo waʋaIsraeri, ŋgaaɓuruke ɀino pamucinjikwa, kuti tiʋone titende. Naʋakaŋga ʋaroʋerwa pamŋe cete naye ʋakamuɀidza.
33
Ɀino yakati yaʋa ŋguʋa yecitanhatu, rima rikaʋa’po panyika yose kuȿikira paŋguʋa yepfumbamŋe.
34
Neŋguʋa yepfumbamŋe Jesu akaɗana nenzwi guru, aciti: Eroi, Eroi, rama Sabaktani! Ndokuti, kana ɀicishandurwa: Mŋari waŋgu, Mŋari waŋgu, mandisiyireiko?
35
Ʋamŋe ʋakaŋga ʋamire’po ʋakati ʋaci ɀi nzwa, ʋakati: Cinzwai, unoɗana Eria.
36
Ipapo mumŋe wakamhanya, akazadza cipanje nevinega, akaciisa parutsaŋga, ndokumunwisa, aciti: Regai timboʋona kana Eria acizoʋuya kumuɓurusa.
37
Ipapo Jesu akaɗana nenzwi guru, akaɓuɗisa mŋeya wake.
38
Cidzitiro cetembere cikabvaruka napakati, kubva kumsoro kuȿikira pasi.
39
Ɀino mukuru wezana wakaŋga amire’po, akatarisana naye, wakati aciʋona mutoʋo wokufa kwake, akati: Ɀirokwaɀo, munhu uyu wakaŋga ari Mŋanakomana waMŋari.
40
Naʋakadzi ʋakaŋga ʋari’po, ʋakatarira ʋari kure; pakati paʋo kwakaŋga kunaMaria Magdarene, naMaria mai ʋaJakobo muɗuku naJose, naSarome;
41
ndiʋo ʋaimuteʋera aciri muGarirea ʋacimushandira, naʋamŋe ʋakadzi ʋazhinji ʋakaŋga ʋakwira Jerusarema naye.
42
Ɀino aʋa maɗeko, ɀarakaŋga riri zuʋa rokugadzirira, ndokuti rinotaŋgira saɓata,
43
Josefa weArimatea, mumŋe wamakurukota, munhu wakakudzwa — iye amene wakaŋga acigarira ʋo ʋushe bgaMŋari — wakaʋuya akapinda nokutsuŋga kunaPirato, akakumbira mutumbu waJesu.
44
Pirato akashamiswa acinzwa kuti wakaŋga atofa; akaɗana mukuru wezana, akamubvunza kana akaŋguʋa afa.
45
Ɀino wakati aɀinzwa kumukuru wezana, akapa Josefa mutumbu.
46
Iye akateŋga muceka, akamuɓurusa, akamuputira nomuceka, ndokumuʋiga mubgiro bgakaŋga bgakacerwa pabge, ndokukuŋgurusira ibge pamuromo wobgiro.
47
Maria Magdarene, naMaria mai ʋaJose, ʋakaʋona paakaʋigwa.
← Chapter 14
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 16 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16