bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Mark 11
Mark 11
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 10
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 12 →
1
Ʋakati ʋacisweɗera Jerusarema, paBetfage neBetania, pagomo reMiorivi, akatuma ʋaʋiri ʋaʋadzidzi ʋake,
2
akati kwaʋari: Endai kumusha wakatarisana nemi; pakarepo kana mucipinda mauri, mucawana mhuru yemboŋgoro yakasuŋgirwa, isina‐kumbotaȿwa nomunhu; muisunuŋgure, mugoʋuya nayo.
3
Kana munhu akati kwamuri: Munoitireiko kuɗaro? muti: Ishe unoiɗa. Pakarepo ucaitumira ɀe pano.
4
Ʋakaenda, ʋakandowana mhuru yemboŋgoro yakasuŋgirwa kunze pamukoʋa, pamharadzano dzenzira, ʋakaisunuŋgura.
5
Ʋamŋe ʋakaŋga ʋamire’po, ʋakati kwaʋari: Munoiteiko ɀamunosunuŋgura mhuru yemboŋgoro?
6
Ʋakaʋaʋudza seɀaʋakarairwa naJesu; ʋakaʋarega.
7
Ɀino ʋakaʋuya nemhuru yemboŋgoro kunaJesu, ʋakakandira ŋguʋo dzaʋo pamsoro payo; akagara pamsoro payo.
8
Ʋazhinji ʋakawarira ŋguʋo dzaʋo panzira, naʋamŋe mashizha aʋakaŋga ʋatema kuɓundo.
9
Aʋo ʋakaŋga ʋacituŋgamira, naʋakaŋga ʋaciteʋera ʋakaɗanidzira, ʋaciti: Hosana, ŋgaakudzwe iye unoʋuya muzita raShe.
10
ŋgabgukudzwe ʋushe bgaƂaɓa ʋeɗu Davidi, bgunoʋuya! Hosana kumsoro‐soro!
11
Ipapo Jesu wakapinda Jerusarema mutembere; akati ariŋga‐riŋga ɀinhu ɀose, zuʋa ɀarakaŋga raʋira, akaɓuɗa, akaenda Betania naʋanegumi naʋaʋiri.
12
Fume maŋgwana ʋakati ʋacibva Betania, akaziya;
13
ɀino wakati aciʋona muʋonde uri kure. unamashizha, akaenda’ ko, aciti, ɀimŋe uŋgawana cinhu pauri; ɀino aciȿika pauri, haana‐kuwana cinhu, asi mashizha ɓedzi; nokuti yakaŋga isi ŋguʋa yamaʋonde.
14
Akapindura, akati kwauri: Kusaʋa nomunhu, unozodya ɀiɓereko pauri nokusiŋgaperi. Ʋadzidzi ʋake ʋakaɀinzwa.
15
Ʋakaȿika Jerusarema; akapinda mutembere, akataŋga kuɓuɗisa ʋaiteŋgesa, naʋaiteŋga mutembere; akawisa matafura aʋaitsinhanhisa mari, neɀigaro ɀaʋaiteŋgesa njiʋa.
16
Akasatendera munhu kuti atakure nhumbi mutembere.
17
Akadzidzisa, aciti kwaʋari: Hakunakunyorwa here kucinzi: Imba yaŋgu icanzi imba yokunyeŋgetera yamarudzi ose? Asi imi makaiita ɓako ramakororo.
18
Ʋaprista ʋakuru naʋanyori ʋakati ʋaciɀinzwa, ʋakatȿaka paʋaŋgamuʋuraya napo; nokuti ʋakaŋga ʋacimutya, nokuti ʋazhinji ʋose ʋakashamiswa nokudzidzisa kwake.
19
Ɀino, ŋguʋa dzose kana aʋa maɗekwana, waienda kunze kweguta.
20
Ʋakati ʋacipfuʋura napo maŋgwanani, ʋakaʋona muʋonde wawoma kubva pamidzi.
21
Petro akaraŋgarira, akati kwaari: Rabi, tarirai muʋonde wamakatuka wawoma.
22
Jesu akapindura, akati kwaʋari: Iʋai nokutenda kunaMŋari.
23
Ɀirokwaɀo ndinoti kwamuri: Mumŋe nomumŋe unoti kugomo iri: Simudzwa, ukandwe muguŋgwa, asiŋganyunyuti mumŋoyo make, asi acitenda kuti ɀaanoreʋa ɀicaitika, ucaʋa naɀo.
24
Saka ndinoti kwamuri: Ɀinhu ɀose ɀose ɀamunonyeŋgeterera nokukumbira, tendai kuti maɀigamucira, mugoʋa naɀo.
25
Kana mukamira mucinyeŋgetera, kaŋganwirai kana munemhaka nomumŋe, kuti naƂaɓa ʋenyu ʋari kuɗeŋga, ʋakukaŋganwirei kuɗarika kwenyu; [
26
asi kana musiŋgakaŋganwiriyi imi, naƂaɓa ʋenyu ʋari kuɗeŋga haʋaŋgakukaŋganwiriyi imi kuɗarika kwenyu.]
27
Ʋakaȿika ɀe Jerusarema. Ɀino wakati acifamba mutembere, ʋaprista ʋakuru naʋanyori naʋakuru ʋakaʋuya kwaari;
28
ʋakati kwaari: Munoita ɀinhu iɀoɀi nesimba ripiko? Ndianiko wakakupai simba iri, kuti muite iɀi?
29
Jesu akati kwaʋari: Neni ndicakubvunzai ʋo shoko rimŋe, mundipindure, neni ndicakuʋudzai ʋo simba randinoita naro ɀinhu iɀoɀi.
30
Rubapatidzo rwaJohane rwakabva kuɗeŋga here kana kuʋanhu? Ndipindurei.
31
Ʋakataurirana, ʋaciti: Kana tikati, Kuɗeŋga, ucati: Makagoregerei kumutenda?
32
Asi tiŋgati, Kuʋanhu, here? Ʋakaŋga ʋacitya ʋanhu ʋazhinji, nokuti ʋose ʋakaŋga ʋaciti Johane muprofita ɀirokwaɀo.
33
Ʋakapindura ʋaciti kunaJesu: Hatiziʋi. Jesu akati kwaʋari: Neni handiŋgakuʋudziyi ʋo simba randinoita naro ɀinhu iɀi.
← Chapter 10
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 12 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16