bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Mark 5
Mark 5
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 4
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 6 →
1
Ʋakaȿika mhiri kweguŋgwa kunyika yaʋaGerasa.
2
Ɀino wakati aɓuɗa mugwa, pakarepo akasoŋgana nomunhu waiʋa nomŋeya wetȿina, acibva kumarinda.
3
Uyo waigara mumarinda; kwakaŋga kusinomunhu wakaŋga acagona kumusuŋga kunyaŋge neketani.
4
Nokuti kazhinji waisuŋgwa neɀisuŋgo ɀamakumbo namaketani, asi waiɗambura maketani, nokuɗashura ɀisuŋgo; kwakaŋga kusinomunhu waigona kumunyoroʋesa.
5
Ŋguʋa dzose, ʋusiku namasikati, waigara mumarinda nomumakomo, aciɗanidzira, aciɀiceka namabge.
6
Ɀino wakati aciʋona Jesu ari kure, akamhanya, ndokumunamata;
7
akaɗanidzira nenzwi guru, akati: Ndinemhaka yeiko nemi Jesu, Mŋanakomana waMŋari Wokumsoro‐soro? Ndinokupikirai naMŋari kuti murege kunditambudza.
8
Nokuti wakati kwaari: Ƃuɗa pamunhu, iwe mŋeya wetȿina!
9
Akamubvunza, akati: Zita rako ndianiko? Akati kwaari: Regioni ndiro zita raŋgu, nokuti tiri ʋazhinji.
10
Akakumbira ɀikuru kwaari kuti arege kuidziŋga panyika iyo.
11
Ɀino kwakaŋga kuri’po pagomo ɓoka guru reŋguruʋe dzakaŋga dzicifura.
12
Ikakumbira ɀikuru kwaari, iciti: Titumirei kuŋguruʋe, kuti tindopinda madziri.
13
Akaitendera. Mŋeya yetȿina ikaɓuɗa, ikapinda muŋguruʋe; ɓoka rikamhanyira kumawere kuguŋgwa, dzineŋge dzaiʋa ɀuru ɀiʋiri, dzikafira muguŋgwa.
14
Ʋaidzifudza ʋakatiza, ʋakandoʋudza iɀoɀo muguta naparuwa. Ʋakaʋuya kuzoʋona ɀaitwa.
15
Ʋakaʋuya kunaJesu, ʋakaʋona wakaŋga anemŋeya yakaipa agere, apfeka, ari munhu kwaye — iye waiʋa neregioni; ʋakatya.
16
Ʋaya ʋakaŋga ʋaɀiʋona, ʋakarondedzera ɀaakaitirwa, iye wakaŋga anemŋeya yakaipa, neŋguruʋe ʋo.
17
Ʋakataŋga kukumbira ɀikuru kwaari kuti abve munyika yaʋo.
18
Ɀino wakati acipinda mugwa, iye waiʋa nemŋeya yakaipa akakumbira ɀikuru kwaari kuti agare naye.
19
Asi haana‐kumutendera, asi wakati kwaari: Enda kumba kwako, kuhama dzako, uʋaʋudze ɀinhu ɀikuru ɀawakaitirwa naShe, napawakaitirwa ŋgoni napo.
20
Akaenda, akataŋga kuparidza munyika ye Dekapori ɀinhu ɀikuru ɀaakaitirwa naJesu; ʋakashamiswa ʋose.
21
Jesu wakati ayambukira ɀe mhiri negwa, ʋanhu ʋazhinji ʋakaʋuŋganira kwaari; wakaŋga ari paguŋgwa.
22
Mumŋe waʋakuru ʋesinagoge, wainzi Jairosi, akaȿika; akati acimuʋona, akaɀiwisira pasi petsoka dzake,
23
akakumbira ɀikuru kwaari, aciti: Mukunda waŋgu muɗuku wotandadza, ʋuyai, muise maʋoko enyu pamsoro pake aporeswe, ararame.
24
Akaenda naye; ʋanhu ʋazhinji ʋakamuteʋera, ʋacimumanikidza.
25
Ɀino mumŋe mukadzi waiʋa nokurwara kwokuɓuɗa ropa makore anegumi namaʋiri,
26
wakaŋga aʋoneswa nhamo neŋaŋga zhinji, akapedza ɀose ɀaakaŋga anaɀo asina‐kutoŋgoɓatsirwa, asi kuŋgonyanyiswa,
27
wakati anzwa ɀaJesu, akaʋuya pakati paʋanhu ʋazhinji ʋaiʋa mashure, akaɓata ŋguʋo yake.
28
Nokuti wakati: Kana ndikaɓata ŋguʋo yake ɓedzi, ndicaponeswa.
29
Pakarepo tsime rake reropa rikapxa, akanzwa pamuʋiri wake kuti waporeswa pakurwara kwake.
30
Pakarepo Jesu wakati aciziʋa mukati make kuti simba rakaɓuɗa kwaari, akatendeʋuka pakati paʋanhu ʋazhinji, akati: Ndianiko waɓata ŋguʋo dzaŋgu?
31
Ʋadzidzi ʋake ʋakati kwaari: Munoʋona ʋanhu ʋazhinji ʋanokumanikidzai, ɀino muŋgati seiko: Ndiani wandiɓata?
32
Ɀino akariŋga‐riŋga kuti aʋone wakaita iɀoɀo.
33
Mukadzi akatya, akaɗeɗera, aciziʋa ɀaaitirwa, akaʋuya, ndokuɀiwisira pamberi pake, ndokumuʋudza ɀirokwaɀo ɀose.
34
Akati kwaari: Mukunda, kutenda kwako kwakuponesa; enda norugare, upore pakurwara kwako.
35
Wakati acataura, ʋamŋe ʋeimba yomukuru wesinagoge ʋakaȿika, ʋakati: Mukunda wenyu wafa; mucatambudzireiko Mudzidzisi?
36
Jesu wakati acinzwa shoko rataurwa, akati kumukuru wesinagoge: Usatya, tenda ɓedzi.
37
Akasatendera munhu kumuteʋera, asi Petro, naJakobo, naJohane munuŋuna waJakobo.
38
Ʋakaȿika mumba momukuru wesinagoge; akawana iri mhere‐mhere, naʋanocema ɀikuru, naʋanorira.
39
Akapinda, akati kwaʋari: Munoitireiko mhere‐mhere, mucicema? Mŋana haana‐kufa, asi uʋete.
40
Ʋakamuseka. Akaʋaɓuɗisa ʋose, akatora ɓaɓa ʋomŋana namai, naʋaakaŋga anaʋo, akapinda kwakaŋga kunomŋana.
41
Akaɓata ruʋoko rwomŋana, akati kwaari: Tarita kumi! ndokuti, kana ɀicishandurwa, Musikana, ndinoti kwauri: Muka!
42
Pakarepo musikana akasimuka, akafamba; nokuti waiʋa namakore anegumi namaʋiri; ʋakashamiswa nokushama kukuru.
43
Akaʋaraira ɀikuru kuti ɀirege kuzikanwa nomunhu; akati, ŋgaapiwe ɀokudya.
← Chapter 4
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 6 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16