bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Mark 14
Mark 14
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 13
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 15 →
1
Ɀino mazuʋa maʋiri akaŋga asara pakuȿika kwepaseka nomutambo weɀiŋgwa ɀisinembiriso. Ʋaprista ʋakuru naʋanyori ʋakaŋga ʋacitȿaka mutoʋo waʋaŋgamuɓata nawo namano, kuti ʋamuʋuraye.
2
Nokuti ʋakati: Ɀirege kuitwa pamutambo, kuti kurege kuʋa neɓope pakati paʋanhu.
3
Ɀino wakati ari paBetania, mumba maSimoni wamaperembudzi, agere pakudya, mumŋe mukadzi akaʋuya anecinu cearbastera caiʋa necizoro cenardo cakanakisa, cinomuteŋgo mukuru; akaputsa cinu cearbastera, akaciɗurura pamusoro wake.
4
Asi ʋamŋe ʋakaŋga ʋari’po ʋakatsamŋa pamŋoyo yaʋo, ʋakati: Kuparadza ikoko kwecizoro kwakaitirweiko?
5
Nokuti cizoro ici ciŋgaɗai cateŋgeswa namadenari anopfuʋura mazana matatu, akapiwa ʋarombo. Ʋakatsamŋira mukadzi.
6
Asi Jesu wakati: Muregei. Munomutambudzireiko? Wakandiitira ɓasa rakanaka.
7
Nokuti ʋarombo munaʋo ŋguʋa dzose, ŋguʋa ipi neipi yamunoɗa, muŋgaʋaitira ɀakanaka; asi ini hamuneni ŋguʋa dzose.
8
Wakaita paakagona napo; wakagara azodzera muʋiri waŋgu kuʋigwa.
9
Ɀirokwaɀo ndinoti kwamuri: Kwose kunozoparidzirwa Evaŋgeri panyika dzose, ɀakaitwa naye ɀicarebga ʋo, ʋamuraŋgarire naɀo.
10
Judasi Iskarioti, mumŋe waʋanegumi naʋaʋiri, wakaenda kuʋaprista ʋakuru, kuti amuise kwaʋari.
11
Iʋo ʋakati ʋaciɀinzwa, ʋakafara, ʋakamupikira kuti ʋacamupa mari. Ipapo akatȿaka mutoʋo waaŋgamuisa kwaʋari nawo paŋguʋa yakafanira
12
Nezuʋa rokutaŋga reɀiŋgwa ɀisinembiriso, musi waʋaiɓayira paseka nawo, ʋadzidzi ʋakati kwaari: Munoɗa kuti tikugadzirirepiko pamuŋgadya paseka?
13
Akatuma ʋadzidzi ʋake ʋaʋiri, akati kwaʋari: Endai muguta, ipapo mucasoŋgana nomunhu akatakura ciroŋgo cemvura; mumuteʋere iye.
14
Paaneŋge acipinda, muti kumŋene weimba: Ɀanzi nomudzidzisi: Imba yaŋgu yaʋaeni iripiko, mandiŋgadyira paseka naʋadzidzi ʋaŋgu?
15
Ipapo iye amene ucakutaridzai imba huru yokumsoro, yakaroŋgedzwa, yakagadzirwa; mutigadzirire’po.
16
Ʋadzidzi ʋake ʋakaɓuɗa, ʋakaȿika muguta, ʋakandowana seɀaʋakaŋga ʋaʋudzwa naye; ʋakagadzira paseka.
17
Aʋa maɗekwana, akaʋuya naʋanegumi naʋaʋiri.
18
Ɀino ʋakati ʋagere pakudya, Jesu akati: Ɀirokwaɀo ndinoti kwamuri: Mumŋe wenyu ucandipandukira, iye unodya neni.
19
Ipapo ʋakataŋga kuʋa neshuŋgu, mumŋe nomumŋe akati kwaari: Ndini here?
20
Akati kwaʋari: Ndomumŋe waʋanegumi naʋaʋiri, unoisa ruʋoko neni mundiro.
21
Nokuti Mŋanakomana womunhu unoenda hake, seɀaɀakanyorwa pamsoro pake; asi unenhamo munhu uyo, Mŋanakomana womunhu waanopandukirwa naye; kwaiʋa nani kumunhu uyu kana asina‐kuɓerekwa.
22
Ɀino ʋakati ʋacidya, Jesu akatora ciŋgwa, aka ci ropafadza, akacimeɗura, ndokuʋapa, aciti: Torai, ici ndiwo muʋiri waŋgu.
23
Akatora mukombe, akaʋoŋga, akaʋapa, ʋakanwa ʋose pauri.
24
Akati kwaʋari: Ici iropa raŋgu resuŋgano itȿa, rinoɗururirwa ʋazhinji.
25
Ɀirokwaɀo, ndinoti kwamuri: Handicazonwi ɀe ɀiɓereko ɀomuzambiriŋga, kuȿikira zuʋa iro randicazonwa naro, ɀaʋa ɀitȿa, muʋushe bgaMŋari.
26
Ɀino ʋakati ʋaimba rwiyo, ʋakaɓuɗa, ʋakaenda kugomo reMiorivi.
27
Ɀino Jesu wakati kwaʋari: Imi mose mucagumburwa kwandiri, nokuti kwakanyorwa, kucinzi: Ndicaroʋa mufudzi, namakwai acaparadzwa.
28
Asi kana ndamutswa, ndicakutuŋgamirirai Garirea.
29
Ɀino Petro akati kwaari: Kunyaŋge ʋose ʋakagumburwa, ini kwete.
30
Jesu akati kwaari: Ɀirokwaɀo ndinoti kwauri, kuti nhasi, ʋusiku bguno, joŋgwe risati rarira kaʋiri, ucandiramba katatu.
31
Asi iye wakareʋa nokusimbisa, aciti: Kunyaŋge ndikafanira kufa nemi, handiŋgatoŋgokurambiyi ini. Naʋose ʋakaɗaro ʋo.
32
Ɀino ʋakaȿika panɀimbo inonzi Getsemani, akati kuʋadzidzi ʋake: Garai pano, ini ndicindonyeŋgetera.
33
Akatora Petro naJakobo naJohane, akataŋga kuvunduka kwaɀo nokuɗumbirwa.
34
Akati kwaʋari: Mŋeya waŋgu uneshuŋgu kwaɀo, kuȿikira pakufa; garai pano murinde.
35
Akapfuʋura mberi ɀishoma, akawira pasi, akayeŋgetera kuti, kana ɀicibvira, ŋguʋa ipfuʋure kwaari.
36
Akati: Aba, Ƃaɓa, ɀose ɀinobvira kwamuri, bvisai mukombe uyu kwandiri, asi kuɗa kwaŋgu ŋgakurege kuitwa, asi kuɗa kwenyu.
37
Ɀino akaȿika, akaʋawana ʋaʋata; akati kunaPetro: Simoni, uʋete here? Wakaŋga usiŋgagoni kurinda ŋguʋa imŋe cete here?
38
Rindai, munyeŋgetere, kuti murege kupinda mukuidzwa; mŋeya unoɗa hawo, asi nyama hainesimba.
39
Akaenda ɀe, akanyeŋgetera acireʋa mashoko iwayo.
40
Akaenda ɀe, akaʋawana ʋaʋata, nokuti meso aʋo akaŋga aɓatwa nehope kwaɀo; ʋakasaziʋa ɀaʋaŋgamupindura.
41
Akaenda ɀe rwecitatu, akati kwaʋari: Ciʋatai henyu, muzorore; ɀariŋgana, ŋguʋa yaȿika, tarirai, Mŋanakomana womunhu woiswa mumaʋoko aʋatadzi.
42
Simukai, tiende; tarirai, wondiisa kwaʋari waʋa pedyo.
43
Pakarepo, acataura, Judasi, mumŋe waʋanegumi naʋaʋiri, akaȿika, anaʋanhu ʋazhinji ʋakaɓata minondo netȿimbo, ʋacibva kuʋaprista ʋakuru naʋanyori naʋakuru.
44
Ɀino iye, wakamupandukira, wakaŋga aʋapa ciratidzo, aciti: Uyo wandinoȿeta ndiye, mumuɓate muende naye makamusuŋga ɀakaɓata.
45
Ɀino wakati aȿika, pakarepo akasweɗera kwaari, akati: Rabi! Akamuȿeta ɀikuru.
46
Ipapo ʋakaisa maʋoko kwaari, ʋakamuɓata.
47
Ɀino mumŋe waʋakaŋga ʋamire’po, wakavomora munondo wake, akatema muranda womuprista mukuru, akagura nzeʋe yake.
48
Ipapo Jesu akapindura, akati kwaʋari: Maɓuɗa kuzondiɓata neminondo netȿimbo, sendiri gororo here?
49
Ndakaŋga ndinemi mazuʋa ose, ndicikudzidzisai mutembere, mukarega kundiɓata, asi iɀi ɀaitwa, kuti Magwaro aitike.
50
Ipapo ʋakamusiya ʋose, ʋakatiza.
51
Ɀino rimŋe jaya rakamuteʋera, rakapfeka muceka ɓedzi pamuʋiri, ʋakariɓata;
52
asi rakasiya muceka, rikatiza risineŋguʋo.
53
Ɀino ʋakaisa Jesu kumuprista mukuru; ʋaprista ʋakuru ʋose naʋakuru naʋanyori ʋ kaʋuŋganira kwaari.
54
Petro wakaŋga amuteʋera ari kure kuȿikira paruʋazhe rwomuprista mukuru; akaŋga agere naʋatariri, acidziya mŋoto.
55
Ɀino ʋaprista ʋakuru namakurukota ose ʋakatȿaka capupu pamsoro paJesu kuti ʋamuʋuraye, asi haʋana‐kuwana.
56
Nokuti ʋazhinji ʋaimupupurira nhema, asi kupupura kwaʋo kwakapesana.
57
Ʋamŋe ʋakasimuka, ʋakamupupurira nhema, ʋaciti:
58
Takamunzwa isu aciti: Ndicaputsa tembere iyi yakaʋakwa namaʋoko, ndikaʋaka imŋe namazuʋa matatu, isina‐kuʋakwa namaʋoko.
59
Asi kupupura kwaʋo kwakapesana.
60
Ɀino muprista mukuru akasimuka pakati paʋo, akabvunza Jesu, aciti: Haupinduri cinhu here? Cinyi ici caʋanokupomedzera?
61
Asi iye wakaramba anyerere, asiŋgapinduri cinhu. Muprista mukuru akamubvunza ɀe, akati kwaari: Ndiwe Kristu, Mŋanakomana wounokudzwa here?
62
Jesu akati: Ndini Nemi mucaʋona Mŋanakomana womunhu agere kurudyi rwesimba, aciʋuya namakore okuɗeŋga.
63
Ipapo muprista mukuru akabvarura ŋguʋo dzake, akati: Ticatȿakireiko ɀapupu?
64
Manzwa kumhura kwake Mŋari; munofuŋgeiko? Ipapo ʋose ʋakamutoŋgera kuti unofanira kufa.
65
Ʋamŋe ʋakataŋga kumupfira mate, ʋakafukidza meso ake, ʋakamuroʋa netsiʋa, ʋaciti kwaari: Profita; naʋatariri ʋakamuroʋa namaʋoko.
66
Ɀino Petro aciri panze paruʋazhe, mumŋe waʋashandiri ʋomuprista mukuru akaȿika,
67
akaʋona Petro acidziya mŋoto, akamutarira, akati: Newe ʋo wakaŋga unaJesu weNazareta!
68
Asi iye wakaramba, aciti: Handiziʋi kana kunzwisisa ɀaunoreʋa; akaɓuɗa panze kuruʋazhe rwapamberi, joŋgwe rikarira.
69
Ɀino mushandiri akamuʋona, akataŋga ɀe kureʋa kunaʋakaŋga ʋari’po, aciti: Uyu ndo mumŋe waʋo!
70
Asi iye wakaramba ɀe. Ŋguʋa ɗuku yakati yapfuʋura, ʋakaŋga ʋamire’po ʋakati ɀe kunaPetro: Ɀirokwaɀo, uri mumŋe waʋo, nokuti newe ʋo uri muGarirea.
71
Ipapo akataŋga kutuka nokupika, aciti: Handimuziʋi munhu uyu wamunoreʋa.
72
Pakarepo joŋgwe rikarira rwecipiri; ipapo Petro akaraŋgarira shoko rakaŋga rarebga kwaari naJesu rokuti: Joŋgwe risati rarira kaʋiri, ucandiramba katatu. Ɀino wakati acifuŋga iɀoɀo, akacema.
← Chapter 13
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 15 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16