bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Mark 3
Mark 3
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 2
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 4 →
1
Wakapinda ɀe musinagoge; ɀino kwakaŋga kunomunhu wakaŋga anoruʋoko rwakawonyana.
2
Ʋakamutarisisa kuʋona kana aŋgamuporesa nomusi wesaɓata; kuti ʋamupomere mhoȿa.
3
Ɀino akati kumunhu wakaŋga anoruʋoko rwakawonyana: Simuka pakati paʋo!
4
Akati kwaʋari: Ɀakatenderwa here nesaɓata kuita ɀakanaka kana ɀakaipa, kuponesa munhu kana kuʋuraya? Ʋakanyarara.
5
Ɀino wakati ariŋga‐riŋga aciʋatarira nokutsamŋa, aneshuŋgu nokuɗa kwokuwoma kwemŋoyo yaʋo, akati kumunhu: Tambanudza ruʋoko rwako. Akarutambanudza, ruʋoko rwake rukaʋandudzwa.
6
Ɀino ʋaFarise ʋakati ʋaɓuɗa, ʋakandoraŋgana pakarepo naʋaHerode pamsoro pake kuti ʋaŋgamuʋuraya sei.
7
Ɀino Jesu wakaenda naʋadzidzi ʋake kuguŋgwa; ʋanhu ʋazhinji‐zhinji ʋakamuteʋera ʋacibva Garirea; nokuJudea,
8
neJerusarema, neIdumea, nemhiri kwaJoridani, noku nyika yeTireneSidoni, ʋanhu ʋazhinji‐zhinji ʋakati ʋanzwa ɀaanoita, ʋakaʋuya kwaari.
9
Akaʋudza ʋadzidzi ʋake kuti kagwa kamugarire nokuɗa kwaʋazhinji, kuti ʋarege kumumanikidza.
10
Nokuti wakaŋga aporesa ʋazhinji; naiɀoɀo ʋose ʋakaŋga ʋanamarwere ʋakamumanikidza, kuti ʋamunyaŋgate.
11
Nemŋeya yetȿina yakati kana yamuʋona, yaiwira pasi pamberi pake, ikaɗanidzira iciti: Ndiwe Mŋanakomana waMŋari!
12
Akairaira ɀikuru kuti irege kumuziʋisa pacena.
13
Ɀino wakakwira mugomo akaɗana ʋaakaŋga aciɗa, ʋakaʋuya kwaari.
14
Akagadza ʋanegumi naʋaʋiri kuti ʋagare naye, aʋatume kuti ʋaparidze,
15
ʋuye ʋaʋe nesimba rokuɓuɗisa mŋeya yakaipa.
16
Akatumidza Simoni zita rinonzi Petro,
17
naJakobo, mŋanakomana waZebedi, naJohane, munuŋuna waJakobo; akaʋatumidza iʋo mazita anonzi Boanergesi, ndokuti ʋanakomana ʋokutinhira;
18
naAndrea, naFiripo, naBartoromeo, naTomasi, naJakobo mŋanakomana waArfeo, naTadeo, naSimoni muKanani,
19
naJudasi Iskarioti wakamupandukira ʋo. Ɀino wakapinda mumba;
20
ʋazhinji ʋakaʋuŋgana ɀe, nokuɗaro ʋakaŋga ʋasiŋgagoni kunyaŋge kudya ciŋgwa.
21
Ʋanhu ʋokwake ʋakati ʋaciɀinzwa, ʋakaɓuɗa kuzomuɓata, nokuti ʋakati: Unopeŋga.
22
Naʋanyori ʋakaŋga ʋaɓuruka ʋacibva Jerusarema, ʋakati: UnaBeerzeburi, unoɓuɗisa mŋeya yakaipa nomucinda wemŋeya yakaipa.
23
Ɀino akaʋaɗanira kwaari, akati kwaʋari nemifananidzo: Satani uŋgaɓuɗisa Satani seiko?
24
Kana ʋushe bguciɀipesanisa, ʋushe ubgo habguŋgagoni kumira.
25
Kana imba iciɀipesanisa, imba iyo haiŋgagoni kumira.
26
Kana Satani aciɀimukira, akaɀipesanisa, haaŋgagoni kumira, asi unopera.
27
Hakunomunhu uŋgapinda mumba mounesimba, akatora nhumbi dzake, asati ambosuŋga unesimba; ɀino uŋgaparadza imba yake.
28
Ɀirokwaɀo ndinoti kwamuri, ʋanakomana ʋaʋanhu ʋacakaŋganwirwa ɀiʋi ɀose, nokumhura kwose kwaʋanomhura Mŋari nako;
29
asi aninani wamhura Mŋeya Mutȿene, haaŋgakaŋganwirwi nokuirŋgaperi, asi unemhoȿa yeciʋi cisiŋgapesi.
30
Nokuti ʋakati: Unomŋeya wetȿina.
31
Ɀino mai ʋake naʋanuŋuna ʋake ʋakaʋuya, ʋakamira kunze, ʋakatumira nhume kwaari, kumuɗana.
32
Ʋazhinji ʋakaŋga ʋagere, ʋakamukomba, ʋakati kwaari: Tarirai, mai ʋenyu naʋanuŋuna ʋenyu nehanɀadzi dzenyu ʋari kunze ʋacikutȿakai.
33
Akaʋapindura, akati: Mai ʋaŋgu, naʋanuŋuna ʋaŋgu ndiʋananiko?
34
Ɀino akariŋga‐riŋga ʋanhu ʋakaŋga ʋagere, ʋakamukomba, akati: Tarirai mai ʋaŋgu naʋanuŋuna ʋaŋgu!
35
Nokuti aninani unoita kuɗa kwaMŋari, ndiye munuŋuna waŋgu, nehanɀadzi, namai.
← Chapter 2
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 4 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16