bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Mark 16
Mark 16
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 15
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
1
Saɓata yakati yapfuʋura, Maria Magdarene, naMaria mai ʋaJakobo, naSarome, ʋakateŋga ɀinonhuwira, kuti ʋaende kuzomuzodza.
2
Maŋgwanani nomusi wokutaŋga weviki, ʋakaenda kubgiro, zuʋa roɓuɗa.
3
Ʋakataurirana, ʋaciti: Ndianiko ucatikuŋgurusira ibge pamukoʋa wobgiro?
4
Ɀino ʋakati ʋacitarira, ʋakaʋona kuti ibge rakaŋga ratokuŋguruswa, nokuti raiʋa guru‐guru.
5
Ʋakapinda mubgiro, ʋakaʋona jaya, rakaŋga rigere kurudyi, rakapfeka ŋguʋo cena yakareɓa, ʋakavunduka.
6
Rikati kwaʋari: Musavunduka, munotȿaka Jesu weNazareta, wakaŋga aroʋerwa pamucinjikwa; wamuka, haa’po pano; tarirai paʋakaŋga ʋamuisa.
7
Asi endai, mundoʋudza ʋadzidzi ʋake naPetro, kuti unokutuŋgamirirai Garirea, mucandomuʋona’ko, seɀaakakuʋudzai.
8
Ʋakaɓuɗa, ʋakatiza ʋacibʋa pabgiro, nokuti ʋakaŋga ʋaɓatwa nokuɗeɗera nokushamiswa; ʋakasaʋudza munhu cinhu, nokuti ʋakaŋga ʋacitya.
9
Ɀino wakati amuka maŋgwanani nomusi wokutaŋga weviki, akaɀiratidza pakutaŋga kunaMaria Magdarene, waakaŋga aɓuɗisa mŋeya yakaipa minomŋe kwaari.
10
Iye akaenda kundoʋudza aʋo ʋaiʋa naye, ʋakaŋga ʋacicema nokurira.
11
Iʋo ʋakati ʋacinzwa kuti uri mupenyu, ʋuye kuti wakaʋonekwa naye, ʋakasatenda.
12
Shure kwaiɀoɀo wakaɀiratidza nomumŋe mutoʋo kunaʋaʋiri ʋaʋo, ʋakaŋga ʋacifamba muruwa.
13
Naiʋo ʋo ʋakaenda, ʋakandoʋudza ʋamŋe; naiʋo ʋakasaʋatenda ʋo.
14
Pashure wakaɀiratidza kunaʋanegumi nomumŋe, ʋagere pakudya; akaʋapa mhaka pamsoro pokusatenda kwaʋo noʋukukutu bgemŋoyo yaʋo, nokuti haʋana‐kutenda ʋaya ʋakaŋga ʋamuʋona amuka.
15
Akati kwaʋari: Endai munyika yose, muparidzire ɀisikwa ɀose Evaŋgeri.
16
Unotenda, akabapatidzwa, ucaponeswa; asi usiŋgatendi ucatoŋgwa.
17
Ɀiratidzo iɀi ɀicaʋa naʋanotenda: Ʋacaɓuɗisa mŋeya yakaipa nezita raŋgu, ʋacataura nendimi itȿa;
18
ʋacaɓata nyoka; kunyaŋge ʋakanwa cinhu cinoʋuraya, haciŋgaʋarwadzi; ʋacaisa maʋoko pamsoro paʋarwere, ʋakapora.
19
Ɀino Ishe Jesu wakati ataura naʋo, akagamucirwa kuɗeŋga, akagara kuruʋoko rworudyi rwaMŋari.
20
Iʋo ʋakaenda, ʋakaparidza kwose‐kwose, Ishe aciɓata naʋo, acisimbisa shoko neɀiratidzo ɀaiʋa naʋo.
← Chapter 15
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16