bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Mark 9
Mark 9
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 8
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 10 →
1
Ɀino wakati kwaʋari: Ɀirokwaɀo ndinoti kwamuri: Ʋamŋe ʋari’po kunaʋamire pano, ʋasiŋgazoʋoni rufu, ʋasati ʋaʋona ʋushe bgaMŋari bguciʋuya nesimba.
2
Mazuʋa matanhatu akati apfuʋura, Jesu akatora Petro, naJakobo, naJohane, akaenda naʋo kurutiʋi mugomo refu ʋari ʋoga; akashanduka pamberi paʋo.
3
Ŋguʋo dzake dzikapenya, dzikacena ɀikuru; hakunomusuki pano panyika, uŋgagona kudzicenesa dzikaɗaro.
4
Ipapo Eria naMosesi ʋakaʋonekwa naʋo, ʋacitaurirana naJesu.
5
Petro akapindura, akati kunaJesu: Rabi, ɀakanaka ɀatiri pano; ŋgatiʋake matumba matatu, rimŋe renyu, rimŋe raMosesi, rimŋe raEria.
6
Nokuti wakaŋga asiŋgaziʋi caanotaura, nokuti ʋakatya ɀikuru.
7
Ɀino gore rikaʋuya rikaʋafukidza, inzwi rikaɓuɗa mugore, riciti: Uyu Mŋanakomana waŋgu unoɗikanwa, mumunzwei!
8
Kamŋe, ʋakati ʋaciriŋgariŋga, haʋana‐kuzoʋona munhu, asi Jesu ɓedzi anaʋo.
9
Ɀino ʋakati ʋaciɓuruka mugomo, akaʋaraira kuti ʋarege kuʋudza munhu ɀaʋakaŋga ʋaʋona kuȿikira Mŋanakomana womunhu amuka kuʋakafa.
10
Ʋakariceŋgeta shoko iro, ʋaciita nyaya pakati paʋo, kuti kumuka kwaʋakafa cinyiko?
11
Ʋakamubvunza, ʋaciti: Ʋanyori ʋanotaurireiko ʋaciti, Eria unofanira kutaŋga kuʋuya?
12
Akati kwaʋari: Eria ucataŋga kuʋuya hake, aʋandudze ɀinhu ɀose, asi kwakagonyorwa seiko ɀoMŋanakomana womunhu, kuti ucatambudzika ɀikuru nokuɀidzwa?
13
Asi ndinoti kwamuri, Eria wakatoȿika, ʋakamuitira ɀose paʋakaŋga ʋaciɗa napo, seɀaɀakanyorwa pamsoro pake.
14
Ʋakati ʋaȿika kuʋadzidzi, ʋakaʋona ʋanhu ʋazhinji‐zhinji, ʋakaʋakomba, naʋanyori ʋaciita nyaya naʋo.
15
Pakarepo ʋazhinji ʋose ʋakati ʋacimuʋona, ʋakashamiswa kwaɀo, ʋakamhanyira kwaari, ʋakamukwazisa.
16
Akaʋabvunza, akati: Munoita nyaya neiko naʋo?
17
Mumŋe waʋazhinji akamupindura, akati: Mudzidzisi, ndaʋuya kwamuri nomŋanakomana waŋgu, unomŋeya wembeʋeʋe.
18
Kwose kwaanomuɓata, unomuwisira pasi, acipupuma furo, acigeɗa‐geɗa meno, ʋuye unowonda kwaɀo; ndakataura naʋadzidzi ʋenyu kuti ʋauɓuɗise, ʋakasagona.
19
Akaʋapindura, akati: Haiwa, rudzi rusiŋgatendi, ndicagara nemi kuȿikira riniko? Ndicakuitirai mŋoyo murefu kuȿikira riniko? Ʋuyai naye kwandiri.
20
Ʋakaʋuya naye kwaari; wakati acimuʋona, pakarepo mŋeya ukamubvundisa, akawira pasi, akakuŋguruka, acipupuma furo.
21
Ɀino akabvunza ɓaɓa ʋake, akati: Yaʋa ŋguʋa vakaɗiniko kubvira iɀoɀi ɀicimuwira? Akati: Kubva paʋuɗuku bgake.
22
Kazhinji wakamuwisira mumŋoto kana mumvura kuti umuparadze; asi kana mucigona kuita cinhu, mutinzwire tsitsi, mutiɓatsire.
23
Jesu akati kwaari: Kana iwe ucigona kutenda, ɀose ɀiŋgaitika kunounotenda.
24
Pakarepo ɓaɓa ʋomŋana ʋakaɗanidzira, ʋaciti: Ndinotenda, ndiɓatsirei pakusatenda kwaŋgu.
25
Ɀino Jesu wakati aciʋona ʋanhu ʋazhinji ʋacimhanyirana pamŋe cete, akaraira mŋeya wetȿina, akati kwauri: Iwe, mŋeya wembeʋeʋe nematsi, ndinokuraira kuti ubve maari, urege kupinda ɀe maari!
26
Ukaɗanidzira, ukamubvundisa ɀikuru, ukaɓuɗa; akafanana nomunhu wakafa, nokuɗaro ʋazhinji ʋakati: Wafa.
27
Asi Jesu wakaɓata ruʋoko rwake, akamusimudza, iye akasimuka.
28
Ɀino wakati apinda mumba, ʋadzidzi ʋake ʋakamubvunza ʋari ʋoga ʋaciti: Isu takaŋga tisiŋgagoni neiko kuuɓuɗisa?
29
Akati kwaʋari: Rudzi urwu haruŋgatoŋgoɓuɗi, asi nokunyeŋgetera.
30
Ʋakabva ipapo, ʋakagura neGarirea, akaramba kuti ɀizikanwe nomunhu.
31
Nokuti wakadzidzisa ʋadzidzi ʋake, akati kwaʋari: Mŋanakomana womunhu ucaiswa mumaʋoko aʋanhu, ʋacamuʋuraya; kana aʋurawa, ucamuka ɀe mazuʋa matatu apfuʋura.
32
Asi haʋana‐kunzwisisa shoko iro, ʋakatya kumubvunza.
33
Ʋakaȿika Kapernaume; ɀino wakati aʋa mumba, akaʋabvunza, aciti: Makaŋga muciita nyaya yeiko munzira?
34
Ʋakaramba ʋanyerere, nokuti ʋakaŋga ʋaita nharo pakati paʋo munzira, kuti mukuru ndiani.
35
Ipapo akagara pasi, akaɗana ʋanegumi naʋaʋiri, akati kwaʋari: Kana munhu aciɗa kuʋa wokutaŋga, ucazoʋa weshure kunaʋose nomuranda waʋose.
36
Akatora mŋana muɗuku, akamuisa pakati paʋo; akamufuŋgatira mumaʋoko, akati kwaʋari:
37
Aninani unogamucira mumŋe waʋaɗuku ʋakaɗai nezita raŋgu, unondigamucireni; aninani unondigamucira ini, haandigamuciri ini, asi uyo wakandituma.
38
Johane akati kwaari: Mudzidzisi, taʋona munhu aciɓuɗisa mŋeya yakaipa muzita renyu, tikamudziʋisa, nokuti haana‐kutiteʋera.
39
Jesu akati: Musamudziʋisa, nokuti hakunomunhu uŋgaita ɓasa resimba nezita raŋgu, uŋgakurumidza kutaura ɀakaipa pamsoro paŋgu.
40
Nokuti usiŋgapesani nesu, unesu.
41
Nokuti aninani unokunwisai mukombe wemvura muzita raŋgu, nemhaka yokuti muri ʋaKristu, ɀirokwaɀo ndinoti kwamuri, haanakurashikirwa nomuɓairo wake.
42
Aninani unogumbusa mumŋe waʋaɗuku aʋa ʋanotenda kwandiri, ɀirinani kwaari kuti guyo guru risuŋgirirwe pamutsipa wake, akandirwe muguŋgwa.
43
Kana ruʋoko rwako rucikugumbusa, urugure; ɀirinani kwauri kuti upinde muʋupenyu uri cirema, pakuenda muGehena, mumŋoto usiŋgadzimŋi, unamakumbo maʋiri. [
44
Apo pasiŋgafi honye yaʋo, napasiŋgadzimŋi mŋoto.]
45
Kana rutsoka rwako rucikugumbusa, urugure; ɀirinani kwauri kuti upinde muʋupenyu ucikamhina, pakukandirwa muGehena, unetsoka mbiri. [
46
Apo pasiŋgafi honye yaʋo, napasiŋgadzimŋi mŋoto.]
47
Kana ziso rako ricikugumbusa, urirashe; ɀirinani kwauri kuti upinde muʋushe bgokuɗeŋga uneziso rimŋe, pakukandirwa muGehena, unameso maʋiri.
48
Apo pasiŋgafi honye yaʋo, napasiŋgadzimŋi mŋoto.
49
Nokuti mumŋe nomumŋe ucaruŋgwa nomŋoto.
50
Munyu wakanaka; asi kana munyu usicaʋaʋi, muŋgauruŋga neiko? Iʋai nomunyu mukati menyu, mugare norugare pakati penyu.
← Chapter 8
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 10 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16