bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Mark 6
Mark 6
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 5
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 7 →
1
Wakabva’po, akaȿika kunyika yake, ʋadzidzi ʋake ʋakamuteʋera.
2
Musi wesaɓata wakati waȿika, akataŋga kudzidzisa musinagoge; ʋanhu ʋazhinji ʋakati ʋacimunzwa, ʋakashamiswa, ʋaciti: Munhu uyu wawanepiko iɀoɀi? Kucenjera kwakapiwa munhu uyu ndokweiko? Namaɓasa esimba akaɗai anoitwa namaʋoko ake?
3
Ko uyu haazi muʋezi here, mŋanakomana waMaria, nomukoma waJakobo, naJose, naJuda, naSimoni? Nehanɀadzi dzake hadzizi pano pakati patiri here? Ʋakagumburwa naye.
4
Jesu akati kwaʋari: Muprofita haaŋgashaiwi kukudzwa, asi munyika yake, nokuhama dzake, nomumba make.
5
Akasagona kuɓate‐ɓasa resimba ipapo, asi wakaisa maʋoko ake pamsoro paʋairwara ʋashoma, akaʋaporesa.
6
Akashamiswa nokusatenda kwaʋo. Ipapo wakapota nemisha, acidzidzisa.
7
Ɀino wakaɗanira kwaari ʋanegumi naʋaʋiri, akataŋga kuʋatuma ʋaʋiri ʋaʋiri, akaʋapa simba pamsoro pemŋeya yetȿina;
8
akaʋaraira kuti ʋarege kutoŋgotora ɀomunzira, asi muɗonɀo ɓedzi; ʋarege kutora ciŋgwa, nehomboɗo, nemari mucikwama.
9
Asi ʋafuke shaŋgu, ʋarege kupfeka ŋguʋo mbiri.
10
Akati kwaʋari: Pose pamunopinda mumba, mugare’mo, kuȿikira mucibva’po.
11
Pose paʋasiŋgakugamuciriyi nokukunzwai, kana mucibva’po, muzuze guruʋa riri patsoka dzenyu, ciʋe capupu kwaʋari.
12
Ʋakaɓuɗa, ʋakaparidza kuti ʋanhu ʋatendeʋuke.
13
Ʋakaɓuɗisa mŋeya yakaipa mizhinji, ʋakazodza ʋazhinji ʋairwara mafuta, ʋaciʋaporesa.
14
Ɀino mambo Herode waka ɀi nzwa, nokuti zita rake rakaŋga rakurumbira, akati: Johane Mubapatidzi wakamuka kuʋakafa, saka masimba awa anoɓata maari.
15
Ʋamŋe ʋakati: NdiEria; ʋamŋe ʋakati: Muprofita wakafanana nomumŋe waʋaprofita.
16
Asi Herode wakati aci ɀi nzwa, akati: NdiJohane wakamuka, uya wandakagura musoro.
17
Nokuti Herode wakaŋga atuma ʋanhu, akaɓata Johane, akamusuŋga mutoroŋgo nokuɗa kwaHerodiasi, mukadzi waFiripo, munuŋuna wake, nokuti wakaŋga amuwana.
18
Nokuti Johane wakaŋga ati kunaHerode: Haunakutenderwa kuti uʋe nomukadzi womunuŋuna wako.
19
Herodiasi akamuʋeŋga, akaɗa kumuʋuraya, akasagona;
20
nokuti Herode wakaŋga acitya Johane, aciziʋa kuti munhu wakarurama, mutȿene, akamuceŋgeta ɀakanaka. Wakati amunzwa, akakaŋganiswa kwaɀo, akasifara kumunzwa.
21
Asi zuʋa rakafanira rakati raȿika, Herode nezuʋa rokuɓerekwa kwake akaitira madzishe ake naʋakuru ʋeɀuru ɀamazana naʋaɓati ʋakuru ʋeGarirea mutambo mukuru;
22
ɀino mŋanasikana waHerodiasi amene wakapinda, akatamba, akafadza Herode naʋakaŋga ʋagere pakudya naye; mambo akati kumŋanasikana: Kumbira kwandiri caunoɗa, ndikupe.
23
Akamupikira, aciti: Caunokumbira kwandiri ndica ku pa, kuȿikira pahafu yoʋushe bgaŋgu.
24
Akaɓuɗa, akati kunamai ʋake: Ndicakumbireiko? Ʋakati: Musoro waJohane Mubapatidzi.
25
Pakarepo akakurumidza kupinda kunamambo, akakumbira aciti: Ndinoɗa kuti mundipe mundiro ikoɀino musoro waJohane Mubapatidzi.
26
Ipapo mambo akaɀidya mŋoyo kwaɀo, asi wakaŋga asiŋgaɗi kumurambira nokuɗa kwokupika kwake, ʋuye nokuɗa kwaʋakaŋga ʋagere naye pakudya.
27
Pakarepo mambo akatuma murwi, akaraira kuti aʋuye nomusoro wake.
28
Akaenda, akamugura musoro mutoroŋgo, akaʋuya nomusoro wake mundiro, akaupa musikana, musikana ndokuupa mai ʋake.
29
Ʋadzidzi ʋake ʋakati ʋaciɀinzwa, ʋakaʋuya ʋakatora mutumbu wake, ʋakauʋiga mubgiro.
30
Ɀino ʋaapostora ʋakaʋuŋganira kunaJesu, ʋakamuʋudza ɀose ɀaʋakaŋga ʋaita, neɀaʋakaŋga ʋadzidzisa.
31
Akati kwaʋari: Ʋuyai imi muri moga kunɀimbo murenje, muzorore ɀishoma; nokuti kwakaŋga kunaʋazhinji ʋaiʋuy naʋaienda, ʋakasaʋa neŋguʋa kunyaŋge yokudya.
32
Ʋakaenda negwa kunɀimbo murenje ʋari ʋoga.
33
Ʋanhu ʋakaʋaʋona ʋacienda, ʋazhinji ʋakamuziʋa, ʋakamhanyira ʋose ikoko, ʋacibva pamaguta ose, ʋakaʋataŋgira kuȿika.
34
Ɀino wakati aciɓuɗa mugwa, akaʋona ʋazhinji‐zhinji, akaʋanzwira tsitsi, nokuti ʋakaŋga ʋakafanana namakwai asinomufudzi; akataŋga kuʋadzidzisa ɀizhinji.
35
Ɀino zuʋa roɗo‐kuʋira, ʋadzidzi ʋake ʋakaʋuya kwaari, ʋakati: Pano inɀimbo murenje, zuʋa roɗo‐kuʋira;
36
ʋaendisei, kuti ʋaende kuruwa nemisha yakapoteredza, ʋandoɀiteŋgera ɀokudya.
37
Akapindura, akati kwaʋari: Imi muʋapei ɀaʋaŋgadya. Ʋakati kwaari: Tiŋgaenda kundoteŋga ɀiŋgwa namadenari anamazana maʋiri, tiʋape ʋadye here?
38
Akati kwaʋari: Muneɀiŋgwa ɀiŋganiko? Endai mutarire. Ʋakati ʋaziʋa, ʋakati: Ɀishanu, nehoʋe mbiri.
39
Ɀino akaʋaraira kuti ʋagarise ʋose pasi paʋuswa bgunyoro ʋakaita mapoka‐mapoka.
40
Ʋakagara pasi ʋakaita mapoka‐mapoka anezana naanamakumi mashanu.
41
Ɀino akatora ɀiŋgwa ɀishanu nehoʋe mbiri, akatarira kuɗeŋga, akaʋoŋga, akameɗura ɀiŋgwa, akapa ʋadzidzi ʋake, kuti ʋa ɀi ise pamberi paʋo; nehoʋe mbiri akadzigoʋera ʋose.
42
Ʋakadya ʋose, ʋakaguta.
43
Ʋakaʋuŋganidza ɀimeɗu, mateŋgu anegumi namaʋiri akazadzwa, neɀehoʋe ʋo.
44
Ʋakaŋga ʋadya ɀiŋgwa ʋaiʋa ʋarume ʋaneɀuru ɀishanu.
45
Pakarepo akagombedzera ʋadzidzi ʋake kuti ʋapinde mugwa, ʋamutuŋgamirire kuyambukira mhiri Betsaida, iye aciendisa ʋanhu ʋazhinji.
46
Akati awonekana naʋo, akaenda mugomo kundonyeŋgetera.
47
Aʋa maɗekwana igwa rakaŋga riri pakati peguŋgwa, iye ari oga panyika.
48
Ɀino wakati aciʋona kuti ʋanotambudzika nokukwaȿa, nokuti mhepo yakaŋga iciʋadziʋisa, neŋguʋa ineŋge seyecinna yoʋusiku, akaʋuya kwaʋari acifamba pamsoro peguŋgwa; akaɗa kupfuʋura.
49
Ɀino ʋakati ʋacimuʋona acifamba pamsoro peguŋgwa, ʋakati madzimudzaŋgara, ʋakaridza mhere.
50
Nokuti ʋose ʋakamuʋona, ʋakamanikidzwa; akataura naʋo, akati kwaʋari: Tsuŋgai mŋoyo, ndini, musatya.
51
Akakwira kwaʋari mugwa, mhepo ikanyarara; ʋakashamiswa kwaɀo‐kwaɀo mumŋoyo yaʋo.
52
Nokuti ʋakaŋga ʋasati ʋanzwisisa shoko reɀiŋgwa, nokuti mŋoyo yaʋo yakaŋga iri mikukutu.
53
Ʋakati ʋayambukira mhiri, ʋakaȿika kunyika yeGenesareti, ʋakasuŋgira igwa pamhenderekedzo.
54
Ʋakati ʋaɓuɗa mugwa, pakarepo ʋanhu ʋakamuziʋa,
55
ʋakamhanyira munyika yose iyo, ʋakataŋga kutakura ʋairwara panhoʋo dzaʋo, ʋakaʋaisa paʋainzwa kuti ndiko kwaari.
56
Pose paakapinda pamisha napamaguta, naparuwa, ʋakaradzika ʋairwara paɗare, ʋakakumbira ɀikuru kwaari kuti ʋaɓate kunyaŋge mupendero weŋguʋo dzake cete; ʋose ʋakamuɓata ʋakaporeswa.
← Chapter 5
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 7 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16