bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
/
1 Samuel 16
1 Samuel 16
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
← Chapter 15
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 17 →
1
Zvino Jehovha wakati kuna Samueri, “Uchachema Sauro kusvikira riniko, zvandakamuramba ini, kuti arege kuva mambo waIsiraeri? Zadza gonamombe rako namafuta, uende, ndikutume kuna Jese muBheterehemu; nokuti ndakazvitsvakira mambo pakati pavana vake.”
2
Samueri akati, “Ndingaenda seiko? Kana Sauro akazvinzwa, uchandiuraya.” Jehovha akati, “Enda netsiru, uti, ‘Ndauya kuzobayira Jehovha.’
3
Zvino udane Jese auye kuchibayiro, ini ndichakuzivisa zvaunofanira kuita, ugondizodzera wandichakuratidza.”
4
Samueri akaita zvakataurwa naJehovha, akaenda Bheterehemu. Vakuru veguta vakandosangana naye, vachibvunda, vakati, “Mauya norugare here?”
5
Akati, “Hongu, norugare; ndauya kuzobayira Jehovha, muzvinatsei, muende neni kundobayira.” Ipapo akanatsa Jese navanakomana vake, akavadana kuchibayiro.
6
Zvino vakati vasvika, akatarira Eriabhu, akati, “Zvirokwazvo, muzodzwa waJehovha uri pamberi pake.”
7
Asi Jehovha wakati kuna Samueri, “Usatarira chiso chake, kana mumhu wake, nokuti ndamuramba; nokuti Jehovha haawoni somunhu, nokuti munhu unotarira zviri kunze, asi Jehovha unotarira zviri pamwoyo.”
8
Zvino Jese akadana Abhinadhabhu, akamupfuudza pamberi paSamueri. Akati, “Kunyange nouyu Jehovha haana kumutsaura.”
9
Zvino Jese akapfuudza Shama. Akati, “Nouyu Jehovha haana kumutsaura.”
10
Jese akapfuudza vanomwe vavanakomana vake pamberi paSamueri. Samueri akati kuna Jese, “Jehovha haana kutsaura ava.”
11
Zvino Samueri akati kuna Jese, “Vana vako varipano vose here?” Akati, “Muduku kuna vose ndiye wasara; tarirai unorisa makwai.” Samueri akati kuna Jese, “Tuma munhu amutore, nokuti hatingagari pakudya kusvika iye auya pano.”
12
Akatuma munhu, akapinda naye. Zvino wakanga ari mutsvuku, akanaka kumeso, ano muviri wakanaka. Jehovha akati, “Simuka, umuzodze, nokuti ndiye.”
13
Ipapo Samueri akatora gonamombe ramafuta, akamuzodza pakati pehama dzake. Mweya waJehovha akauya pamusoro paDhavhidhi nesimba, kubva pazuva iro zvichienda mberi. Zvino Samueri akasimuka, akaenda Rama.
14
Zvino Mweya waJehovha wakanga wabva kuna Sauro, mweya wakaipa wakanga watumwa naJehovha, ukamuvhundusa.
15
Varanda vaSauro vakati kwaari, “Tarirai zvino, mweya wakaipa, wakatumwa naMwari, unokuvhundusai.”
16
Zvino tenzi wedu ngaatiraire isu varanda venyu vari pamberi penyu, kuti titsvake munhu unoziva kuridza mbira kwazvo; zvino kana mweya wakaipa, unotumwa naMwari, uchiuya pamusoro penyu, iye aridze noruoko rwake, mupore.
17
Sauro akati kuvaranda vake, “Chinditsvakirai munhu unogona kuridza zvakanaka, muuye naye kwandiri.”
18
Zvino mumwe wamajaya akapindura, akati, “Tarirai, ndakaona mwanakomana waJese muBheterehemu unoziva kuridza kwazvo, munhu ane simba noumhare, murwi, wakachenjera pakutaura, munhu wakanaka, uye Jehovha anaye.”
19
Naizvozvo Sauro akatuma nhume kuna Jese, akati, “Nditumire mwanakomana wako Dhavhidhi, ari kumakwai.”
20
Jese akatora mbongoro, akaitakudza chingwa, nedende rewaini, nembudzana, akazvituma kuna Sauro nomwanakomana wake Dhavhidhi.
21
Dhavhidhi akasvika kuna Sauro, akamira pamberi pake, iye akamuda kwazvo, akava mubati wenhumbi dzake dzokurwa.
22
Sauro akatuma shoko kuna Jese, akati, “Tendera hako Dhavhidhi amire pamberi pangu, nokuti ndinomufarira kwazvo.”
23
Zvino nguva dzose kana mweya wakaipa, wakatumwa naMwari, uchiuya pamusoro paSauro, Dhavhidhi ndokutora mbira, nokuridza noruoko rwake; Sauro akanyaradzwa, akapora, mweya wakaipa ndokubva kwaari.
← Chapter 15
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 17 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31