bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
/
1 Samuel 29
1 Samuel 29
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
← Chapter 28
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 30 →
1
Zvino vaFirisitia vakaunganidza hondo dzavo dzose paAfeki, asi vaIsiraeri vakavaka misasa yavo patsime raiva paJezereeri.
2
Madzishe avaFirisitia akapfuura akaita mazana‐nemazana zviuru‐nezviuru, naDhavhidhi navanhu vake vakapfuurawo vachitevera Akishi.
3
Ipapo machinda avaFirisitia akati, “Ko vaHebheru ava vanoiteiko pano?” Akishi akati kumachinda avaFirisitia, “Ko uyu haazi Dhavhidhi, muranda waSauro, mambo waIsiraeri, ugere neni mazuva ano kana makore ano here? Handina kuwana mhosva kwaari, chinguva chaakatizira kwandiri kusvikira nhasi.”
4
Asi machinda avaFirisitia akamutsamwira, machinda avaFirisitia vakati kwaari, “Dzosa munhu uyu, adzokere uko kwake kwawakamuisa iwe, asi ngaarege kuburuka kundorwa nesu, kuti arege kutipandukira akava muvengi wedu pakurwa. Nokuti munhu uyu ungandoyananisa ishe wake neiko? Hatiti nemisoro yavanhu ava here?
5
“Ko uyu haazi Dhavhidhi uya wavakaimbira vachibvumirana pakutamba kwavo, vachiti, ‘Sauro wakauraya zviuru zvamazana, Asi Dhavhidhi makumi ezviuru zvamazana?’ ”
6
Ipapo Akishi akadana Dhavhidhi, akati kwaari, “NaJehovha mupenyu, iwe wakanga uri munhu wakarurama, nokubuda kwako nokupinda kwako pahondo kwakanga kuchindifadza ini, nokuti handina kuwana zvakaipa kwauri kubva pazuva rawakasvika kwandiri kusvikira zuva ranhasi; asi madzishe haakufariri.
7
Naizvozvo zvino chidzoka hako, uende norugare, kuti urege kuzoita chisingafadzi madzishe avaFirisitia.”
8
Dhavhidhi akati kuna Akishi, “Ndadiniko? Makawaneiko kumuranda wenyu chinguva chandakagara nemi kusvikira nhasi, kuti ndirege kundorwa navavengi vashe wangu mambo?”
9
Akishi akapindura, akati kuna Dhavhidhi, “Ndinoziva kuti unondifadza ini, somutumwa waMwari; asi machinda avaFirisitia akati, ‘Ngaarege kukwira nesu kundorwa.’
10
Naizvozvo zvino chimuka hako achiri mangwanani pamwechete navaranda vashe wako vakauya newe; zvino kana mamuka mangwanani, mogona kuona, muende henyu.”
11
Naizvozvo Dhavhidhi akamuka mangwanani, iye navanhu vake, vakaenda mangwanani, vakadzokera kunyika yavaFirisitia. VaFirisitia vakakwira vakaenda Jezereeri.
← Chapter 28
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 30 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31