bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
/
1 Samuel 8
1 Samuel 8
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
← Chapter 7
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 9 →
1
Zvino Samueri wakati akwegura akagadza vanakomana vake kuti vave vatongi pakati paIsiraeri.
2
Zita romwana wake wodangwe rakanga riri Jowero, nezita rowechipiri Abhija; ivo vaiva vatongi paBheerishebha.
3
Asi vanakomana vake havana kufamba nenzira dzake, asi vakatsaukira kupfuma yakaipa, vakagamuchira fufuro, nokusaruramisa pakutonga.
4
Zvino vakuru vaIsiraeri vose vakaungana, vakauya kuna Samueri paRama,
5
vakati kwaari, “Tarirai, imi makwegura, asi vanakomana venyu havafambi nenzira dzenyu, zvino tigadzirirei mambo ungatitonga, sezvinoitwa kundudzi dzose.”
6
Asi shoko iro harina kufadza Samueri, iro rokuti, “Tipei mambo ungatitonga.” Samueri akanyengetera kuna Jehovha.
7
Ipapo Jehovha akati kuna Samueri, “Teerera hako zvose zvinotaura vanhu kwauri, nokuti havana kukuramba iwe, asi vakandiramba ini, kuti ndirege kuva mambo wavo.
8
“Zvose zvavakaita kubva zuva randakavakwidza ndichivabudisa paIjipiti kusvikira nhasi, vachindirasha nokushumira vamwe vamwari, ndizvo zvavanokuitira iwewo.
9
Zvino terera hako mazwi avo; asi uvapupurire kwazvo, uvazivise tsika dzamambo, uchavabata.”
10
Zvino Samueri akaudza vanhu vakanga vachikumbira mambo kwaari mashoko ose aJehovha.
11
Akati, “Tsika dzamambo, uchakubatai, ndidzo, Uchatora vanakomana venyu akavaisa pangoro dzake.
12
Uchazvitsaurira vamwe vave vakuru vezviuru, navakuru vamakumi mashanu; ucharaira vamwe kumurimira minda yake, nokukohwa michero yake, nokumuitira nhumbi dzake dzokurwa nadzo, nenhumbi dzengoro dzake.
13
“Uchatora vanasikana venyu, vave vavenganisi vezvinonhuwira, navabiki vezvokudya, navabiki vechingwa.
14
Uchatora minda yenyu neminda yenyu yemidzambiringa, neminda yenyu yemiorivhi yakaisvonaka kukunda mimwe, achipa varanda vake.
15
Uchatora zvegumi zvembeu dzenyu nemadzambiringa enyu, achipa varanda vake navabatiri vake.
16
“Uchatora varanda venyu navarandakadzi venyu, namajaya enyu akaisvonaka kukunda vamwe vose, nembongoro dzenyu, achibatisa mabasa ake nazvo.
17
“Uchatora zvegumi zvamapoka enyu amakwai; nemi muchava varanda vake.
18
“Nezuva iro muchachema kwazvo nokuda kwamambo wenyu wamunenge mazvitsaurira; asi Jehovha haangakupinduriyi nezuva iro.”
19
Asi vanhu vakaramba kuteerera izwi raSamueri, vakati, “Kwete, tinoda hedu mambo ungatibata,
20
kuti isuo tifanane nedzimwe ndudzi; mambo wedu atitonge, atitungamirire, nokurwa pahondo dzedu.”
21
Samueri akanzwa mashoko ose avanhu, akaarondedzera panzeve dzaJehovha.
22
Zvino Jehovha akati kuna Samueri, “Terera hako mazwi avo, uvagadzirire mambo.” Samueri akati kuvarume vaIsiraeri, “Endai henyu, mumwe nomumwe kuguta rake.”
← Chapter 7
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 9 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31