bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
/
1 Samuel 21
1 Samuel 21
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
← Chapter 20
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 22 →
1
Zvino Dhavhidhi akasvika Nobhi kuna Ahimereki mupristi; Ahimereki akasangana naDhavhidhi achidedera; akati kwaari, “Uri woga neiko, usino mumwe newe?”
2
Dhavhidhi akati kuna Ahimereki mupristi, “Mambo wakandiraira basa, akati kwandiri, ‘Ngakurege kuva nomunhu unoziva chinhu chebasa randinokutuma naro, nerandinokuraira.’ Majaya ndakaaraira kusangana neni pane imwe nzvimbo.
3
Naizvozvo zvino, muneiko pano? Ndipei zvingwa zvishanu muruoko rwangu, kunyange zvipi nezvipi zviripo.”
4
Mupristi akapindura Dhavhidhi, akati, “Hapana chingwa chinosidyiwa muruoko rwangu, asi chingwa chitsvene ndicho chiripo; kwoga kana majaya akazvidzora kuvakadzi.”
5
Dhavhidhi akapindura mupristi, akati kwaari, “Zvirokwazvo, vakadzi vakadziviswa kwatiri sapanguva dzose kana ndichifamba rwendo; nhumbi dzamajaya dzakanga dziri tsvene, kunyange rwaiva rwendo rwamazuva ose harwo, ndoda nhasi nhumbi dzavo dzichava tsvene.”
6
Naizvozvo mupristi akamupa chingwa chitsvene, nokuti kwakanga kusina chingwapo, asi chingwa chokuratidza, chakanga chabviswa pamberi paJehovha, kuti chingwa chinopisa chiiswepo pazuva rokubviswa kwacho.
7
Zvino mumwe muranda waSauro wakanga aripo nomusi iwoyo, anonoswa pamberi paJehovha, wainzi Dhoegi, muEdhomu, mutariri wavafudzi vaSauro.
8
Dhavhidhi akati kuna Ahimereki, “Hapana pfumo kana munondo kwamuri here? Nokuti handina kuuya nomunondo wangu, kana nhumbi dzangu dzokurwa nadzo, nokuti basa ramambo raifanira kukurumidzirwa.”
9
Mupristi akati, “Munondo waGoriati muFirisitia, wawakauraya pamupata weEra, uri pano, wakaputirwa mumucheka mberi kweefodhi; kana uchida kuutora, chitora hako, nokuti hakuna mumwe asi iwoyo.” Dhavhidhi akati, “Hakuna nomumwe wakafanana nawo, ndipe hoyo.”
10
Dhavhidhi akasimuka akatiza iwoyo nokutya Sauro, akaenda kuna Akishi, mambo weGati.
11
Zvino varanda vaAkishi vakati kwaari, “Ko uyu haazi Dhavhidhi mambo wenyika here? Haazi iye wavakaimbira vachibvumirana pakutamba kwavo, vachiti, ‘Sauro wakauraya zviuru zvamazana ake, Asi Dhavhidhi makumi ezviuru zvamazana ake?’ ”
12
Dhavhidhi akarangarira mashoko iwayo mumwoyo make, akatya kwazvo Akishi mambo weGati.
13
Akashandura mugarire wake pamberi pavo, akazviita sebenzi pakati pavo, akakwara‐kwara pamagonhi esuo, akarega mate ake achisiririka pandebvu dzake.
14
Zvino Akishi akati kuvaranda vake, “Tarirai, munhu uyu ibenzi; mauyireiko naye kuno kwandiri?
15
Ini ndinoshaiwa mapenzi kanhi, zvamauya nomunhu uyu kuzoratidza upenzi hwake pamberi pangu? Munhu wakadai ungapinda mumba mangu here?”
← Chapter 20
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 22 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31