bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
/
1 Samuel 22
1 Samuel 22
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
← Chapter 21
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 23 →
1
Naizvozvo Dhavhidhi wakabvapo akatizira kubako reAdhurami; zvino hama dzake navose veimba yababa vake vakati vachinzwa, vakaburukirako kwavari.
2
Zvino vose vakanga vari panjodzi, navose vakanga vane mhosva, navose vakanga vane shungu vakaungana kwaari, akava mutangamiriri wavo; kwakanga kuna varume vanenge mazana mana naye.
3
Zvino Dhavhidhi akabvapo akaenda Mizipa kwaMoabhu; akati kuna mambo waMoabhu, “Baba vangu namai vangu ndinokumbira kuti vauye vagare nemi, kusvikira ndaziva chandichaitirwa naMwari.”
4
Akavaisa kuna mambo waMoabhu, vakagara naye nguva yose yokugara kwaDhavhidhi munhare.
5
Zvino muporofita Gadhi akati kuna Dhavhidhi: “Usaramba ugere munhare, asi ibva undogara panyika yaJudha.” Ipapo Dhavhidhi akabva akasvika kudondo reHereti.
6
Zvino Sauro wakanzwa kuti Dhavhidhi wawanikwa, iye navarume vaiva naye; Sauro wakanga agere Gibhea, munyasi momuti womutamarisiki paRama, akabata pfumo rake muruoko rwake, navaranda vake vose vakanga vamire naye.
7
Zvino Sauro wakati kuvaranda vake vakanga vamire naye, “Inzwai zvino, imi vaBhenjamini! Mwanakomana waJese uchakupai mose minda neminda yemidzambiringa here? Uchakuitai mose vakuru vezviuru navakuru vamazana here?
8
Zvamandirangana mose, zvakusina mumwe unondizivisa kana mwanakomana wangu akaita sungano nomwanakomana waJese, zvakusino mumwe wenyu unondinzwira tsitsi, kana unondizivisa kuti mwanakomana wangu wakamutsa muranda wangu kuti andimukire, andivandire, sezvaanoita nhasi here?”
9
Ipapo Dhoegi muEdhomu, wakanga amire navaranda vaSauro, akapindura akati, “Ndakaona mwanakomana waJese achisvika Nobhi, kuna Ahimereki mwanakomana waAitubi.
10
Iye akamubvunzira kuna Jehovha, akamupa mbuva, akamupawo munondo waGoriati muFirisitia.”
11
Ipapo mambo akatuma nhume kundodana Ahimereki mupristi, mwanakomana waAhitubi, neveimba yake yose, ivo vapristi vaiva paNobhi; vakauya vose kuna mambo.
12
Zvino Sauro akati; “Zvino chinzwa, iwe mwanakomana waAhitubi.” Iye akapindura, akati, “Ndiri pano, ishe wangu.”
13
Sauro akati kwaari; “Mandiranganeiko, iwe nomwanakomana waJese, zvawakamupa, chingwa, nomunondo, nokumubvunzira kuna Mwari, kuti andimukire, andivandire sezvaanoita nhasi?”
14
Ipapo Ahimereki akapindura mambo akati, “Ndianiko pakati pavaranda venyu vose wakatendeka saDhavhidhi, mukwambo wamambo, unosirangana nemi, unokudzwa mumba menyu?
15
Ndiko nhasi kwandatanga kumubvunzira kuna Mwari here? Haisva! Mambo ngaarege hake kusundira muranda wake mhosva, kunyange vose veimba yababa vangu; nokuti muranda wenyu haazivi izvozvo zvose, kunyange zviduku kana zvikuru.”
16
Ipapo mambo akati, “Zvirokwazvo, uchafa Ahimereki, iwe navose veimba yababa vako.”
17
Mambo akati kuvanyai vakanga vamire naye, “Tendeukai, muuraye vapristi vaJehovha, nokuti maoko avo anobatsira Dhavhidhi, nokuti vakanga vachiziva kuti watiza, asi havana kundizivisa.” Asi varanda vamambo vakaramba kutambanudzira maoko avo kuuraya vapristi vaJehovha.
18
Ipapo mambo akati kuna Dhoegi, “Tendeuka iwe, uuraye vapristi.” Dhoegi muEdhomu, akatendeuka, akauraya vapristi, akaparadza nomusi iwoyo vanhu vana makumi masere navashanu vakanga vakafuka efodhi yomucheka.
19
Akaparadzawo Nobhi, guta ravapristi, neminondo inopinza, varume navakadzi vose, navana navakanga vachimwa, nemombe, nembongoro, namakwai; zvose zvakaparadzwa neminondo inopinza.
20
Asi mumwe wavanakomana vaAhimereki mwanakomana waAhitubi, wainzi Abhiatari, wakapukunyuka, akatiza, akatevera Dhavhidhi.
21
Abhiatari akaudza Dhavhidhi kuti Sauro wauraya vapristi vaJehovha.
22
Dhavhidhi akati kuna Abhiatari, “Musi uya wandakaona Dhoegi muEdhomu aripo, ndakaziva kuti zvirokwazvo uchandoudza Sauro; ndini ndakaurayisa vanhu vose veimba yababa vako.
23
“Gara hako neni, usatya; nokuti unotsvaka kundiuraya ini, ndiye unotsvaka kukuuraya iwewo; nokuti kana ukagara neni uchachengetwa.”
← Chapter 21
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 23 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31