bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
/
1 Samuel 9
1 Samuel 9
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
← Chapter 8
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 10 →
1
Zvino kwakanga kuno murume waBhenjamini, wainzi Kishi, mwanakomana waAbhieri, mwanakomana waZerori, mwanakomana waBhekorati, mwanakomana waAfia, mwanakomana womuBhenjamini, munhu waiva nesimba roumhare.
2
Uyu munhu wakanga ano mwanakomana wainzi Sauro, jaya rakanaka; kwakanga kusino mumwe munhu pakati pavana vaIsiraeri wakanga akamukunda pakunaka; kubva pamafudzi ake kusvika kumusoro wake wakanga akapfuura vanhu vose pakureba.
3
Zvino mbongoro dzaKishi, baba vaSauro, dzakanga dzarashika. Ipapo Kishi akati kuna Sauro, mwanakomana wake, “Enda nomumwe wavaranda, mundotsvaka mbongoro.”
4
Iye akapfuura nokunyika yamakomo yaEfuremu, akapfuurawo nokunyika yamakomo yeSharisha, asi havana kudziwana; zvino vakapfuurazve nokunyika yeSharimi, asi naipapo dzakanga dzisipo; ipapo akapfuura nokunyika yavaBhenjamini, asi havana kudziwana.
5
Zvino vakati vachisvika kunyika yeZufi, Sauro akati kumuranda wake, wakanga anaye, “Ngatidzoke hedu; baba vangu zvimwe vangarega kufunga mbongoro, vakafunganya pamusoro pedu.”
6
Iye akati kwaari, “Tarirai, muguta rino muno munhu waMwari, munhu unokudzwa kwazvo; zvose zvaanotaura zvinoitika; hendei zvino ikoko, zvimwe ungatiudza nzira yatingafamba nayo.”
7
Zvino Sauro akati kumuranda wake, “Asi tarira, kana tikaenda, tichandovigirei munhu uyo? Nokuti zvingwa zvakanga zviri mumidziyo yedu zvapera; hapana chipo chatingavigira munhu waMwari; tineiko?”
8
Ipapo muranda akapindurazve, akati kuna Sauro, “Tarirai, ndine chechina cheshekeri resirivha muruoko rwangu; ndichachipa munhu waMwari, atiudze nzira yedu.”
9
(Kare pakati pavaIsiraeri kana munhu ondobvunza Mwari, waiti, “Handei kumuwoni;” nokuti unonzi Muporofita zvino wainzi Muwoni kare.)
10
Ipapo Sauro akati kumuranda wake, “Ishoko rakanaka, hendei.” Naizvozvo vakaenda kuguta kwakanga kuno munhu waMwari.
11
Zvino vakati vachikwira kuguta, vakasongana navasikana vakanga vabuda kundoteka mvura, vakati kwavari, “Muwoni ari pano here?”
12
Vakapindura, vakati, “Aripo; tarirai, hoyo pamberi penyu; kurumidzai henyu zvino, nokuti wasvika muguta nhasi; nokuti vanhu vanobayira nhasi padunhu rakakwirira.
13
Kana mangoti mapinda muguta, muchamuwana pakarepo achigere kukwira kudunhu rakakwirira kundodyapo; nokuti vanhu havangadyi, iye asati asvika, nokuti ndiye unoropafadza chibayiro; pashure ivo vakakokwa vachadya. Naizvozvo chikwirai zvino, nokuti muchamuwana nenguva ino.”
14
Ipapo vakakwira kuguta. Vakati vosvika muguta, vakaona Samueri obuda, akasangana navo okwira kudunhu rakakwirira.
15
Zvino Jehovha wakanga azivisa Samueri zuva rakatangira kusvika kwaSauro, akati,
16
“Mangwana nenguva ino ndichatuma kwauri munhu unobva kunyika yaBhenjamini; unofanira kumuzodza, kuti ave mutungamiriri wavanhu vangu vaIsiraeri, aponese vanhu vangu mumaoko avaFirisitia; nokuti ndakatarira vanhu vangu, nokuti kuchema kwavo kwakasvika kwandiri.”
17
Zvino Samueri wakati achiona Sauro; Jehovha akati kwaari, “Ndiye munhu wandakakuudza ndichiti, ndiye uchabata vanhu vangu.”
18
Ipapo Sauro akaswedera kuna Samueri pasuo, akati, “Ndiudzeiwo kuti imba yoMuwoni iripi?”
19
Samueri akapindura Sauro, akati, “Ndini Muwoni; nditungamirirei mukwire kudunhu rakakwirira, nokuti munofanira kudya neni nhasi; mangwana ndichakutendera kuenda, ndigokuudzawo zvose zviri pamwoyo wako.
20
Asi kana dziri mbongoro dzako dzakanga dzarashika mazuva matatu, usadzifunga hako, nokuti dzatowanikwa hadzo. Asi zvose zvinodikanwa naIsiraeri hazvizi kwauri here? Hazvizi kwauri nokuna vose veimba yababa vako here?”
21
Sauro akapindura, akati, “Ko handizi muBhenjamini, worudzi ruduku kumarudzi ose aIsiraeri here? Uye mhuri yangu haizi duku kumhuri dzose dzorudzi rwaBhenjamini here? Munotaurireiko kudaro kwandiri?”
22
Samueri akatora Sauro nomuranda wake, akapinda navo mumba mokudyira, akavagarisa pavakakudzwa kupfuura vamwe vakakokwa, vaiva vanhu vanenge makumi matatu.
23
Zvino Samueri akati kumubiki, “Uya nomugove wandakakupa ndichiti, ‘Chiuchengeta uri woga.’ ”
24
Mubiki akatora chidzva nezvose zvakanga zviri pachiri, akazvigadza pamberi paSauro. Samueri akati, “Tarira, ndicho chakanga chakachengetwa; uzvigadze pamberi pako, udye, nokuti zvakakuchengeterwa iwe kusvikira nguva yakafanira, nokuti ndakati, Ndakokera vanhu.” Naizvozvo Sauro akadya naSamueri musi iwoyo.
25
Zvino vakati vaburuka padunhu rakakwirira, vakapinda muguta, akataurirana naSauro padenga reimba.
26
Vakamuka mangwanani, mambakwedza, Samueri akadana Sauro padenga reimba, akati, “Muka, ndikuendise.” Ipapo Sauro akamuka, vakabuda iye naSamueri vari vaviri.
27
Zvino vakati voburuka pamugumo weguta, Samueri akati kuna Sauro, “Raira muranda atungamire mberi kwedu (iye akatungamira hake); asi iwe chimbomira hako, ndikuzivise shoko raMwari.”
← Chapter 8
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 10 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31