bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
/
1 Samuel 23
1 Samuel 23
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
← Chapter 22
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 24 →
1
Zvino vanhu vakaudza Dhavhidhi vakati, “Tarirai, vaFirisitia vanorwa neKeira, vachipambara zviri pamapuriro.”
2
Naizvozvo Dhavhidhi akabvunza Jehovha akati, “Ndoenda, ndinoparadza vaFirisitia avo here?” Jehovha akati kuna Dhavhidhi, “Enda undoparadza vaFirisitia, uponese Keira.”
3
Varume vaDhavhidhi vakati kwaari, “Tarirai, isu tinotya tichiri pano paJudha, ndoda kana tikaenda Keira kundorwa nehondo dzavaFirisitia.”
4
Zvino Dhavhidhi akabvunzazve Jehovha, Jehovha akamupindura akati, “Simuka, uburukire Keira, nokuti ndichaisa vaFirisitia muruoko rwako.”
5
Dhavhidhi navanhu vake vakaenda Keira, vakandorwa navaFirisitia, vakavatorera mombe dzavo, vakavauraya nokuuraya kukuru. Naizvozvo Dhavhidhi akaponesa vanhu vakanga vagere Keira.
6
Zvino Abhiatari mwanakomana waAhimereki pakutizira kwake kuna Dhavhidhi paKeira, wakaenda akabata efodhi paruoko rwake.
7
Sauro akaudzwa kuti Dhavhidhi wasvika Keira. Sauro akati, “Mwari wamuisa muruoko rwangu, wazaririrwamo zvaapinda muguta rinamasuo ezvipfigiso.”
8
Sauro akadana vanhu vose kundorwa, akaburukira Keira, akakomba Dhavhidhi navanhu vake.
9
Asi Dhavhidhi wakaziva kuti Sauro wakafunga kumuitira zvakaipa, akati kuna Abhiatari mupristi, “Uya pano neefodhi.”
10
Zvino Dhavhidhi akati, “Jehovha, Mwari waIsiraeri, muranda wenyu wakanzwa zvirokwazvo kuti Sauro unoda kuuya Keira, kuzoparadza guta nokuda kwangu.
11
Ko varume veKeira vachandiisa mumaoko ake here? Ko Sauro uchaburuka here, sezvakanzwa muranda wenyu? Jehovha, Mwari waIsiraeri, ndinokumbira muzivise henyu muranda wenyu.” Jehovha akati, “Uchaburuka.”
12
Dhavhidhi akati, “Ko varume veKeira vachandiisa navanhu vangu muruoko rwaSauro here?” Jehovha akati, “Vachakuisa.”
13
Ipapo Dhavhidhi navanhu vake, vanenge mazana matanhatu, vakasimuka, vakabva Keira, vakafamba‐famba havo. Sauro akaudzwa kuti Dhavhidhi wapukunyuka paKeira, akarega hake kuendako.
14
Dhavhidhi akagara murenje munhare, akaramba agere panyika yamakomo murenje reZifi. Sauro akamutsvaka mazuva ose, Mwari haana kumuisa muruoko rwake.
15
Zvino Dhavhidhi akaona kuti Sauro wakanga abuda kuzotsvaka kumuuraya, Dhavhidhi akagara murenje reZifi mudondo.
16
Ipapo Jonatani mwanakomana waSauro, akasimuka, akaenda kuna Dhavhidhi mudondo, akamusimbisa muna Mwari.
17
Akati kwaari, “Usatya, nokuti ruoko rwababa vangu Sauro harungakuwani, uchava mambo waIsiraeri, neni ndichava muduku kwauri; nababa vangu Sauro vanozviziva.”
18
Ivo vaviri vakaita sungano pamberi paJehovha; Dhavhidhi akagara mudondo, Jonatani akadzokera kumba kwake.
19
Zvino vaZifi vakakwira kuna Sauro paGibhea vakati, “Ko Dhavhidhi haazinovanda kwatiri, panhare mudondo, mugomo reHakira riri kurutivi rwezasi rwerenje here?”
20
Naizvozvo zvino, mambo burukai, sezvinoda mwoyo wenyu; kana tirisu ndiro basa redu kuti timuise pamaoko amambo.
21
Ipapo Sauro akati, “Imi muropafadzwe naJehovha, nokuti makandinzwira tsitsi.
22
Chiendai henyu, mucherekedze kwazvo, muzive nokuona kwaari, kwaanogara, uye kuti ndianiko wakamuonako; nokuti ndaudzwa kuti unamano kwazvo.
23
Naizvozvo tarisisai, muzive zvakanaka nzvimbo dzake dzose dzaanovanda kwadziri, mugodzokerazve kwandiri, zvirokwazvo, ndiende nemi; zvino kana achinge ari munyika iyo, ndichandomutsvakisisa pakati pezviuru zvavaJudha.
24
Ipapo vakasimuka, vakaenda Zifi pamberi paSauro, asi Dhavhidhi navanhu vake vakanga vari murenje reMaoni paArabha kurutivi rwezasi rwerenje.”
25
Zvino Sauro navanhu vake vakaenda kundomutsvaka. Dhavhidhi akaudzwa izvozvo; naizvozvo akaburukira kudombo, akandogara murenje reMaoni. Zvino Sauro wakati achinzwa, akatevera Dhavhidhi kurenje reMaoni.
26
Sauro akaenda nechokuno kwegomo, Dhavhidhi navanhu vake vakaenda necheseri kwegomo; Dhavhidhi akakurumidza kubva, nokutya Sauro; nokuti Sauro navanhu vake vakanga vakomba Dhavhidhi navanhu vake, kuti vavabate.
27
Asi nhume yakasvika kuna Sauro, ikati, “Kurumidzai, muuye, nokuti vaFirisitia vopambara nyika.”
28
Naizvozvo Sauro akadzoka pakutevera Dhavhidhi, akandorwa navaFirisitia. Naizvozvo vakapatumidza zita rokuti Serahamarekoti.
29
Dhavhidhi akakwira, akabvapo, akandogara munhare dzapaEnigedhi.
← Chapter 22
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 24 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31