bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
/
1 Samuel 2
1 Samuel 2
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
← Chapter 1
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 3 →
1
Hana akanyengetera, akati, “Mwoyo wangu unofarira Jehovha, Runyanga rwangu rwakakwiridzwa muna Jehovha; Muromo wangu wakashamira vavengi vangu; Nokuti ndinofarira ruponeso rwenyu.
2
Hakuna mutsvene wakafanana naJehovha; Nokuti hakuna mumwe kunze kwenyu. Uye hakuna dombo rakafanana naMwari wedu.
3
Musaramba muchitaura muchizvikudza zvikuru, Manyawi ngaarege kubuda pamiromo yenyu, Nokuti Jehovha ndiMwari unoziva, Mabasa avanhu anoyerwa naye.
4
Uta hwavanhu vane simba vakavhunika, Vakanga vachigumburwa vakasungwa zvino nesimba.
5
Vakanga vakaguta vakandobatira zvokudya zvavo, Vakanga vane nzara vozorora. Wakanga asingabereki wakabereka vanomwe; Asi iye wakanga ana vana vazhinji voshaiwa simba.
6
Jehovha ndiye unouraya, nokuraramisawo; Ndiye unoburusira kuhwiro, nokukwidzawo.
7
Jehovha ndiye unopa urombo, ndiye unofumisawo. Ndiye unodukupisa, nokukwiridzawo.
8
Ndiye unosimudza varombo paguruva, Unosimudza rombe, achimubvisa padurunhuru; Kuti avagarise pamwechete namachinda, Avagarise nhaka yechigaro choushe chinobwinya. Nokuti mbiru dzenyika ndedzaJehovha, Iye wakateya nyika pamusoro padzo.
9
Uchachengeta tsoka dzavatsvene vake, Asi vakaipa vachanyaradzwa murima; Nokuti hakuna munhu achakunda nesimba rake.
10
Vanorwa naJehovha vachapwanyiwa; Uchavatinhirira ari kudenga; Jehovha uchatonga migumo yenyika; Uchapa mambo wake simba, Nokukwiridza runyanga rwomuzodzwa wake.”
11
Zvino Erikana akaenda kumba kwake paRama. Mwana akabatira Jehovha pamberi pomupristi Eri.
12
Zvino vanakomana vaEri vakanga vari vanhu vakaisvoipa; havana kurangarira Jehovha.
13
Tsika yavapristi pamberi pavanhu yakanga iri iyi, Kana ani nani akauya nechibayiro, muranda womupristi waiuya ane chibayiso chenyama china meno matatu muruoko rwake, kana nyama ichibikwa;
14
zvino ndokubaya nacho mugango, kana muhadyana, kana mugate, kana muhari; zvose zvaibudiswa nechibayiso chenyama zvaitorwa nomupristi. Ndizvo zvavaiitira vaIsiraeri vose vaiuya paShiro.
15
Zvino kunyange vasati vapisa mafuta, muranda womupristi waiuya, ndokuti kumunhu wakanga achibayira, “Ndipe nyama yokugochera mupristi; nokuti haangagamuchiri kwauri nyama yakabikwa, asi mbishi.”
16
Zvino kana munhu uyo akati kwaari, “Ngavatange kupisa mafuta, ugotora hako zvose zvinodikanwa nomwoyo wako,” ipapo iye ndokuti, “Kwete, chindipa iyo zvino; kana usingadi, ndichatora nesimba.”
17
Zvivi zvamajaya zvakanga zviri zvikuru pamberi paJehovha, nokuti vanhu vakazvidza chipiriso chaJehovha.
18
Asi Samueri waibata pamberi paJehovha, achiri mwana wake, akasungwa chiuno neefodhi yomucheka.
19
Namai vakewo vakamuitira nguo duku, vakauya nayo kwaari gore rimwe nerimwe, kana ouya nomurume wake kuzobayira chibayiro chegore rimwe nerimwe.
20
Eri akaropafadza Erikana nomukadzi wake, akati, “Jehovha ngaakupe vana kumukadzi uyu panzvimbo yaiye wamakapa Jehovha.” Vakaenda kumusha kwavo.
21
Zvino Jehovha akashanyira Hana, akava nemimba, akazobereka vanakomana vatatu navanasikana vaviri. Iye mwana Samueri akazokura pamberi paJehovha.
22
Zvino Eri wakanga akwegura kwazvo; akanzwa zvose zvakanga zvichiitirwa vaIsiraeri vose navanakomana vake, namavatire avaiita navakadzi vaibata basa pamukova rokusangana.
23
Akati kwavari, “Munoitireiko zvinhu zvakadai? Nokuti ndinongosinzwa kuvanhu vose ava zvakaipa zvamunoita.
24
Kwete, vana vangu; nokuti mashoko andinonzwa haana kunaka; munodarikisa vanhu vaJehovha.
25
Kana munhu mumwe akatadzira mumwe, mutongi uchamutonga mhosva yake, asi kana munhu akatadzira Jehovha, ndianiko uchamureverera?” Kunyange zvakadaro, havana kuteerera izwi rababa vavo, nokuti Jehovha wakanga achida kuvauraya.
26
Iye mwana Samueri akaramba achikura, akadikanwa naJehovha uye navanhuwo.
27
Zvino mumwe murume waMwari akauya kuna Eri, akati kwaari, “Zvanzi naJehovha, ‘Handina kuzviratidza here kuimba yababa vako, vachiri Ijipiti vakasungwa neimba yaFarao here?
28
Handina kumutsaura here pakati pamarudzi aIsiraeri, kuti ave mupristi wangu, akwire kuatari yangu kupisa zvinonhuwira, nokufuka efodi pamberi pangu here? Handina kupa imba yababa vako zvipiriso zvose zvavana vaIsiraeri zvinopiswa here?
29
Zvino munopfunhurireiko chibayiro changu nechipiriso changu, zvandakaraira mumba mangu, mukakudza vanakomana venyu kukundeni, mukazvikodza nezvipiriso zvakanakisa zvavanhu vangu vaIsiraeri here?’
30
“Naizvozvo zvanzi naJehovha waIsiraeri, ‘Ndakati nomwoyo wose kuti imba yako, neimba yababa vako, vafambe pamberi pangu nokusingaperi,’ asi zvino zvanzi naJehovha, ‘Handingadaro, nokuti vanondikudza ndichavakudzawo, vanondizvidza ndichavashorawo.
31
Tarira, mazuva achasvika, andichagura nawo ruoko rwako, noruoko rweveimba yababa vako, kusvikira pasisina mutana paimba yako.
32
Uchaona kutambudzika kweimba yangu, pakati pepfuma yose ichapiwa Isiraeri naMwari; hapangazovi nomutana paimba yako nokusingaperi.
33
Munhu weimba yako wandicharega kubvisa paatari yangu, iye uchapedza meso ako, nokuchemedza mwoyo wako; vana vose veimba yako vachafa vachiri varume vane simba ravo.
34
Zvino hechi chiratidzo chandinokupa, chichaitika kuvanakomana vako vaviri Hofini naPinehasi, vachafa vose vari vaviri nomusi mumwe.
35
Neni ndichazvimutsira mupristi wakatendeka, uchaita zviri pamwoyo wangu nomurangariro wangu; ndichamuvakira imba yakasimba, uchafamba pamberi pomuzodzwa wangu nokusingaperi.
36
Zvino mumwe nomumwe unenge asara paimba yako, uchauya kuzomupfugamira, achikumbira chimari chesirivha nebundu rechingwa,’ achiti, ‘Dondipaiwo rimwe basa ravapristi, ndidyewo chimedu chechingwa.’ ”
← Chapter 1
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 3 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31