bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
/
1 Samuel 6
1 Samuel 6
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
← Chapter 5
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 7 →
1
Zvino areka yaJehovha yakagara munyika yavaFirisitia mwedzi minomwe.
2
VaFirisitia vakadana vapristi navavuki, vakati, “Tichaita seiko neareka yaJehovha? Tizivisei mutowo watingaidzosera nawo kunzvimbo yayo.”
3
Vakati, “Kana muchidzosera areka yaMwari waIsiraeri, musaituma isine chinhu; asi munofanira kumutumira chipiriso chemhosva; ipapo muchapora, mugoziva kuti ruoko rwake runoregereiko kubviswa kwamuri.”
4
Zvino vakati, “Chipiriso chemhosva chatinofanira kumuripira nacho ndecheiko?” Vakati, “Mamota mashanu endarama, namakonzo mashanu endarama, zvakaenzana namadzishe avaFirisitia; nokuti makanga marohwa nedambudziko rimwe, imi mose namadzishe enyu.
5
Naizvozvo munofanira kuita mufananidzo wamamota enyu, nomufananidzo wamakonzo enyu anotadzira nyika, mukudze Mwari waIsiraeri; zvimwe ucharerutsa ruoko rwake pamusoro penyu, napamusoro pavamwari venyu, napamusoro penyika yenyu.
6
Muchawomesereiko mwoyo sezvakaita vaIjipiti naFarao vakawomesa mwoyo yavo? Nguva yaakaita zvishamiso pakati pavo, havana kurega vanhu here, vakaenda?
7
Naizvozvo zvino torai mugadzire ngoro itsva, nemhou mbiri dzinomwisa dzisina kumboiswa joko, musunge mhou pangoro, asi muraurire mhuru dzadzo kumusha;
8
zvino mutore areka yaJehovha, mugoiisa pangoro; nezvishongo zvendarama, zvamunomuripira nazvo kuti chive chipiriso chemhosva, mudziise mubhokisi parutivi rwayo, mugoituma iende.
9
“Zvino tarirai, kana ikakwira nenzira yenyika yayo kuBhetishemeshi, ndiye wakatiitira njodzi huru iyi; asi kana isingadaro, tichaziva kuti haruzi ruoko rwake rwakatirova, chinhu hacho chatiwira.”
10
Zvino varume vakaita saizvozvo; vakatora mhou mbiri dzakanga dzichimwisa, vakadzisunga pangoro, vakapfigira mhuru dzadzo kumusha;
11
vakaisa areka yaJehovha pamusoro pengoro, nebhokisi rakanga rina makonzo endarama, nemifananidzo yamamota avo.
12
Zvino mhou dzikarurama nenzira inoenda Bhetishemeshi, dzikafamba nenzira huru, dzikaenda dzichingokuma; hadzina kutsaukira kurudyi kana kuruboshwe; madzishe avaFirisitia akadzitevera kusvikira kumuganho weBhetishemeshi.
13
Zvino vanhu veBhetishemeshi vakanga vachicheka zviyo zvavo pamupata, vakatarira, vakaona areka, vakafara vachiiona.
14
Ngoro ikasvika pamunda waJoshua muBhetishemeshi, ikamira pakanga pane bwe guru; ipapo vakapamura matanda engoro, vakabayira mhou vakadziita chipiriso chinopiriswa Jehovha.
15
Zvino vaRevhi vakaburutsa areka yaJehovha, nebhokisi rakanga riri pairi, makanga mune zvishongo zvendarama, vakazviisa pabwe guru, varume veBhetishemeshi vakauya nezvipiriso zvinopiswa vakabayira Jehovha zvibayiro nomusi uyo.
16
Zvino madzishe mashanu avaFirisitia akati aona izvozvo, akadzokera Ekironi nomusi iwoyo.
17
Zvino ndiwo mamota endarama akaripwa namadzishe avaFirisitia, kuti chive chipiriso chemhosva kuna Jehovha; rimwe raiva reAshidhodhi, rimwe reGaza, rimwe reAshikeroni, rimwe reGati, rimwe reEkironi;
18
namakonzo endarama akanga akaenzana namaguta ose avaFirisitia, akanga ari amadzishe mashanu, aiva maguta akapoteredzwa namasvingo nemisha miduku yokuruwa. Uye ibwe guru ravakagadzika areka yaJehovha pamusoro paro, richiripo pamunda waJoshua muBhetishemeshi kusvikira nhasi.
19
Zvino Jehovha akauraya vamwe vavarume veBhetishemeshi, nokuti vakanga vatarira mukati meareka yaJehovha; akauraya varume vane zviuru zvina makumi mashanu namakumi manomwe pakati pavanhu avo; vanhu vakachema, nokuti Jehovha wakanga auraya vanhu nokuuraya kukuru.
20
Zvino varume veBhetishemeshi vakati, “Ndianiko unogona kumira pamberi paJehovha, Mwari uyu Mutsvene? Uchakwira kuna ani, kana achibva kwatiri?”
21
Ipapo vakatuma nhume kuna vakanga vagere Kiriatijearimi, vakati, “VaFirisitia vadzosa areka yaJehovha; burukai imi, muzoiisa kwenyu.”
← Chapter 5
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 7 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31