bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
/
1 Samuel 3
1 Samuel 3
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
← Chapter 2
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 4 →
1
Zvino mwana Samueri waibatsira Jehovha pamberi paEri. Asi shoko raJehovha rakanga richinzwika kashoma pamazuva iwayo; Jehovha wakanga asingazviratidzi pachena.
2
Zvino nenguva iyo Eri wakati avata pasi panzvimbo yake, (Meso ake zvino akanga oonera madzerere, asingagoni kuona kwazvo,)
3
mwenje waMwari usati wadzimwa, naSamueri akanga avata pasi patemberi yaJehovha, pakanga pane areka yaMwari;
4
Jehovha akadana Samueri. Iye akati, “Ndiripano hangu.”
5
Akamhanyira kuna Eri, akati, “Ndiripano hangu, nokuti mandidana.” Eri akati, “Handina kukudana, chivata hakozve.” Iye akandovatazve.
6
Ipapo Jehovha akapamhazve kudana, akati, “Samueri!” Samueri akamuka, akaenda kuna Eri, akati, “Ndiripano hangu, nokuti mandidana.” Akapindura akati, “Handina kukudana, mwana wangu; chivata hakozve.”
7
Asi Samueri wakanga achigere kuziva Jehovha, uye shoko raJehovha rakanga richigere kumuziviswa.
8
Zvino Jehovha akapamhazve kudana Samueri rwechitatu. Iye akamuka, akaenda kuna Eri, akati, “Ndiri pano hangu, nokuti mandidana.” Ipapo Eri akaziva kuti ndiJehovha wakadana mwana.
9
Saka Eri akati kuna Samueri, “Chindovata hako; zvino kana iye okudana, uti, ‘Taurai Jehovha, nokuti muranda wenyu unonzwa.’ ” Naizvozvo Samueri akaenda, akandovata panzvimbo yake.
10
Ipapo Jehovha akauya, akamira, akadana sapanguva dzimwe dzokutanga, akati, “Samueri, Samueri!” Samueri akati, “Taurai henyu, nokuti muranda wenyu unonzwa.”
11
Jehovha akati kuna Samueri, “Tarira, ndichaita chinhu pakati paIsiraeri, nzeve dzomumwe nomumwe unochinzwa dzichawunga.
12
Nomusi uyo ndichaitira Eri zvose zvandakataura pamusoro paimba yake, kubva pakutanga kusvikira pakupedzisira.
13
Nokuti ndakamuudza kuti ndichatongesa imba yake nokusingaperi pamusoro pezvakaipa zvaakanga achiziva hake; nokuti vanakomana vake vakanga vachizvigadzirira kutukwa, asi iye haana kuvadzivisa.
14
“Saka ndakapika pamusoro peimba yaEri, kuti zvakaipa zveimba yaEri hazvingayananiswi nezvibayiro kana nezvipiriso nokusingaperi.”
15
Zvino Samueri akavata kusvikira mangwana, akazarura mikova yeimba yaJehovha. Asi Samueri wakatya kuzivisa Eri zvaakanga aratidzwa.
16
Zvino Eri akadana Samueri, akati “Samueri, mwana wangu.” Iye akati, “Ndiripano hangu.”
17
Akati, “Chinyiko chawakaudzwa naJehovha? Usandivanzira hako chinhu icho; Mwari ngaakurove, arambe achidaro, kana ukandivanzira chinhu chimwe pazvinhu zvose zvaakakuudza.”
18
Ipapo Samueri akamurondedzera zvose‐zvose, haana kumuvanzira chinhu chimwe. Eri akati, “NdiJehovha, ngaaite hake sezvaanoda.”
19
Samueri akakura; Jehovha akava naye, haana kutendera kuti rimwe ramashoko ake riwire pasi.
20
VaIsiraeri vose kubva paDani kusvikira paBheerishebha, vakaziva kuti Samueri wakanga asimbiswa kuva muporofita waJehovha.
21
Zvino Jehovha akazviratidzazve paShiro, nokuti Jehovha wakazviratidza kuna Samueri paShiro neshoko raJehovha.
← Chapter 2
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 4 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31